‘Iva Norupo, Ude Kugoverana’
1 Mazana emakore akapfuura muapostora Pauro akarayiridza Timoti kuti akurudzire vaaitenda navo “kuti vashandire zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka kwazvo, kuti vave norupo, vanoda kugoverana.” (1 Tim. 6:18) Pauro akayeuchidzawo vaKristu vechiHebheru kuti vasakanganwa “kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe.” (VaH. 13:16) Nemhaka yei akanyora mirayiridzo iyi? Nokuti aiziva kuti kwaizova ne“mbiri nokukudzwa norugare nokuda kwomunhu wose anoita zvakanaka.”—VaR. 2:10.
2 Nemhaka yokuva kwake Musiki, Jehovha Mwari ndiye Muridzi wezvinhu zvose. (Zvak. 4:11) Tinoonga zvechokwadi zvaari kutiitira nezvinhu zvake. Pasinei zvapo namaitiro okusaonga evanhu vakawanda, Wokumusorosoro anoramba achibvumira vose kuti vabatsirwe negadziriro dzake dzorupo dzokutsigira upenyu. (Mat. 5:45) Akatopa Mwanakomana wake waanoda kwazvo sechibayiro kuitira kuti tive noupenyu husingaperi. Rudo rwatakaratidzwa harwufaniri kutigombedzera kuzviratidza kuti tinoonga here nokuva vane rupo kune vatinonamata navo?—2 VaK. 5:14, 15.
3 Tingagoverana Chii? Zvakangokodzera kuti tishandise zvinhu zvipi nezvipi zvatinazvo munzira inofadza mukuona kwaMwari. Zvechokwadi tinoda kutsigira basa roUmambo romunyika yose kunyama nokumudzimu. Chokwadi, mashoko akanaka ndiwo pfuma inokosha kupfuura dzose iyo munhu upi noupi angava nayo, nokuti “isimba raMwari roruponeso.” (VaR. 1:16) Nokushandisa nguva yedu uye pfuma norupo mwedzi yose kuita basa rokuparidza nokudzidzisa, tingakwanisa kugoverana pfuma yomudzimu iyi navamwe, zvichiita kuti vawane upenyu husingaperi.
4 Jehovha anofara kwazvo patinobatsira varombo. Anovimbisa zvikomborero, uye anotiyeuchidzawo kuti: “Pfuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; asi kururama kunorwira parufu.” (Zvir. 11:4; 19:17) Kutsigira basa roUmambo nezvokunyama uye kushanda zvakazara mukuparidza mashoko akanaka ndedzimwe nzira dzakanaka zvikuru dzatingaratidza kuti chaizvoizvo tine rupo, tinoda kugoverana.