Jehovah’s Witnesses—Organized to Share the Good News
Ava makore anopfuura 100 Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza mashoko akanaka nenzira yakarongeka. Mubasa rakakura rokuparidza riri kuitwa munyika yose kupfuura nakare kose, tinoudza vanhu mashoko aya mumazana emitauro uye munyika dzinopfuura 230. (Mat. 24:14) Nei basa iri richikosha? Zvinofamba sei kuti Shoko risvike kunyika dzakawanda kudaro? Vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—Organized to Share the Good News inopindura mibvunzo iyi ichitsanangura zvakawanda nezvebasa redu munyika yose. Waona vhidhiyo iyi, tsvaka mhinduro yemibvunzo iri pasi apa.
Vhidhiyo iyi yawedzera sei kunzwisisa uye kuonga kwako (1) zviri kuitwa nesangano raJehovha kuti mashoko akanaka aparidzwe? (2 Tim. 4:2) (2) mhuri dzeBheteri munyika yose? (3) kudzidziswa kunoitwa mamishinari uye vatariri? (2 Tim. 2:2) (4) kukosha kwokutanga zuva roga roga nokuongorora ndima yeBhaibheri uye kugadzirira misangano yeungano vhiki nevhiki? (Mab. 17:11) (5) kubatsirwa kwatinoitwa nokupinda misangano yechiKristu? (VaH. 10:24, 25) (6) makomborero auchawana kana pasi rino ravazve Paradhiso? (Isa. 11:9) (7) ropafadzo yaunayo yokushanda mubasa rokukohwa riri kuenderera mberi?—Joh. 4:35.
Vhidhiyo iyi iri kubatsira chaizvo vanhu vanofarira kuti vazive basa rinoitwa munyika yose neZvapupu zvaJehovha. (8) Vhidhiyo iyi tingairatidza vatinodzidza nawo Bhaibheri, vomumhuri uye vamwe vanhu kana zvaita sei? (9) Pawakaratidza vanhu vhidhiyo iyi vakaiona sei?
Patinofungisisa zviri kuitwa naJehovha, zvinoita kuti tibvumirane nemashoko omunyori wepisarema okuti: “Imi makaita zvinhu zvizhinji, haiwa Jehovha Mwari wangu, iwo mabasa enyu anoshamisa nepfungwa dzenyu kwatiri; hapana angaenzaniswa nemi.” (Pis. 40:5) Ngatiratidzei vanhu vhidhiyo iyi kuti tivabatsire kunzwisisa uye kuonga Jehovha nesangano rake!