RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/00 p. 1
  • Ramba Uchiparidza!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchiparidza!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Rambai Muchiparidzira Umambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nei Tichifanira Kuramba Tichiparidza?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Nei Tichiramba Tichidzokera?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 11/00 p. 1

Ramba Uchiparidza!

1 Kuda kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Nokuda kwechikonzero ichi, akatipa basa rokuparidza mashoko akanaka. (Mat. 24:14) Kana tichinzwisisa kuti nei tichifanira kuramba tichiparidza, kuora mwoyo kupi nokupi kana kuti zvingangoda kutitsausa zvatingasangana nazvo hazvingatidzoreri shure.

2 Nei Tichipfuurira? Munyika mune zvinotsausa zvakawanda zvinoita kuti vanhu vakanganwe kana kuti varerutse zvatinovaudza. Saka tinofanira kuramba tichivayeuchidza nezveshoko raMwari roruponeso. (Mat. 24:38, 39) Uyezve, mamiriro ezvinhu muupenyu hwavanhu ari kuchinja nguva dzose. Kunyange mamiriro ezvinhu enyika anogona kuchinja zvikuru kamwe kamwe. (1 VaK. 7:31) Mangwana, vhiki inouya, kana kuti mwedzi unouya, vanhu vatinoparidzira vangatarisana nematambudziko matsva kana kuti zvinetso zvinovaita kuti vafungisise mashoko akanaka atinovaunzira. Hauongi here kuti Chapupu chakakuunzira chokwadi chaipfuurira?

3 Kutevedzera Ngoni dzaMwari: Jehovha nokushivirira akarega nguva ichipfuura asati atonga vakaipa. Achitishandisa akaramba achikumbira vane mwoyo yakarurama kuti vauye kwaari ndokuponeswa. (2 Pet. 3:9) Taizova nemhaka yeropa dai tisina kuzivisa vanhu shoko raMwari rengoni uye kuvanyevera nezvokutonga kuchada kuita Mwari vanhu vose vasingasiyi nzira dzavo dzakaipa. (Ezek. 33:1-11) Kunyange zvazvo kuparidza kwatinoita kusingagamuchirwi zvakanaka nguva dzose, hatifaniri kumboregeredza kuita zvose zvatinogona kubatsira vanhu vapachokwadi kuti vaonge ngoni huru dzaMwari.—Mab. 20:26, 27; VaR. 12:11.

4 Kuratidza Rudo Rwedu: NdiJehovha Mwari, achishandisa Jesu Kristu, akarayira kuti mashoko akanaka aparidzwe mupasi rose. (Mat. 28:19, 20) Kunyange kana vanhu vachiramba kuteerera, tine mukana wokuratidza rudo rwedu uye kuzvipira kuna Mwari nokuramba tichiita zvakarurama.—1 Joh. 5:3.

5 Ngatitsungei kuramba tichiparidza! Ngatiitei izvozvo nokushingaira richiri “zuva [raJehovha] roruponeso.”—2 VaK. 6:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe