Nei Tichiramba Tichidzokera?
1 Wakambozvibvunza mubvunzo iwoyo here, zvichida sezvo wakanga uchigadzirira nokuda kwezuva rebasa? Mudzimwe nzvimbo uko ndima yedu inoshandwa yashandwazve, vanasaimba vangaziva kuti tiri vanaani uye vanotidzinga. Vamwe vanotiudza zvakananga kusadzoka. Vashoma zvikuru bedzi vangadavidza nenzira yakanaka. Bva, kune zvikonzero zvakasimba nei tichiramba tichidzokera.
2 Kutanga, tinorayirwa kupfuurira kuparidza shoko reUmambo kutozosvikira mugumo wasvika. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Muporofita Isaya akabvunza kuti aizofanira kupfuudzira basa rake rekuparidza kwenguva yakareba sei. Mhinduro yaakagamuchira yakanyorwa pana Isaya 6:11. Hapana mubvunzo pamusoro pako—akaudzwa kuramba achidzokera kuvanhu neshoko raMwari. Nenzira yakafanana nhasi, kunyange zvazvo vangatidzinga, Jehovha anotikarira kupfuurira kushanyira vanhu vanogara mundima yedu. (Ezek. 3:10, 11) Iri ibasa rinoyera rakaronzeswa kwatiri.—1 VaK. 9:17.
3 Chimwe chikonzero chokuti tirambe tichidzokera ndechokuti ikoku kunotipa mukana wekuratidza ukuru hwekuzvipira kwedu kuna Jehovha. (1 Joh. 5:3) Kunze kwezvo, apo tinorangarira zvine nguva yemberi iri pedyo nokuda kwerudzi rwomunhu, tinogona sei kuzvidzivisa kunyevera nenzira yerudo vavakidzani vedu? (2 Tim. 4:2; Jak. 2:8) Kuva kwedu vakatendeka mukuita mugove wedu kunogovera mikana inodzokororwa yokuti vagamuchire shoko raMwari reruponeso, kuitira kuti vasazokwanisa kutaura kuti havana kunyeverwa.—Ezek. 5:13.
4 Mukuwedzera, hatitongozivi apo vamwe vanhu vachachinja mwoyo. Kunogona kusundwa nechinjo mumamiriro ezvinhu zvavo zvemunhu oga, ngwavaira mumhuri yavo, kana kuti mamiriro ezvinhu enyika anovaparira kufunga zvakakomba pamusoro peramangwana ravo. Ipapo zvekare, chimwe chinhu chatinotaura pasuo ravo chinganyandura kudavidza kwakanaka. (Mup. 9:11; 1 VaK. 7:31) Uyewo, vanhu vanotama. Tingawana vagari vatsva mundima yedu vachagamuchira kumashoko akanaka—zvichida vakura zvino vava kugara voga uye vari kufunga zvakakomba pamusoro pedonzo ravo muupenyu.
5 Ticharamba tichidzokera here? Hungu! Magwaro anotipa sundo yakakwana yekudzokera tadzokera kuvanhu. Pakupedzisira, apo basa rekuparidza rinopedzwa, Jehovha achatikomborera nokuda kwenhamburiko yedu yakapfuuridzirwa muushumiri, uye achakomborera avo vakagamuchira nokuonga mashoko akanaka eUmambo.—1 Tim. 4:16.