RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/01 p. 3
  • Kokorodzano—Nguva Yokufara!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kokorodzano—Nguva Yokufara!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Jehovha Anounganidza Vanhu Vake Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze“nzira yaMwari Youpenyu” dza1998
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Unoonga Zvinhu Zvitsvene Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 7/01 p. 3

Kokorodzano—Nguva Yokufara!

1 Kokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha inguva yokufara kukuru. Kwemakore anopfuura zana, kuungana uku kwakaitawo kuti pave nokuwedzera kwave kuchiitika musangano redu. Kubvira pakuungana kuduku kwaiitwa, takaona zvikomborero zvaJehovha zvikuru mubasa redu repasi pose. Pakokorodzano yedu yokutanga yomunguva dzazvino, muChicago, Illinois, muna 1893, pa360 vakapinda 70 vacho vakabhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Vose vakapinda Kokorodzano Dzoruwa dzinotevedzana dzegore rapera dze“Vaiti veShoko raMwari” vaiva 9 454 055 pasi pose, uye 129 367 vakabhabhatidzwa. Chikonzero chakaisvonaka kwazvo chokufara!

2 Kubvira munguva inotaurwa muBhaibheri, kuungana kwevanhu vaMwari kwave kuchigovera nzira yakakurumbira yokupa murayiridzo unobva kuna Jehovha. Munguva yaEzra naNehemia, vanhu vaiteerera kuverengwa kwoMutemo “kubva mangwanani kusvikira masikati.” (Neh. 8:2, 3) Nokuti vakanzwisisa Mutemo zviri nani panguva iyoyo, vanhu vaka“fara kwazvo.” (Neh. 8:8, 12) Isuwo tinofara kuti kokorodzano dzinotipa mukana wakaisvonaka wokugamuchira murayiridzo wakanaka uye zvokudya zvomudzimu “panguva yakafanira” kubva kuna Jehovha achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Sezvo Jesu akati munhu anofanira kurarama “nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha,” kokorodzano dzinokosha kuti tibudirire mumudzimu.—Mat. 4:4.

3 Zvakakodzera Kuita Nepatinogona Napo Pose Kuti Tipinde: Tose zvedu tinofanira kuvavarira kuvapo paKokorodzano Yoruwa yegore rino ye“Vadzidzisi veShoko raMwari” yose. Tinofanira kuronga kukurumidza kusvika zuva rimwe nerimwe uye kuramba tiripo kusvikira tati “Ameni!” nevamwe pamunyengetero wokugumisira. Kuti tiite izvi tingada kugadziridza purogiramu yedu. Kuwana nguva yokusava kubasa kuti tipinde kokorodzano kunganetsa. Tinofanira kutoshinga, kwete kutarisira kuti zvose zvichaerekana zvaitika. Kana tichida pokugara kana kuti chokufambisa, tinofanira kukurumidza kuronga. Zvipi nezvipi zvatinoedza kuita zvichave zvakakodzera zvikuru!

4 Vanhu vaJehovha havayeri zvikomborero zvokupinda kokorodzano nemari. Cherechedza mienzaniso yevamwe vakanga vachitoda chete kupinda Gungano Remarudzi Akawanda roKuda kwaMwari reZvapupu zvaJehovha muna 1958 muNew York City. Imwe hama yakavhara bhizimisi rayo rokuvaka kwevhiki mbiri kuti izvipire kubatsira uye kupinda gungano racho. Imwe hama yokuVirgin Islands yakatengesa maeka mashanu omunda kuti mhuri yayo yose yevanhu vatanhatu igone kupinda. Vamwe vakaroorana vaduku vakatengesa chikepe chavo kuti vagone kuenda kugungano nevana vavo vose vatatu, vane zera rinotangira pamwedzi miviri kusvikira kumakore manomwe. Hama nhatu dzokuCalifornia dzine ukama dzakaudzwa kuti kana dzaizorovha mabasa adzo, dzaizopererwa nawo padzaidzoka. Zvisinei, izvozvo hazvina kudziita kuti dzirege kuenda kugungano iroro risingakanganwiki.

5 Jehovha Anokomborera Kushingaira Kwatinoita Kwomwoyo Wose: Jehovha anoona uye anokomborera kushingaira kwevanhu vake. (VaH. 6:10) Somuenzaniso, paGungano roKuwedzera Kwoutongi hwaMwari romuna 1950, vaya vakapinda vakanzwa hurukuro yakachinja vakawanda yaiva nomusoro unoti “Nyika Itsva.” Hama Frederick Franz vakaita kuti vose vafarire nokubvunza kuti: “Imi muri pagungano rino remarudzi akawanda maizofara here kuziva kuti pano, usiku huno, pakati pedu, pane vakati kuti vanotarisirwa kuva machinda epasi idzva?” Kwemakore anopfuura 50 gare gare, tichiri kufarira kunzwisisa uku kwakajekeswa kwePisarema 45:16.

6 Pashure pokupinda kokorodzano yoruwa yegore rapera, mumwe musoro wemhuri unoonga wakanyora zvinotevera: “Hama, hamumbofi makaziva kuti kokorodzano iyi yave ichiponesa upenyu zvakadini. Mhuri yangu yakatamira kuguta nemhaka yebasa, tikazozviwana tava kudzungaira mumudzimu. . . . Takanga taregeredza mitoro yedu yechiKristu. Takatorega kupinda misangano uye kuita basa. . . . Kokorodzano iyi yatisimbisazve, uye tava kutangazve vavariro dzomudzimu uye kuronga kudziita.”

7 Jehovha ari kutigovera zvokudya zvomudzimu zvatinoda. Anoisa zvokudya zvakawanda pakokorodzano dzedu. Kuonga kwatinoita zvinhu izvi kunofanira kuita kuti tikwanise kutaura zvakataurwa naKoneriyasi paakashanyirwa nomuapostora Petro kuti: “Panguva ino tose tiripo pamberi paMwari kuti tinzwe zvinhu zvose zvawakarayirwa naJehovha kuti utaure.” (Mab. 10:33) Ngativavarirei kuva “pamberi paMwari” papurogiramu yose yegore rino yeKokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari” uye ngatiifarirei!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe