Unoonga Zvinhu Zvitsvene Here?
1 Patinobvunzwa kuti tinoonga zvinhu zvitsvene here, zvimwe tingakurumidza kupindura kuti hungu! Ndedzipi dzimwe gadziriro tsvene dzaMwari dzatinoonga?
2 Tinokoshesa zvikuru sei ukama hwomunhu oga hwatinobvumirwa kuva nahwo naBaba vedu vokudenga! Vanotivimbisa kuti kana tika‘swedera pedyo navo, ivo vachaswedera pedyo nesu.’ (Jak. 4:8) Pasina chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, hapana munhu aigona kuwana upenyu husingaperi. (Joh. 3:16) Nemhaka yokuonga kwechokwadi, zuva nezuva tinoratidza mumunyengetero kuonga kwakadzama kwatinoita ichi chipo chinokosha chaMwari.
3 Shoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri Dzvene, idzvenewo kwatiri, sezvakaita sangano raJehovha rapasi. Tinoratidza kuonga kwakafanira gadziriro idzi dzinobva kuna Jehovha patinorarama maererano nenheyo dzeBhaibheri, patinosimbisa zvisungo zvorudo rwehama, patinonyatsotevedzera kurongeka kwokutonga kunoitwa naMwari, uye patinoshandira pamwe nevaya vanotungamirira.—1 Pet. 1:22.
4 Tinowana zvokudya zvomudzimu zvakawanda nokumuranda akatendeka, akangwara. Izvi zvichava zvechokwadi gore rino paKokorodzano Yoruwa ye“Vaiti veShoko raMwari.” Ikoko tichawana mirayiridzo inokosha ndokuva noushamwaridzani hwatinoda chaizvo. Tingaratidza sei kuonga kwomwoyo wose iyi gadziriro tsvene?
5 Usarega Imba yaJehovha: Nehemia akarayira vaya vakanga vashanda zvakaoma kuvakazve masvingo eJerusarema kuti ‘vasarega imba yaMwari wavo.’ (Neh. 10:39) Nhasi, “imba” yaJehovha igadziriro yake yokunamata. Kokorodzano dzedu dzoruwa ndedzimwe dzegadziriro iyoyo. Kuti tisarega gadziriro iyi, tinofanira kupinda ndokunyatsoteerera, tichiratidza Jehovha kuti tinokoshesa zvikuru gadziriro dzake. (VaH. 10:24, 25) Tinofanira kurongei iye zvino kuti tiratidze kuti tinoonga zvakazara chiitiko chitsvene ichi?
6 Pinda Mazuva Ose Matatu: Mumwe nomumwe wedu anofanira kuronga kupinda mazuva ose matatu ekokorodzano. Uri kuronga kukurumidza kusvika zuva roga roga uye kugara kusvikira munyengetero wokupedzisira musi weSvondo here? Kana zvakadaro, zvikomborero zvikuru zvichava zvako. Kupinda kokorodzano kungasava nyore nguva dzose. Zvinoda kusimba chaizvo kuti uwane nguva yokusava pabasa rako rokunyika. Zvokufambisa zvingasawanika nyore nguva dzose. Asi usarega zvinhu izvi zvichikuita kuti urege kupinda kokorodzano.
7 Funga Nezvomuenzaniso uyu Wakaisvonaka: Paraienda kune imwe kokorodzano yoruwa gore rapera, boka rehama mune imwe nyika yomuAfrica mune kusagadzikana kwavagari vemo rakasangana neboka ramasoja. Hama dzacho dzakabvunzwa kuti: “Ndimi vanaani, uye muri kuendepi?” Dzakapindura kuti: “Tiri Zvapupu zvaJehovha, uye tiri kuenda kunopinda kokorodzano yoruwa.” Mumwe wamasoja acho akataura achiti: “Imi Zvapupu zvaJehovha hamutyi chinhu. Chingoendai, uye muchakwanisa kuita kokorodzano yenyu pasina kana chinetso. Zvisinei, zivai kuti muchasangana namasoja akawanda. Fambirai pakati pomugwagwa nguva dzose! Kana mukaona vanhu vakawanda vakaungana, rambai muchifambira pakati pomugwagwa!” Dzakaita kudaro uye dzakasvika zvakanaka pakokorodzano yacho. Hama idzi dzakapiwa mubayiro nokuti dzakaratidza kuonga kwadzinoita zvinhu zvitsvene.
8 Kufanana nedzimwe hama muno muAfrica uye kune dzimwe nzvimbo, tinotarisanawo nezvinetso. Asi pasina mubvunzo tinogona kutevedzera kutenda kwadzo ndokutsunga kupinda purogiramu dzose dzekokorodzano yedu yoruwa. Kana kugadzirisa kuchidiwa, tsvaka kubatsirwa naJehovha, uchiziva kuti achakomborera zvatinoita kuti tipinde purogiramu yose.
9 Kohwa Zvikomborero Zvacho: Tinopanga Shoko raMwari, tichiziva kuti naro tingakura tigoponeswa. (1 Pet. 2:2) Kupinda kwatinoita kokorodzano yoruwa nokuteerera purogiramu yacho kuchabatsira mumwe nomumwe wedu kuvaka kutenda kwakasimba muShoko iroro uye nokudaro kukwanisa zviri nani kudzivisa kurwisa kwaSatani. Mukuita izvi, ticharatidza Jehovha navacherechedzi vose kuti tinoonga zvakazara zvinhu zvitsvene uye “hatisi vaya vanodzokera shure . . . asi vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.”—VaH. 10:39; 12:16; Zvir. 27:11.
10 Tinogona kutarisira kuvhura kuchaita Jehovha Mwari misuo yokudenga ndokutidururira mafashafasha ezvikomborero zvomudzimu. (Mar. 3:10) Iite vavariro yako kuva paKokorodzano Yoruwa ye“Vaiti veShoko raMwari” kubva panotanga purogiramu yacho chaipo neChishanu mangwanani kusvikira pamunyengetero wokugumisa uye “Ameni!” neSvondo masikati. Uchazofara kuti wakadaro!