Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze“nzira yaMwari Youpenyu” dza1998
1 Zvirevo 10:29 inotiyeuchidza kuti “nzira yaJehovha inhare.” Kokorodzano yegore rino ine musoro wakakodzera zvakadini—“Nzira yaMwari Youpenyu”! Musoro uyu uchakurudzirwa sei chaizvo mupurogiramu yose yamazuva matatu? Tose zvedu tinotarisira mberi kuzvatakagadzirirwa nekariro yokudisa. Uye mifungo inokosha ichasimbiswa.
2 Kupinda Kwakafanirwa Nenhamburiko Yacho: Dzakawanda dzehama dzedu muAfrica dzakatambura nhamo nemhaka yehondo nenyongano zviri kuitika mumamwe mativi ekondinendi yacho. Vanorangarira kokorodzano dzavanhu vaJehovha sedzinokosha zvikuru mukudzivirira upenyu. Vamwe vanofanira kufamba madaro marefu kuti vapinde kokorodzano, bva havangafungi nezvokuipotsa. Imwe hama ine makore 73 muDemocratic Republic of Congo (yaichimbova Zaire) yakafamba anenge makiromita 450 kuti ipinde kokorodzano. Yakasvika pashure pamazuva 16, tsoka dzazvimba, asi ichifara kuvapo. Pashure pekokorodzano, yafadzwa uye yasimbiswa mumudzimu, yakadzokera kumusha netsoka. Uyu wave uri muitiro wayo kwamakore!
3 MuMozambique mumwe mutariri woruwa nomudzimai wake vakakwira gomo refu ndokupfuura nomuimwe nzvimbo yakaita segwenga netsoka kuti vapinde gungano redunhu. Vakaita rwendo rwamakiromita 90 mumaawa 45. Vose vakapinda vakakurudzirwa zvikuru nomuenzaniso wakaisvonaka wavaroorani ava. Mhuri dzakawanda dzakanga dziripo dzakanga dzaita nhamburiko dzakafanana kuti dzipinde. Mutariri woruwa wacho akashuma kuti dzimwe hama, kubatanidza imwe ine makore 60, dzakafamba makiromita 200 netsoka!
4 Maita rongedzero chaidzo dzokupinda kokorodzano yegore rino here? Kungasava hako kuti muchafanira kufamba madaro marefu, asi nhamburiko dzakati nokurega zvimwe zvinhu zvichava zviri madikanwa kuitira kuti imi nemhuri yenyu muvepo. Rongai kupinda purogiramu yose kubva pamavambo kusvika pamugumo. Vadzidzi vakawanda veBhaibheri vari kufambira mberi vakananga kutsauriro. Kupinda kwavo kokorodzano kuchavabetsera kuita chisarudzo chakarurama. Makakoka vadzidzi venyu veBhaibheri navamwe vanofarira kuti vapinde nemi here?
5 Purogiramu Yamazuva Matatu: Purogiramu yegore rino ichapiwa pakokorodzano 14 muZimbabwe. Tsamba yeSosaiti ya20 March, 1998, ine misi nenzvimbo dzekokorodzano idzi. Panguva ino mava kuziva kokorodzano uko ungano yenyu yakagoverwa.
6 Chinhu Chaicho Chokungwarira: Zvinokosha zvikuru kuti mupinde kokorodzano uko ungano yenyu yakagoverwa, pazvinobvira. Tapota musaronga kupinda imwe yekokorodzano dzamarudzi akawanda kutoti muri nhume yakatenderwa. Nzvimbo dzekokorodzano uko kokorodzano dzamarudzi akawanda dzichaitirwa hadzisati dzichizokwana kunyange chikamu chavose vangada kupindira ikoko. Kuremekedza kwenyu somunhu oga nokubatira pamwe neidzi gadziriro kuchavimbisa kuti zvinhu zvose zvinoitika zvakanaka uye sezvakarongwa.—1 VaK. 14:33, 40.
7 Pamangwanani eChishanu neeChitanhatu, purogiramu ichavamba na9:30 a.m ndokuguma na5:00 p.m. Musi weSvondo, ichavamba na8:30 a.m ndokuguma na3:00 p.m. Hapana munhu achabvumirwa kuchengeta zvigaro usiku hwose.
8 Sezvatinoenda nokudzoka kukokorodzano, tinofanira kutsvaka mikana yokuita kupupura zvisina kurongwa. Vanotengesa peturu, vanotengesa muzvitoro, uye vamwe vatinosangana navo vangafarira shoko roUmambo. Gadzirirai izvozvi kupfurikidza nokuuya namaturakiti, magazini azvino, mabhurocha, kana kuti mamwe mabhuku kuitira kuti mushandise mikana yokupupura kuvanhu vangasasvikwa namashoko akanaka neimwe nzira.—2 Tim. 3:17.
9 “Ngwarirai Nzira Yamunoteerera Nayo”: Nhume dzekokorodzano dzakachenjera kuterera zano rinowanwa pana Ruka 8:18. Vose vanokurudzirwa kuuya neBhaibheri pamwe chete nebhuku renziyo nebhuku rezvinonyorwa. Teererai nokungwarira mifungo mikuru muhurukuro imwe neimwe, uye nyorai zvinonyorwa zvipfupi. Zvibvunzei kuti munogona sei kushandisa mashoko acho somunhu oga. Usiku humwe nohumwe hwekokorodzano, musati marara, kuregererei kuhwirudzura zvinonyorwa zvenyu ndokunzvera kuti muri kunamatira zvikuru zvakadini kunzira yaJehovha youpenyu.—Zvir. 4:10-13.
10 Kwakacherekedzwa kuti mukati mamarusando, vamwe vanobva munhandare ndokugara mumotokari dzavo, nokudaro vachipotsa kupiwa kwepurogiramu. Vamwe vakacherekedzwa vachidzungaira muzvivako apo vanofanira kuva vakagara muvateereri vachiteerera. Mapoka avanhu vaduku akaonekwa achibva panzvimbo yekokorodzano pakati pamasikati. Vamwe vavabatiri vaJehovha munguva dzakapfuura vakaita zvikanganiso zvakakomba muupenyu hwavo nemhaka yokuti havana kuteerera nokungwarira zviyeuchidzo zvaJehovha. Chokwadi tingada kudzivisa kuita chikanganiso chakafanana. (2 Madz. 17:13-15) “Muranda akatendeka uye akachenjera” akagadzira murayiridzo uyo tose zvedu tinoda. Zvinokosha zvikuru kuti ti“teerer[e] zvikuru izvo zvatakanzwa” mukati morusando rumwe norumwe rwepurogiramu yekokorodzano yamazuva matatu. Chimwe chinhu chatinofarira chaizvo chichasimbiswa zuva rimwe nerimwe, kubatanidza mashoko achava netapuro yakanaka zvechokwadi panzira yedu youpenyu munguva yemberi. Kupfurikidza nokuteerera kwedu nokushandisa zvizere izvo Jehovha anotigovera mumudzimu panhevedzano yekokorodzano iri kuuya, tariro yedu ichasimbiswa zvakasimba, kuti “tirege kukukurwa” panzira yaMwari youpenyu.—Mat. 24:45; VaH. 2:1.
11 Mupfekero Unokudza Jehovha: Muidzi nguva dzinotambudza, tinofanira kupa ngwariro inopfuura yenguva dzose kuti tisapesvedzerwe nomudzimu wenyika ino. (1 VaK. 2:12) Zvipfeko zvedu norutsvindo zvinofanira kuva zvine mwero uye zvinofanira kuratidzira chiremera chaMwari watinonamata. (1 Tim. 2:9, 10) Zvipfeko zvinodhura handizvo hazvo zvinodikanwa kuti tive pakati paavo vano“shongedz[a] dzidziso yaMwari, muponesi wedu.” (Tito 2:10) Cherekedzai zano rakaisvonaka rinoshanda uye raMagwaro riri pamapeji 17 ne18 echinyorwa chaJune 15, 1997, cheNharireyomurindi, ndima 14-18. Musatongorerutsa uchapupu hwakasimba hwatinogona kupa kupfurikidza nokupfeka nenzira inokudza Jehovha.
12 Chimwe Chapupu chine makore 16 okukura chakarondedzera kuti apo icho nomukoma wacho vakaenda kuresitorendi mamwe manheru pashure pamarusando, vakacherekedza kuti dzimwe dzehama nehanzvadzi dzakanga dziripo dzakanga dzachinja ndokupfeka zvisina kukodzera. Zvisinei, vatengi vakawanda vomuresitorendi yacho vakadavidza zvakanaka pakuona Zvapupu zvakanga zvakapfeka zvakatsvinda uye zvakakodzera uye zvakapfeka mabheji azvo. Izvi zvakazarura nzira yokupa uchapupu kuvamwe vavatengi.
13 Mufambiro Unorumbidza Jehovha: Tinoziva kuti mufambiro wedu wechiKristu unogona kutapura nzira iyo vamwe vanorangarira nayo kunamata kwechokwadi. Naizvozvo, tinoda kuzvibata nguva dzose nenzira yakafanira mashoko akanaka uye inounza rumbidzo kuna Jehovha.—VaF. 1:27.
14 Imwe nhengo yerimwe bato rezvamatongerwe enyika muimwe nyika yeAfrica yakatizira kuEurope apo dzimwe nhengo dzose dzebato rake dzakapondwa. Akawana zvinetso zvakawanda zvomunhu oga uye akaodzwa mwoyo zvikuru. Pakupedzisira akabvuma fundo yeBhaibheri. Apo akanga achipinda kokorodzano yake yoruwa yokutanga, akaororwa kuti vanhu vane mhatsa yamamiriro ezvinhu ekare vakanga vachisangana pamwe chete murugare nokutsinhirana. Akapwiswa kuti akanga awana chokwadi, uye mukati mekokorodzano iyoyo akasarudza kurega kubatanidzwa kwake kwose nezvamatongerwe enyika. Gare gare akabhabhatidzwa, uye zvino iye navana vake vari kubatira Jehovha.
15 Mufambiro wedu pakokorodzano gore rino uchatapura sei avo vangava vari kupinda kwenguva yokutanga? Vachacherekedza mudzimu wokubatira pamwe uchioneka here apo tinoshanda pamwe chete savazvipiri? Vachaororwa norucheno rwenzvimbo yedu uye kupfurikidza nokuona kuti tisati tabva panzvimbo yekokorodzano, isu navana vedu tinononga marara api naapi angava aungana pedyo nezvigaro zvedu here? Vachacherekedza mufambiro wedu wakaisvonaka sezvatinofamba kuenda nokudzoka kwatinogara nokunzvimbo yekokorodzano here? Vachacherekedza kuti savabereki, tinotarisira vana vedu nguva dzose here? Ngativei nechokwadi chokuti tinoita murangariro wakanakisisa unobvira pavose vanoticherekedza.
16 Kufukidza Ndyiko Dzekokorodzano: Tikiti rokuti uwane chigaro pamutambo kana kuti chimwe chiitiko munhandare kana kuti horo yekokorodzano rinogona kudhura munyika yanhasi. Izvi murutivi imhaka yemari dzerendi dzinodhura munzvimbo dzomumaguta makuru. Sosaiti nguva dzose yave ine muitiro we“zvigaro zvapachena, hapana kuunganidzwa kwemari” pakokorodzano. Mari dzokurenda nedzedzimwe ndyiko dzekokorodzano dzichabhadharwa sei? Kupfurikidza nemipiro yorupo yaavo vanopinda. Tine chokwadi chokuti ucharatidza mudzimu worupo wakafanana nouyo wakaratidzwa navabatiri vaMwari munguva yakapfuura mukutevedzerwa kwaJehovha Mwari naJesu Kristu. (2 VaK. 8:7) Ngwariro huru inopiwa kuva nechokwadi chokuti mipiro yose yachengetedzwa, yanyorwa pasi, uye yashandiswa nokuda kwechinangwa chayaida kushandisirwa. Mipiro ipi neipi inoitwa necheki inofanira kuitwa kuti ibhadharwe ku“Watchtower.”
17 Pokugara: Nhungamiro dzakapiwa kwemakore akati dzichapfuurira kushanda, dzokuti, ZVIGARO ZVINGACHENGETERWA BEDZI MITEZO YENYU YEMHURI YAPEDYO UYE VAPI NAVAPI VANGAVE VACHIFAMBA NEMI MUMOTOKARI YENYU. Zvave zvakanaka kuona kuvandudzika kwakaisvonaka munhau iyoyi, uye izvozvi zvakasimudzira mugariro worudo unoratidzirwa pakokorodzano. Panzvimbo dzakawanda zvikurusa, zvimwe zvigaro zvinosvikika zviri nyore kupfuura zvimwe. Tapota ratidzai kurangarira, uye siyirai zvigaro zvinosvikika zviri nyore vakwegura navamwe vane migariro inoita kuti vade izvozvo. Yeukai kuti ‘rudo harutsvaki fariro dzarwo pacharwo.’—1 VaK. 13:4, 5; VaF. 2:4.
18 Makamera, Mavhidhiyo Maduku, uye Matepi Ekurekodha: Makamera nezvekurekodhesa zvingashandiswa pakokorodzano. Zvisinei, kuzvishandisa kwako hakufaniri kudzongonyedza vamwe. Kufamba-famba tichitora mifananidzo mukati mamarusando kungavhiringidza vamwe vari kuedza kupa ngwariro kupurogiramu. Hapana michina yekurekodha yorudzi rwupi norwupi inofanira kupfekerwa kumidziyo yemagetsi kana kuti gudzanzwi, uye iyi midziyo haifaniri kuvhara munofambwa namo, nzira, kana kuti kudzikatidza vamwe.
19 First Aid: Dhipatimendi reFirst Aid nderekurapa kwekukurumidzira bedzi. Tapota uyai nemishonga yenyu inonyaradza marwadzo, zvinoyamura kugaya zvokudya, mabhandeji, zvipeneti, uye zvinhu zvakafanana, sezvo zvinhu zvakadaro zvisati zvichizopiwa pakokorodzano. Vapi navapi vanozivikanwa kuti vane ngozi yekubatwa nepfari, kupererwa kana kuti kuwandirwa neshuga mumuviri, zvinetso zvomwoyo, zvichingodaro, vanofanira kuuya nemishonga iri madikanwa. Vanofanira kuperekedzwa nomutezo wemhuri yavo kana kuti mutezo weungano unonzwisisa mugariro wavo uye unogona kudavidza kumugariro unoda betsero yokukurumidzira, kana ukamuka. Zvinetso zvakamuka pakokorodzano apo vanhu vane zvinetso zvoutano zvinopfuurira vakasiyiwa vari voga uye ndokurwara. Kana vamwe vane zvinodikanwa chaizvo zveutano vasina mitezo yemhuri inogona kuvabetsera, vakuru vachafanira kuziviswa nezvemamiriro ezvinhu uye vanofanira kuita gadziriro dziri madikanwa dzokubetsera. Hazvibviri kuita gadziriro yemakamuri chaiwo okugara pakokorodzano kuavo vanorwariswa nezvinhu zvisingawirirani nemiviri yavo.
20 Zvokudya Pakokorodzano: Kusava nezvokudya kwakaita kuti vakawanda zvikuru vasununguke mukati mamarusando kuti vape ngwariro pazvokudya zvomudzimu. Kuonga kwakati nokuda kwouku kupfavisa kwakagamuchirwa kubvira apo gadziriro yacho yakatangwa. Vose vanofanira kuronga kuunza zvokudya zvavo zvinogutsa, zvinovaka nokuda kwokutindika kwamasikati. Hapadikanwi zvokuisira zvemagirazi uye hapana zvinwiwa zvinodhaka zvinofanira kupinzwa munzvimbo yekokorodzano. Vamwe muvateereri vakacherekedzwa vachidya nokunwa mukati mepurogiramu. Kuita izvi kusaremekedza. Uko kune nzvimbo dzebhizimisi dzokutengera zvokudya mukati menzvimbo yekokorodzano kana kuti kune vatengesi kunze, dzimwe hama dzakacherekedzwa dzichitenga muidzi nzvimbo mukati mepurogiramu. Muitiro wakadaro hauna kufanira.
21 Kusimbisa mifungo yakati, zvinhu zvinotevera zvokuuya nazvo zvinokarakadzwa nokuda kwokutindika kwamasikati: Masangweji akatonhora, zvinhu zvakabhekwa, uye michero yakanaka. Zvinwiwa zvingabatanidza tii, kofi, madhiringi, michero yakasvinwa, kana kuti mvura yemumabhodhoro muchokuisira chisingaputsiki kana kuti furasiki. Kugadzira zvokudya zvakapfava kuchaita kuti murare panguva ine mufungo usiku humwe nohumwe. Mabhegi okutonhodza anofanira kuva maduku zvakakwana kugadzika pasi pechigaro chenyu. Zvisinei, hapana mabhokisi okutonhodza makuru epikiniki anofanira kupinzwa munzvimbo yekokorodzano.
22 Imwe nyevero yokuwedzera ndeyokuti hapana kubika kunofanira kuitwa panzvimbo yekokorodzano, kunze kweuko kunoitwa munhungamiro yegadziriro yekokorodzano. Zvakanaka kurangarira idi rokuti nguva inobvumirwa nokuda kwokutindika kwamasikati yakarongwa kuitira kuti tigone kudya zvokudya zvakapfava ndokufarikanya songaniro youbati ushe hwaMwari nehama dzedu nehanzvadzi. Savanhu vaJehovha, tinoziva kuti zvokudya zvomudzimu pakokorodzano ndezvoukoshi hukuru mukuenzaniswa nezvinhu zvokunyama, uye tinofanira kuronga nenzira inowirirana.
23 Tinofara sei kuti Kokorodzano ye“Nzira yaMwari Youpenyu” ya1998 ichatanga nokukurumidza! Mapedza here gadziriro dzenyu dzokupinda? Mufambe zvakanaka uye mudzoke kumba mazorodzwa, matsunga kupfuurira mubasa rinokosha raJehovha uye kuramba muchironda nzira yaMwari youpenyu kuti mukomborerwe nokusingagumi.
[Bhokisi riri papeji 6]
Zviyeuchidzo Zvekokorodzano
▪ Rubhabhatidzo: Vose vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuendeswa nomumwe wavakuru kuDHIPATIMENDI RERUBHABHATIDZO kunonyoreswa. Izvi zvinofanira kuitwa pazuva rokutanga rekokorodzano kana kuti nokukurumidza pazuva rechipiri. Vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kugara muchikamu chakaratidzwa purogiramu isati yavamba nemusi weMugovera mangwanani. Zvokushambira nazvo zvine mwero netauro zvinofanira kuunzwa nomunhu mumwe nomumwe anoda kubhabhatidzwa. Hazvina kufanira kuti vanoda kubhabhatidzwa vambundirane kana kuti kubatana maoko apo vanenge vachibhabhatidzwa.
▪ Mabheji: Tapota pfekai bheji ra1998 nguva dzose pamunenge muri muguta rekokorodzano uye pakuenda kwariri nokudzoka. Izvozvi kakawanda zvinotipa mikana yokupa uchapupu hwakaisvonaka. Mabheji nezvibatiso zvinofanira kuwanwa kupfurikidza neungano yenyu, sezvo zvisati zvichizowanika pakokorodzano. Yeukai kutakura Advance Medical Directive/Release Card renyu razvino uno.
▪ Pokugara: Nhume dzinokurudzirwa kuzvirongera pokugara padzo pazvinobvira. Vazhinjisa vane shamwari kana kuti hama dzokunyama dzavanogona kugara nadzo. Chokwadika, kana musingagoni kuzvirongera pokugara penyu pachenyu, ipapo Dhipatimendi Redzimba richaita zvarinogona kuti ribetsere. Mutoo wokubata nawo zvikumbiro zvepokugara unosiyana maererano nezvinowanika. Kana dare renyu rekokorodzano rakatumirwa mafomu e“Kumbiriso Yepokugara” anofanira kuzadzwa naavo vanokumbira pokugara, iwaya anofanira kudzorerwa nokukurumidza kuitira kuti agone kugadzirwa. Kana munyori akakumbirwa kuzivisa dare rekokorodzano nezvepokugara panodikanwa nemitezo yeungano panzvimbo yekokorodzano, ipapo anofanira kuita izvozvi senhau yekurumidziro. (Tapota cherekedzai kuti Kumbiriso Dzepokugara dzinofanira kutumirwa zvakananga kuDhipatimendi Redzimba rakakodzera uye kwete kuSosaiti.)
Tapota yeukai, kunyange zvakadaro, kuti kunyange muri kugara neshamwari kana kuti hama dzokunyama kana kuti pane mumwewo musha, hausati uchizongova bedzi mutsa wechiKristu, asiwo mutoro wechiKristu, kubetsera mugamuchiri wenyu kufukidza ndyiko. Hatidi kuva mutoro kuavo vanoratidza mutsa. Zvakakoshawo kuratidza kuremekedza zvinhu zvavamwe uye kurovedza vana vedu kuita zvakafanana.
Nokuda kwaavo vari muguta rinogamuchira, tapota yeukai kuti nzvimbo dzokurara panzvimbo dzekokorodzano dzakaganhurirwa kana kuti, muzvimwe zvinoitika, hadziwaniki. Tinovimba kuti muchatevera murayiro weBhaibheri wokuti “itirai vaeni rudo” uye muchaita zvamunogona kutarisira hama dzedu dzinobva kunzvimbo dzokunze.—VaR. 12:13.
▪ Mapurema nema“Reclining Deck Chair”: Munzvimbo zhinjisa, mapurema haagoni kushandiswa munzvimbo dzinoungana vanhu vakawanda. Mitemo yemoto inodzivisa kuzviisa mumikoto nemunofambwa namo kana kuti pakati pemitsetse yezvigaro. Sezvo mapoka makuru angaparira kumanikidzana, mapurema ane bviro yokuva ane ngozi, kuvose vari vaviri mwana uye ani naani angagumburwa nawo. Naizvozvo tapota musaunza mapurema kunzvimbo yekokorodzano. Zvigaro zvavacheche kana kuti zvavana zvinosungirirwa pazvigaro zviri pedyo navabereki zvinobvumirwa. Tapota musaunze zvigaro zvinopetwa zvine pokuisira makumbo [Reclining Deck Chairs]. Kushandiswa kwazvo hakubvumirwi pazvivako zvavose zvakakura. Kubatira pamwe kwenyu kunokosha uye kunoongwa. ▪ Basa Rokuzvipira: Munogona kutsaura nguva pakokorodzano yekubetsera murimwe remadhipatimendi here? Kana muchigona kubetsera, tapota shumai kuDhipatimendi Rebasa Rekuzvipira pakokorodzano. Vana vari pasi pezera ramakore 16 vanogonawo kupa mupiro wakaisvonaka kupfurikidza nokushanda munhungamiro yomubereki kana kuti mumwe akura akavimbika.
▪ Mashoko Enyevero: Ivai nechokwadi chokuti motokari yenyu yakakiyiwa nguva dzose, uye musatongosiya chinhu chipi nechipi chichioneka chingaedza mumwe munhu kupaza ndokupinda. Mbavha nemvangamakomwe dzinoisa ngwariro yadzo pakuungana kukuru. Hakusi kuchenjera kusiya zvinhu zvinokosha pachigaro chenyu. Hamugoni kuva nechokwadi kuti munhu wose ari pedyo nemi muKristu. Kupirei muedzo upi noupi? Mishumo yakagamuchirwa yokuedza kuba vana kwakaitwa navamwe vokunze. RAMBAI MUCHIONA VANA VENYU NGUVA DZOSE. Tapota musachaira runhare kana kuti kunyorera vatarisiri venzvimbo yekokorodzano, muchitsvaka mashoko panhau dzekokorodzano. Kana mashoko asingawaniki kuvakuru, munganyorera dare rekokorodzano muchishandisa kero yakapiwa mutsamba dzavakanyorera ungano yenyu.