Gadzirira Kudzidza Uprofita hwaIsaya!
1 “Vanamati vakatendeka vanogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha . . . haasi kuzobvumira kuti nyika yaSatani ipfuure nezuva rimwe panodiwa neruramisiro kuti igume.” Mashoko anokurudzira kwazvo! Akatorwa kupi? Mubhuku raUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I. Uprofita hwaIsaya hunotipa chikonzero chokuti tisvike pakufunga zvinokurudzira zvakadaro here? Hungu! Mubhuku reBhaibheri iroro, nyaya yokuponesa inosimbiswa zvinonzwika uye zvakajeka. (Isa. 25:9) Ndosaka zvichatikurudzira zvikuru kuti tidzidze chikamu ichi cheShoko raMwari paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Tichavako here kuti tinakidzwe nacho vhiki dzose? Nei tichifanira kuvako?
2 Pana Isaya 30:20, Jehovha anonzi ‘Murayiridzi wedu Mukuru.’ MuKristu oga oga anofanira kunyatsoteerera Jehovha paanotaura kwatiri nomumapeji eShoko rake uye nomumabhuku eBhaibheri anogoverwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45; Isa. 48:17, 18) Izvi ndezvechokwadi chaizvo nezvebhuku raUprofita hwaIsaya I. Ungabatsirwa sei nokuridzidza?
3 Gadzirira Kuti Upindure: Tsaura nguva yakafanira vhiki yoga yoga yokugadzirira chidzidzo chebhuku. Verenga ndima nendima yezviri kudzidzwa zvacho. Funga nezvomubvunzo mumwe nomumwe wakadhindwa. Tara mhinduro dzacho mubhuku rako. Ndima dzakatorwa mashoko muna Isaya dzakanyorwa nemashoko matema-tema. Nyatsodziverenga. Nezvemamwe magwaro arimo, averenge kuti uone kuti anoenderana sei nezviri kudzidzwa. Fungisisa zvauri kudzidza. Ipapo kurukura zvawakagadzirira neboka rako rechidzidzo chebhuku.
4 Hama inoitisa chidzidzo chebhuku inofanira kubatsira vapindi vose kuti vashandise Bhaibheri zvakanaka uye kuti vanzwisise kushanda kwemashoko ari kudzidzwa. Kana ukanzi utange kupindura, ipa mhinduro iri nyore, yakananga. Kana mumwe munhu atoita izvozvo, unogona kuwedzera zvimwe papfungwa iri kukurukurwa. Zvimwe ungaratidza kuti rugwaro runokosha runotsigira sei nyaya yacho. Edza kupindura nemashoko ako pachako, uye nakidzwa nokukurukurirana kwacho.
5 Ngationgororei pamwe chete shoko rinokosha riri mubhuku raIsaya nomwoyo wose. Richatikurudzira kurarama zuva roga roga tichitarisira nomufaro kuponesa kwaJehovha!—Isa. 30:18.