Uri Kushandisa Zvawakadzidza paKokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari” Here?
1 Upi noupi akapinda kokorodzano yoruwa yegore rino anogona kuona kuti vanhu vaJehovha vane chinangwa chokuita basa ravo rokuva vadzidzisi veShoko raMwari. (Mat. 28:19, 20) Pawakadzokera kumba, ipfungwa dzipi chaidzo dzomurayiridzo dzawakasarudza kushandisa muupenyu hwako pachako uye muushumiri hwomumunda?
2 Magwaro Akafuridzirwa Anobatsira Pakudzidzisa: Musoro wezuva rokutanga wakasimbisa 2 Timoti 3:16. Hurukuro inokosha yaiti “Kushongedzerwa Zvizere seVadzidzisi veShoko raMwari,” yakaratidza kuti tinofanira kukoshesa zvikuru Shoko raMwari, kuriremekedza kupfuura pfungwa dzomunhu upi noupi kana kuti tsika, uye kurishandisa nokutendeka. Tinofanirawo kunyengeterera mudzimu mutsvene zuva nezuva kuti utibatsire muushumiri hwedu uye toshanda kukudziridza chibereko chawo chikuru—rudo. Uye tinofanira kubvumira sangano raJehovha repasi kutidzidzisa kuva vashumiri kuburikidza nemisangano yose yeungano.
3 Hurukuro yokusiyirana yomusi weChishanu yaiti “Kuzvidzidzisa Patinenge Tichidzidzisa Vamwe,” yakatsanangura kuti tinofanira kuva nomuenzaniso wakanaka (1) mukunamatira kumitemo yaMwari mumativi ose etsika dzechiKristu, (2) mukuramba tichishingairira kudzidza zvakanaka, uye (3) mukubvisa mafungiro uye mamiriro emwoyo nepfungwa zvingashandiswa naDhiyabhorosi. Takazodzidza nzira dzinobatsira dzokudzivirira mhuri dzedu padambudziko renyika yose rokuverenga nokuona zvinonyadzisira. Vabereki vakakurudzirwa kupa muenzaniso wokusambotarira panoitwa unzenza uye kuti vaongorore mashandisiro anoita vana vavo Indaneti nokuona kwavanoita terevhizheni. Kubva papurogiramu yomusi weChishanu, ipfungwa dzipi dzawakatanga kushandisa?
4 Hurukuro yokupedzisira zuva racho yakawedzera kutsunga kwedu kuonga chiedza chaJehovha, kuramba tiri pedyo neboka raMwari revakazodzwa vakatendeka, uye kufambisira mberi rugare rwevanhu vaJehovha. Wakaverenga bhuku idzva rakabuda here raUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II?
5 Kunyatsokwanisa Kudzidzisa Vamwe: Rugwaro rwaitungamirira zuva rechipiri rwaiva 2 Timoti 2:2. Pawaiteerera hurukuro yokusiyirana yomusi woMugovera mangwanani, wakacherechedza here mazano (1) ematsvakirwo angaitwa vakafanira, (2) okukudziridzwa kungaitwa kufarira kwavo, uye (3) emadzidzisirwo avangaitwa kuchengeta zvose zvakarayirwa naKristu? Uri kushandisa zvawakadzidza here—kuratidza vanasaimba pfungwa imwe chete kana dzinopfuura kubva muMagwaro uye kuronga paungatangira pauchazoshanya munguva yemberi?
6 Purogiramu yemasikati yakasimbisa kukosha kunoita kutevedzera Mudzidzisi Mukuru, Jesu. Uri kuedza kuva akaita saiye munzirai? Kubva mune zvawakadzidza muhurukuro yokusiyirana yezuva racho yechipiri, unofunga kuti unga“Batsirwa Zvizere Nedzidzo Inobva Kuna Mwari” sei? Mazano api awakashandisa kuti uwedzere urefu hwenguva yaunokwanisa kudzidza uri woga zvichipinda mumusoro uye kuteerera pamisangano yeungano?
7 Pasina mubvunzo, bhuku riri kuuya raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri richatibatsira kuwedzera mano edu sevakurukuri uye sevadzidzisi veShoko raMwari. Tichafungisisa nezvenzira dzokutaura nadzo dzaizivisa vashumiri vaMwari vakatendeka vomunguva inotaurwa muBhaibheri. Chidzidzo chimwe nechimwe chiri mubhuku idzva chine mabhokisi anopfupikisa zvatinofanira kuita, nei zvichikosha, uye maitiro atingazviita. Munewo basa rokuita. Hanzvadzi dzichava nemarongero ehurukuro anosvika 29 madzichasarudza pakukurukura hurukuro dzadzo. Pashure penguva yakati, kuchinja kwakaziviswa kuchaitwa mumarongerwo echikoro. Une muitiro wakanaka wokudzidza nokugadzirira kuti ubatsirwe zvizere neChikoro chaMwari Choushumiri vhiki imwe neimwe here?
8 Ivai Vadzidzisi Tichitarira Nguva: VaHebheru 5:12 yakagadzirira pfungwa dzevateereri musi weSvondo. Hurukuro yokusiyirana yemangwanani yaiti, “Uprofita hwaMaraki Hunoita Kuti Tigadzirire Zuva raJehovha,” yakatikurudzira kupa Mwari zvinhu zvedu zvakanakisisa kuitira kuti zvimwe tingapona pazuva guru nerinotyisa raJehovha. Mutambo waiti “Remekedza Chiremera chaJehovha,” wakaratidza zvakasimba kuti kudada, kuda chinzvimbo, shanje uye kuvimbika kuvanhu vasiri ivo kwaKora wekare neshamwari dzake kwakatungamirira kuzviito zvokupandukira Jehovha pachake. Hurukuro yakatevera yakataura nezvezvinodiwa mazuva ano zvokuremekedza chiremera chaMwari mumhuri uye muungano. Hurukuro yavose yaiti, “Ndivanaani Vari Kudzidzisa Marudzi Ose Chokwadi,” yakaratidza kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zviri kudaro, kusiyana nechiKristudhomu chinongotaura kuti chinodzidzisa chokwadi cheBhaibheri.
9 Zvakajeka kuti Jehovha ari kutirovedza tose kuva vadzidzisi veShoko rake vari nani. Ngatishandisei zvatakadzidza, ‘tichiramba tichizvichenjerera isu nokudzidzisa kwedu, kuti zvimwe tingazviponesa isu nevanotiteerera.’—1 Tim. 4:16.