United by Divine Teaching—Kuona Kubatana Chaiko Kwehama
Mumwe mutariri wedunhu akaenda kuchidzidzo cheBhaibheri chaiitiswa kumukadzi akanga asati atanga kupinda misangano yeungano. Mutariri wedunhu wacho akamukumbira kuti aone vhidhiyo inonzi United by Divine Teaching. Vhiki iyoyo mukadzi wacho akapinda musangano uye akati akafara zvikuru kuvapo. Nei vhidhiyo iyi ichikurumidza kuva nemigumisiro yakadaro? Akafadzwa nokuratidza kwainoita kubatana kunokosha kwehama munyika yakazara nechisimba, noruvengo.—Joh. 13:35.
Ona vhidhiyo iyi kuti uone rugare norudo zviri pakati peZvapupu zvaJehovha pasi pose. Ipapo fungisisa mibvunzo iyi:
(1) Nei “Kudzidzisa Kwoumwari” waiva musoro wakakodzera kokorodzano dza1993-94?—Mika 4:2.
(2) Chokwadi cheBhaibheri chakaita kuti dzimwe mhuri dziite chii? Chakaita kuti mhuri yako iite chii?
(3) Nei zvichikosha kudzidziswa naJehovha?—Pis. 143:10.
(4) Zvinetsoi zvinofanira kukurirwa pakugadzirira kokorodzano huru dzemarudzi akawanda?
(5) Wakaona kuti mashoko ePisarema 133:1 uye aMateu 5:3 ndeechokwadi sei pakokorodzano dzechiKristu dzawakapinda?
(6) Uchapupu hupi huri pachena huripo hwemigumisiro yakasimba yokudzidzisa kwaMwari?—Zvak. 7:9.
(7) Nhamba yakakura zvikuru yevaKristu vechokwadi vakabhabhatidzwa yati yambovapo yakanga iri chii?
(8) Mashoko api aMika, Petro, naJesu ari kuzadzika pakati peZvapupu zvaJehovha?
(9) Chii chinokuratidza kuti mhuri yevanhu inofara, yakabatana hakusi kungorotawo zvakwo?
(10) Ucharatidza vhidhiyo iyi kuna vanaani, uye nei?
Pashure pokuona vhidhiyo iyi, imwe hanzvadzi yakaipfupikisa zvakaisvonaka ichiti: “Vhidhiyo yacho ichawedzera kundibatsira kuramba ndichifunga kuti hama nehanzvadzi dzechiKristu dzakawanda kudai pasi pose panguva ino chaiyo dziri kushumira Jehovha nokuvimbika. . . . Kubatana kwedu sehama kunokosha kwazvo!”—VaEf. 4:3.