RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/01 p. 8
  • Chinangwa Chedu Ndechei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinangwa Chedu Ndechei?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rinotsigira Zita Redu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Batsira Vamwe Kupinda Misangano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 10/01 p. 8

Chinangwa Chedu Ndechei?

1 Nei tichiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha? Kungopa zivo, kuvandudza upenyu hwevanhu, kana kuti kujekesa tariro yavo yenguva yemberi here? Aiwa. Chinangwa chedu chikuru ndechokuita kuti vanhu vave vadzidzi vaJesu Kristu! (Mat. 28:19; Mab. 14:21) Ndicho chikonzero nei vaya vatinodzidza navo vachifanira kusonganirana neungano. Kufambira mberi kwavo mumudzimu kwakanyatsobatana nokunzwisisa kwavanoita sangano rechiKristu.

2 Kubudirira Kwaungaita: Kubvira pakutanga chaipo, ramba uchikurudzira mudzidzi kupinda misangano yeungano. (VaH. 10:24, 25) Tsanangura kusimbisa kwaichaita kutenda kwake, kumubatsira kuita kuda kwaMwari, uye kumuita kuti ave noushamwari hwakanaka nevamwe vanodawo kurumbidza Jehovha. (Pis. 27:13; 32:8; 35:18) Maratidziro aunoita rudo uye kuonga kwaunoita ungano nemisangano kuchaita kuti ade kupinda.

3 Vatsva vanofanira kunzwisisa kuti sangano raJehovha ukama hwemarudzi akawanda. Varatidze mavhidhiyo anonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name uye Our Whole Association of Brothers. Vabatsire kuziva kuti Jehovha ari kushandisa mamiriyoni evanhu vakazvitsaurira pasi pose kuita kuda kwake. Ita kuti vatsva ava vazive kuti vanokokwawo kuzoshumira Mwari.—Isa. 2:2, 3.

4 Zvinofadza zvikuru kuona munhu anodzidza Bhaibheri achiva mudzidzi waJesu wechokwadi. Ichocho ndicho chinangwa chedu!—3 Joh. 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe