Chinangwa Chedu Ndechei?
1 Nei tichiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha? Kungopa zivo, kuvandudza upenyu hwevanhu, kana kuti kujekesa tariro yavo yenguva yemberi here? Aiwa. Chinangwa chedu chikuru ndechokuita kuti vanhu vave vadzidzi vaJesu Kristu! (Mat. 28:19; Mab. 14:21) Ndicho chikonzero nei vaya vatinodzidza navo vachifanira kusonganirana neungano. Kufambira mberi kwavo mumudzimu kwakanyatsobatana nokunzwisisa kwavanoita sangano rechiKristu.
2 Kubudirira Kwaungaita: Kubvira pakutanga chaipo, ramba uchikurudzira mudzidzi kupinda misangano yeungano. (VaH. 10:24, 25) Tsanangura kusimbisa kwaichaita kutenda kwake, kumubatsira kuita kuda kwaMwari, uye kumuita kuti ave noushamwari hwakanaka nevamwe vanodawo kurumbidza Jehovha. (Pis. 27:13; 32:8; 35:18) Maratidziro aunoita rudo uye kuonga kwaunoita ungano nemisangano kuchaita kuti ade kupinda.
3 Vatsva vanofanira kunzwisisa kuti sangano raJehovha ukama hwemarudzi akawanda. Varatidze mavhidhiyo anonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name uye Our Whole Association of Brothers. Vabatsire kuziva kuti Jehovha ari kushandisa mamiriyoni evanhu vakazvitsaurira pasi pose kuita kuda kwake. Ita kuti vatsva ava vazive kuti vanokokwawo kuzoshumira Mwari.—Isa. 2:2, 3.
4 Zvinofadza zvikuru kuona munhu anodzidza Bhaibheri achiva mudzidzi waJesu wechokwadi. Ichocho ndicho chinangwa chedu!—3 Joh. 4.