“Ndingawana Kupi Nguva Yacho?”
1 Ndiko kuchema-chema kunoita vakawanda vedu, nokuti upenyu hwedu hwakazara nezvokuita. Zvakanzi nguva chimwe chezvinhu zvedu zvinokosha zvikuru uye chinopfuura nokukurumidza. Saka tingawana kupi nguva yezvinhu zvinonyatsokosha, zvakadai sokuverenga nokudzidza Shoko raMwari?—VaF. 1:10.
2 Chinhu chinokosha hakusi kutsvaka nguva yakawanda, asi kusarudza zvatinoda kuita munguva iyoyo yatinayo. Tose tine maawa 168 pavhiki, mamwe 100 acho angaperera pakurara nepakuita basa. Saka tingashandisa sei maawa asara zvakanaka? VaEfeso 5:15-17 inokurudzira kuti tifambe kwete ‘sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera, tichizvitengera nguva yakafanira . . . , tichinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.’ Izvi zvinoratidza kuti mukana uri wose unofanira kushandiswa zvakazara kuita zvinhu zvinonzi naJehovha zvinokosha.
3 Jesu akafananidza mazuva edu neayo aNoa. (Ruka 17:26, 27) Vanhu panguva iyoyo vakanga vakabatikana nezvinhu zvoupenyu zvezuva nezuva. Zvisinei, Noa akawana nguva yokuvaka areka huru uye yokuparidza. (VaH. 11:7; 2 Pet. 2:5) Akawana kupi nguva yacho? Nokuisa kuda kwaMwari pakutanga uye kumuteerera nokuita zvinhu “saizvozvo.”—Gen. 6:22.
4 Chii Chinofanira Kuuya Pakutanga? Jesu akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mat. 4:4) Vhiki yoga yoga, tinowana “mugove . . . wezvokudya [zvomudzimu] panguva yakafanira.” (Ruka 12:42) Izvi zvinoda purogiramu yenguva dzose yokuverenga nokudzidza tiri toga kuti tinzwisise zvose kana tichizobatsirwa zvechokwadi. Nemhaka yokuti tinoonga zvokudya zvomudzimu, hatizvioni sezvokudya zvinogadzirwa nokukurumidza muresitorendi, zvinofanira kudyiwa nokukurumidza sokudya kungaita mumwe zvokudya achingomhanya-mhanya. Asi kuonga kwakafanira kunoita kuti tizvipe nguva yokudzidza ndokunakidzwa nezvinhu zvomudzimu.
5 Kudya zvokudya zvomudzimu kungaita kuti tiwane upenyu husingaperi. (Joh. 17:3) Kunoda kupiwa nzvimbo yokutanga papurogiramu yedu yezuva nezuva. Tingawana nguva yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye yokugadzirira misangano yechiKristu here? Hungu, tingaiwana. Ipapo, tichawana “mubayiro mukuru” unobva mukuziva uye mukuita kuda kwaMwari.—Pis. 19:7-11.