RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/03 p. 4
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 11/03 p. 4

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Nov. 1

“Tose zvedu pane imwe nguva chivimbo chedu chakamborega kuremekedzwa. Makambozvibvunza kuti, ‘Pane munhu wandingavimba naye here?’ [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 3:5.] Magazini iyi inotsanangura chikonzero nei tingavimba zvizere naMwari. Inotaurawo kuti tingaziva sei vanhu vatinofanira kuvimba navo.”

Mukai! Nov. 8

“Zvinhu zvinogadzirwa nemafuta zvine chokuita neanenge mativi ose oupenyu hwedu. Makambofunga kuti upenyu hwaizova hwakaita sei pasina zvinhu izvi here? [Rega apindure.] Magazini iyi inotaura kuti oiri yakasvika sei pakuva nomukurumbira wakadaro munzanga yemazuva ano. Inotsanangurawo chikonzero nei tisingafaniri kutya kuti rimwe zuva oiri ichapera.”

Nharireyomurindi Nov. 15

“Kare, vakawanda vaidavira kuti rimwe zuva pasi raizova paradhiso. Nhasi, vamwe vanonetseka kana richatozoramba riripo. Munofungei nezvenguva yemberi nokuda kwepasi rino? [Rega apindure.] Onai zvinotaura Bhaibheri nezveizvi. [Verenga Pisarema 37:11.] Magazini iyi inotaurazve zvinofanotaurwa neBhaibheri nezvepasi.”

Mukai! Dec. 8

“Vamwe vanhu vanonetseka kuti kukuvadzwa kwakaitwa mhoteredzo hakuchagadzirisiki. Munofunga kuti mamiriro acho ezvinhu haana tariro here? [Rega apindure.] Musiki akanga asina kuronga kuti pasi rive nzvimbo isingagarwi yokurasira marara. [Verenga Isaya 45:18.] Magazini iyi inotsanangura kuti pasi richaponeswa sei.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe