Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Nov. 15
“Tose tinoda kuva noupenyu hunofadza hune chinangwa. Munobvumirana nezvakataurwa naJesu pano here pamusoro pezvatingaita kuti tifare? [Verenga Mateu 5:3. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inotsanangura kuti kana tikazadzisa chido chatakazvarwa nacho chokuda kunamata Mwari, upenyu hwedu hunova nechinangwa.”
Awake! Nov.
“Munguva yedu yoruzivo rwesayenzi uye ine vanhu vasingatendi, vakawanda vanofunga kuti Bhaibheri harichabatsiri. Imi munofungei? [Rega apindure.] Maimboziva here kuti zvose zvinotaurwa neBhaibheri nezvesayenzi zvakarurama? [Verenga Jobho 26:7.] Awake! ino ine nyaya inokosha inotipa zvikonzero zvinogutsa zvokuvimba neBhaibheri.”
Nharireyomurindi Dec. 1
“Mungapindura sei mubvunzo uno? [Verenga mubvunzo uri pabutiro. Zvadaro rega apindure.] Mwari anoda kuti vanhu vose vabatane. [Verenga Pisarema 46:8, 9.] Magazini ino inotiudza zvinotaura Bhaibheri kuti vanhu vachabatana sei.”
Awake! Dec.
“Vamwe vanofunga kuti rufu inzira inoenda kune humwe upenyu; vamwe vanoti ndiko kuguma kwako. Imi munofunga kuti tinofanira kutya kufa here? [Rega apindure.] Onai kuti Jobho akati kudini nezvokufa kwake. [Verenga Jobho 14:14, 15.] Magazini ino inotipa tsanangudzo yakajeka yeBhaibheri pamusoro pezvinoitika kwatiri patinofa.”