RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/02 p. 8
  • Ungano Yenyu Ine Ndima Yakakura Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungano Yenyu Ine Ndima Yakakura Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Vanhu Pavanenge Vasiri Pamba
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Une Ndima Yako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvakanakirei Kuva Nendima Yako Pachako?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 5/02 p. 8

Ungano Yenyu Ine Ndima Yakakura Here?

1 Jesu akapupurira zvakakwana mundima yakakura yeIsraeri yose yekare, kubva kumaguta eJudhiya kusvika kumaruwa eGarireya. (Mako 1:38, 39; Ruka 23:5) Isuwo tinofanira kusvika nemashoko akanaka kune vanhu vakawanda sevatingagona. (Mako 13:10) Zvisinei, izvi zvingava zvakaoma. Nemhaka yei?

2 Ungano dzakawanda dzomuZimbabwe dzine ndima dziri kumaruwa, dzakakura mazana emakiromita. Tingaita sei kuti tibatsire vanhu vanogara mundima dzakakura kudaro kuti vadzidze chokwadi pamusoro paJehovha, Jesu, uye Umambo?

3 Nyatsorongai: Mutariri webasa nomutariri wendima vanofanira kutarisira kushingaira kunoitwa neungano kuti iite zvakanakisisa. Zvichida pangarongwa misi yoMugovera chaiyo apo vakawanda vanokwanisa kupedzera zuva rose vachishanda. Pakushanda ndima dziri kure, rongai kuswera muri muushumiri hwomumunda kana zvichibvira, motakura zvokudya zvemasikati. Mungati kurumidzei kuita musangano webasa romumunda pane zvamunosiita nguva dzose kuti muve nenguva yokufamba kuenda kundima kana kuti mungaita musangano wacho pedyo nenzvimbo yamuchashanda. Itai kuti mapoka evaparidzi ave maduku kuti mose muve nendima yakakwana yokushanda nguva yacho yose yakatsaurirwa basa racho. Rongai kushanda nzvimbo dzokumaruwa mumwaka iyo mamiriro okunze akanaka uye migwagwa painenge yakanaka.

4 Kana muchizobatsira ungano yokumaruwa kushanda ndima yayo, mutariri wenyu webasa anofanira kutaurirana nomutariri anotungamirira weungano yacho. Vaparidzi vomunzvimbo iyoyo vangada kushanda nemi muushumiri hwomumunda. Rongai ndima kuitira kuti boka rebasa rigone kusvika pakero dzose dziri munzvimbo yacho.

5 Ivai nechokwadi chokuti mune mabhuku akakwana. Kana ndima yacho isingawanzoshandwa, zvingava zvakakodzera kusiya turakiti kana kuti magazini yekare pane vasiri pamba. Kana turakiti raUnoda Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? richiwanikwa mumutauro wenyu, rigoverei kune munhu wose wamunosangana naye uye siyai rimwe pane vasiri pamba.

6 Shandirai Pamwe Chete Zvakazara: Kushanda ndima yakakura kunoda kuti vanhu vose vari muungano vashandire pamwe. Kana muchizofamba pakareba nemotokari, vose vachafamba pamwe chete vangabatsirana kutenga peturu uye ngavave nechokwadi chokuti vane zvokudya zvakakwana. Zvinoda kunzwisisa pamunowana vanasaimba vanoda zvokutaura. Rambai muchiyeuka kuti munoda kusvika kune vanhu vose vari mundima yacho, uye fungai nezveavo vakakumirirai vari muboka renyu. Kana muchida kuramba muchikurukura nomunhu anofarira kwenguva yakareba, mungaronga imwe nguva here kuitira kuti vamwe vose vari muboka racho vaenderere mberi nebasa?

7 Itai zvirongwa chaizvo zvokudzoka kuzoona vose vanofarira. Sezvo migwagwa yokumaruwa isina mazita uye dzimba dzisina nhamba, dhirowai mepu kana kuti nyorai rondedzero yokuwana kwamungaita munhu anofarira pamunodzoka.

8 Tine ropafadzo huru zvikuru yokuti tiite zvakarayirwa naJesu kuti: “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri akafanira”! (Mat. 10:11) Zvechokwadi Jehovha achakomborera zvamunoedza kuita sezvo muchizvipa nomwoyo wose mubasa iri rinopa mubayiro zvikuru!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe