RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/02 p. 1
  • Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Kokorodzano Yakawedzera Chivimbo Chedu Muna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Unogona Kuvimba Nehama Dzako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuvimbana Kunokosha Kuti Pave Noupenyu Hunofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 7/02 p. 1

Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu

1 Kuti tirambe takasimba mukutenda munyika isina kugadzikana, tinofanira kuvimba naJehovha. Izvi zvinorevei chaizvoizvo? Kuvimba naJehovha kunobatsira sei upenyu hwedu uye hwemhuri? Kunotibatsira sei kuti tirege kupesvedzerwa nenyika yaSatani? Purogiramu yegungano redunhu yegore rebasa ra2003 inopindura mibvunzo iyi. Ine musoro unoti “Vimba naJehovha Uite Zvakanaka.”—Pis. 37:3.

2 Kuvimba kwedu naJehovha hatingokuratidzi muzviitiko zvisiri zvenguva dzose kana kuti panguva dzokushayiwa kukuru. Kune chokuita noupenyu hwedu hwezuva nezuva. Izvi zvinosimbiswa muhurukuro yokutanga inoti, “Vimba naJehovha Nguva Dzose.” (Pis. 62:8) Hurukuro ina dzokusiyirana dzine musoro unoti “Kuratidza Kuvimba naJehovha” dzichatiratidza mawaniro uye mashandisiro atingaita mashoko anobva muBhaibheri ayo angatibatsira kuva nemhuri dzinobudirira, kubata nezvinetso zvinomuka mumhuri, uye kuwana zvatinoda zvokunyama.

3 Nyika yaSatani inoedza kutiita kuti tive nemaonero akamonyana ezvakanaka nezvakaipa uye inoita kuti tivhiringike pakuona kuti zvinokosha nezvisingakoshi ndezvipi. (Isa. 5:20) Hurukuro dzinoti “Ngwarira Zvinhu Zvisingakoshi Muupenyu” uye “Regai Kuita Zvakaipa—Ivai Vaiti Vezvakanaka” dzichasimbisa kutsunga kwedu kutsigira zvinodiwa naJehovha zvakanaka.—Amo. 5:14.

4 Jehovha paachaunza mugumo wenyika ino iripo, vashumiri vake vachafanira kuvimba naye zvizere. Izvi zvinosimbiswa muhurukuro yavose inoti, “Kununurwa Munhamo Dzenyika Kwava Pedyo.” Kana yapera, tichakumbirwa kuti tizviongorore muhurukuro inoti “Uchanzi Wakafanirwa noUmambo hwaMwari Here?” Purogiramu yacho inoguma nekurudziro inoti “Vimba Nezvipikirwa zvaJehovha.”

5 Hurukuro yorubhabhatidzo inokosha zvikuru pagungano rimwe nerimwe. Vose vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kutaurira mutariri anotungamirira nokukurumidza sezvavangagona kuitira kuti zvirongwa zvinokosha zvigone kuitwa.

6 Munguva ino isina kugadzikana, kuna Jehovha ndiko chete kwatinowana chivimbo nesimba. (Pis. 118:8, 9) Tose zvedu ngatisimbise kuvimba kwedu naye kuburikidza nokuvapo papurogiramu yose yegungano redunhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe