Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Aug. 15
“Munofunga kuti ndorupi rudzi rwokuvimbika rwakakwirira zvikuru? [Rega apindure.] Nyaya iyi inosimbisa kuvimbika kuna Mwari wechokwadi. [Muratidze peji 5, wobva waverenga 2 Samueri 22:26.] Maiziva here kuti kuvimbika kuna Mwari kunogona kubatsira vanhu kuti vasaitira vamwe zvinhu nenzira isiri yorudo? Ndinoziva kuti muchanakidzwa nokuverenga nezvazvo.”
Mukai! Sept. 8
“Mati mambofunga here kuti chinetso chevanhu chokusvibisa nyika hachisi kudzoreka? [Rega apindure.] Chikonzero chikuru chechinetso chacho kupambadza zvinhu. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vasapambadza. [Verenga Johani 6:12.] Magazini iyi inoratidza kuti kutevera nhungamiro yeBhaibheri kungabatsira sei mhuri kurega kungorasa zvinhu.”
Nharireyomurindi Sept. 1
“Makacherechedza here kuti munzvimbo dzakawanda vavakidzani havazivani sezvavaisimboita? [Rega apindure.] Jesu akataura chidzidzo chinokosha chokuva muvakidzani akanaka. [Verenga Mateu 7:12.] Nyaya idzi dzinoratidza kuti tingava sei vavakidzani vakanaka uye dzinokurudzira vamwe kuita saizvozvo.”
Mukai! Sept. 8
“Kune vakawanda nhasi, upenyu hwakazara nokusava nechokwadi pamusoro penguva yemberi. [Verenga Muparidzi 9:11.] Nhungamiro yakavimbika ingawanikwa kupi? [Rega apindure.] Vamwe vanobvunza vanhu vanoongorora nguva yemberi vachishandisa ruzivo rwezvenhamba. Iyi ndiyo nzira yamungagona kuziva nayo nguva yenyu yemberi here? Mungawana kupi mashoko akavimbika pamusoro penguva yemberi? Mukai! inopa mhinduro dzacho.”