Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Aug. 1
“Maiziva here kuti maererano nomumwe mushumo, inodarika hafu yevagari vepasi pose inorarama nemari isingasviki US$2, [Z$1,648] pazuva? Munofunga kuti chimwe chinhu chingaitwa here kupedza izvi? [Rega apindure.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inotaura kupedzwa zvachose kuchaitwa urombo sezvakanyorwa muBhaibheri.”—Verenga Pisarema 72:12, 13, 16.
Mukai! Aug. 8
“Mumakore achangopfuura, njodzi dzine chokuita nemamiriro okunze dzakaparadza kwazvo pasi pose. Munofunga kuti chii chingaitwa kuderedza kutambura kunokonzerwa neizvi? [Rega apindure.] Magazini iyi inoongorora chinetso chokuchinja kwemamiriro okunze uyewo kupedzwa kwachichaitwa sezvakanyorwa muBhaibheri.”—Verenga Isaya 35:1.
Nharireyomurindi Aug. 15
“Vanhu vakawanda vanokoshesa mukurumbira wakanaka. Vamwe vanotonetseka kuti vachayeukwa sei kana vafa. Makambofunga nezvazvo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Muparidzi 7:1.] Nharireyomurindi iyi inotaura kuti tingawana sei zita rakanaka kuvanhu uye kuna Mwari.”
Mukai! Sep. 8
“Kana iwe kana kuti imwe nhengo yemhuri yako makamboshushwa, munoziva kuti zvinogona kurwadza sei. [Rega apindure.] Magazini iyi yeMukai! inopa mazano anobatsira vaya vanoshushwa. Inotaurawo chinangwa chaMwari chenguva apo upenyu huchange husina zvachose zvinetso zvakadaro.” Verenga Mika 4:4.