Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Aug. 1
“Vanhu vakawanda nhasi vanonetseka nokunzwa sevasingakoshi. Munofunga kuti chii chingaitwa kuti vabatsirwe? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura kuti Bhaibheri ringabatsira sei vanhu vakadaro kuti vawane mufaro wechokwadi.” Taura magwaro akanyorwa nezvitema-tema ari munyaya inoti “Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Kuti Ufare.”
Awake! Aug. 8
“Vanhu vakawanda vanogara vachitya. Munofunga kuti chii chiri kuita kuti vanhu vagare vachitya? [Rega apindure.] Magazini ino ine mazano akanaka okuti tingazvidzivirira sei panjodzi dzinogara dzichiitika. Inotaurawo nezvechipikirwa cheBhaibheri chenyika ichange isina kutya.” Verenga Isaya 11:9.
Nharireyomurindi Aug. 15
“Pashure pokufirwa, vakawanda vanonetseka kuti chii chinoitika parufu. Munofunga kuti zvinobvira here kunzwisisa rufu? [Rega apindure.] Magazini ino inotsanangura zvinotaura Bhaibheri nezvemamiriro ezvinhu evakafa. Rinotaurawo chipikirwa chaMwari chokumutsa vadiwa vedu vakafa.” Verenga 1 Johani 5:28, 29.
Awake! Aug. 22
“Maiziva here kuti kushanya kwevanhu vachinoona nzvimbo kunopa basa kupfuura chero indasitiri ipi zvayo munyika yose? [Rega apindure.] Kuwedzera kwevashanyi kwakaunza zvakanaka nezvakaipa. Magazini ino inoongorora zvakanakira nezvakaipira indasitiri yemazuva ano yokushanya. Inopawo mazano anobatsira kuvanhu vanoshanya munyika yose.”