Chikumbiro Chomwoyo Wose Chokufungisisa Vhidhiyo Inonzi Warning Examples for Our Day
Tose tinogona kusimbisa kutsunga kwedu kuramba takatendeka nokufungisisa zvidzidzo zvakadzidzwa mumutambo weBhaibheri wakaratidzwa nevhidhiyo inonzi Warning Examples for Our Day. Musati maiona, tapota verengai chitsauko 25 chaNumeri uye mashoko anoenderana ari muInsight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, peji 419, ndima 3-5. Zvadaro chipindurai mibvunzo iyi: VaMoabhi vaiva vanaani, uye nei Jehovha akaudza Mosesi kuti asavarwisa? (Dheut. 2:9) Bharami akaronga sei kushandisa vaMoabhi kuparadza rudzi rwaIsraeri? Nei tisingafaniri kukanganwa kuti vaIsraeri vakawanda vakakundikana kukurira muedzo mukuru vava kuda kutopinda muNyika Yakapikirwa?—1 VaK. 10:11, 12.
Pamunenge muchiona vhidhiyo inonzi Warning Examples, fungai nezvenharaunda dzoupenyu ina dzinotevera dzatinofanira kufungisisa nezvadzo mazuva ano kana tichizova vakatendeka ndokuwana nyasha dzaMwari. (1) Mafungiro: Vamwe vaIsraeri vakaratidza sei mafungiro akaipa pamusoro paJehovha nourongwa hwake? Pane kufanana navo, tinofanira kuedza kuva nemafungiro akadini? (2) Shamwari: Nei Jehovha aisada kuti vaIsraeri vashamwaridzane nevaMoabhi? (Eks. 34:12; Zvir. 13:20) Nei tichifanira kusarudza shamwari dzedu nokuchenjera? (3) Tsika: Ushamwari hwakaipa hwakatungamirira vaIsraeri 23 000 kuita chivi chipi chakakomba? (1 VaK. 10:8) Mazuva ano, chii chave chichikwezva vamwe vevanhu vaMwari kuti vaite unzenza, asi tingazvidzivirira sei isu pachedu? (4) Kunamata: Kunamata kwevaIsraeri kwakachena kwakaedzwa sei? Mazuva ano vamwe vangabvumira nzira ipi isingacherechedzeki yokunamata zvidhori, asi tingairega sei?—VaK. 3:5.
Mumutambo wacho, Jamini akakomborerwa sei nokuva netsika dzakanaka zvikuru? Kuburikidza nevhidhiyo iyi, chikumbiroi chomwoyo wose chiri kuitwa neDare Rinodzora kuvaKristu vose vechokwadi? Kana uri musoro wemhuri, nei uchifunga kuti kwaizova kuchenjera kuti mhuri yako ione vhidhiyo iyi nguva nenguva?