RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/02 pp. 5-6
  • Misoro Yemhuri—Rambai Muine Muitiro Wakanaka Pakunamata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misoro Yemhuri—Rambai Muine Muitiro Wakanaka Pakunamata
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Uchifamba Nenzira Inofambira Mberi Mumuitiro Une Nhevedzano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mhuri, Rumbidzai Mwari Senhengo Dzeungano Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Rubatsiro Kumhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Kushandira Pamwe Kunoita Mitezo Yemhuri Kuti Iite Nomazvo—Mukufunda Bhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 11/02 pp. 5-6

Misoro Yemhuri—Rambai Muine Muitiro Wakanaka Pakunamata

1 Pasinei nokurarama kwemakumi emakore ari muBhabhironi rainamatwa zvidhori uye raiva nouori, Dhanieri aizivikanwa nokushumira Jehovha “nguva dzose.” (Dhan. 6:16, 20) Chii chakaita kuti arambe akakura mumudzimu? Bhaibheri rinoratidza kuti aiva nepurogiramu yakarongeka yokuita zvinhu zvine chokuita nokunamata kwechokwadi. Somuenzaniso, aiva netsika yokunyengetera katatu pazuva ari muimba yake yepamusoro. (Dhan. 6:10) Pasina mubvunzo, aivawo nepurogiramu yakarongwa yezvimwe zvine chokuita nokunamata, zvakadai sokuverenga Mutemo. Saka, paakatarisana nomuedzo waityisidzira upenyu, Dhanieri akanga asingazununguki mukuzvipira kwake kuna Jehovha, uye akanunurwa zvinoshamisa.—Dhan. 6:4-22.

2 Saizvozvowo mazuva ano, tinofanira kushanda zvakaoma kuti ‘tirambe takamuka nguva dzose.’ (VaEf. 6:18) Nyika yatinorarama mairi “iri musimba rewakaipa.” (1 Joh. 5:19) Kushorwa kana kuti miedzo zvinogona kumuka kamwe kamwe ndokuedza kutenda kwedu. Panguva yokutambudzika kukuru, vashumiri vaMwari vachadenhwa zvakakwana naGogi weMagogi, uye zvichaita sokuti hapana pokubuda napo. Izvi zvichada kuvimba naJehovha zvakakwana.—Ezek. 38:14-16.

3 ‘Chimwe chinhu chinokosha kuita kuverenga kweBhaibheri semhuri kunobudirira, kudzidza, uye kukurukurirana zvive nzira youpenyu.’ Yakadaro sumo yomutambo wekokorodzano yoruwa ya1998 yaiva nomusoro waiti “Mhuri—Itai Kuti Kurava Bhaibheri Zuva Nezuva Kuve Nzira Yenyu Youpenyu!” Yakaenderera mberi ichiti: ‘Mhuri padzinotevera muitiro wakadaro nguva dzose uye munzira inoita kuti Bhaibheri rive benyu, uyu muitiro wokufarira Bhaibheri ungabatsira mhuri zvikuru. Unowedzera zivo yedu. Unosimbisa kutenda kwedu. Unotipa mienzaniso yokutevedzera—varume nevakadzi vakatendeka zvikuru vekare—vanogona kutikurudzira, vachitiita kuti titsigire chokwadi.’ Sezvatinoongorora zvinhu zvakasiyana-siyana zvomuitiro wakanaka wezvokunamata, misoro yemhuri inofanira kutsvaka nzira imwe kana mbiri dzokuvandudza purogiramu yemhuri dzavo yezvokunamata.

4 Dzidza Shoko raMwari Zuva Nezuva: “Apo Umambo hwaMwari hunotonga husingashorwi uye kuda kwake kunoitwa pasi pano sezvakunoitwa kudenga, panenge pasina vanhu vanotyisa—aiwa, kunyange mhuka—[zvichakuvadza] kana kuparadza. (Isa. 11:9; Mat. 6:9, 10)” Mashoko iwayo aiva mukabhuku kaKunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2001 patsanangudzo dzorugwaro rwomusi waSeptember 11. Chiyeuchidzo ichi chakaratidza kuva chinonyaradza kwazvo! Somusoro wemhuri, une tsika yokukurukura rugwaro rweBhaibheri netsanangudzo dzarwo zuva nezuva nemhuri yako here? Izvi zvinobatsira zvikuru. Kana musingakwanisi kuungana pamwe mangwanani, zvimwe mungaita kudaro ava manheru. Vamwe baba vakati: “Nguva yezvokudya zvemanheru yave iri nguva yakatinakira kuti tikurukure rugwaro rweBhaibheri rwezuva nezuva.”

5 Kana muchitova nomuitiro wakanaka wokukurukura rugwaro rwezuva nezuva semhuri, munofanira kurumbidzwa. Zvimwe munogona kubatsirwa zvikuru nokuverenga chikamu cheBhaibheri panguva iyoyo. Vamwe vane tsika yokuverenga chitsauko chose chinobva rugwaro rwezuva racho. Vamwe vanoverenga zvine nhevedzano, vachiverenga zvishoma nezvishoma bhuku reBhaibheri rakasarudzwa. Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kuchabatsira mhuri yenyu kukudziridza kutya kwakanaka kwokusafadza Jehovha uye kuchawedzera chido chavo chokuita kuda kwake.—Dheut. 17:18-20.

6 Purogiramu yemhuri yenyu yokuverenga Bhaibheri uye yokukurukura rugwaro rwezuva nezuva ichatobatsira zvikuru kana mukazvipa maminitsi mashomanana okukurukura kushanda kwemashoko acho. Bhuku reChikoro Choushumiri, papeji 60, rinopa zano iri: “Ungasarudza ndima shomanana pakuverenga Bhaibheri kwakarongerwa vhiki iyoyo, kurukurai zvadzinoreva, wozobvunza mibvunzo yakadai seiyi: ‘Izvi zvinotipa gwara sei? Tingashandisa sei ndima idzi muushumiri? Dzinozivisei nezvaJehovha nenzira dzake dzokuita zvinhu, uye izvozvo zvinoumba sei kumunzwisisa kwedu?’” Kukurukurirana zvinhu zvokunamata kwakadaro kuchabatsira vose vomumhuri yako ‘kuramba vachinzwisisa zvinoreva kuda kwaJehovha.’—VaEf. 5:17.

7 Chidzidzo Chemhuri: Kuitisa chidzidzo chemhuri zvine nhevedzano vhiki imwe neimwe inzira yakanaka kwazvo yokuti misoro yemhuri iratidze vana vayo kuti zvinhu zvokunamata zvinouya pakutanga. Rimwe jaya rinoti: “Dzimwe nguva Baba vainge vakaneta zvikuru nebasa zvokuti vaisakwanisa kuramba vakamuka, asi chidzidzo chacho chaiitwa pasinei naizvozvo, uye izvi zvakatibatsira kunzwisisa kukosha kwacho.” Vana vangabatsirawo kuti urongwa hwacho hubudirire. Imwe mhuri ine vana vapfumbamwe yaimuka nenguva dzeshanu nguva dzose kuti iite chidzidzo chayo chemhuri nokuti pakanga pasina imwe nguva yavaikwanisa.

8 Kuti chidzidzo chemhuri chibudirire, musoro wemhuri unofanira ‘kuramba uchizvichenjerera iwo nokudzidzisa kwawo.’ (1 Tim. 4:16) Bhuku reChikoro Choushumiri, papeji 32, rinoti: “Zvingatotaurwa kuti kudzidza kwemhuri kunobudirira kunotanga nokudzidza mhuri yako. Nhengo dzemhuri yako dziri kufambira mberi sei pakunamata? . . . Paunenge uri muushumiri hwomumunda nevana vako, vanonzwa vakasununguka kuzvizivisa pamberi pevamwe vavo seZvapupu zvaJehovha here? Vanonakidzwa nepurogiramu yenyu yokuverenga nokudzidza Bhaibheri kwemhuri here? Chaizvoizvo vari kuita nzira yaJehovha nzira yavo yokurarama nayo here? Kunyatsoongorora kucharatidza zvaunofanira kuita iwe, somusoro wemhuri, kuti utange uye uvake unhu hwokunamata kwenhengo imwe neimwe yemhuri.”

9 Misangano Yeungano: Kugadzirira uye kupinda misangano yeungano kunofanira kuva chimwe chezvinhu zvinokosha zvaunoita vhiki nevhiki. (VaH. 10:24, 25) Dzimwe nguva, mungakwanisa kugadzirira mimwe misangano yacho semhuri. Pane kumirira kusvika miniti yokupedzisira, mungaronga kunyatsogadzirira pachine nguva mberi here? Muitiro wakarongeka munhau iyi uchavandudza kugadzirira uye kubatsirwa kwamunoitwa nemisangano yacho.—Zvir. 21:5.

10 Kunaka kwezvinoitwa uye kuva kwazvo nenhevedzano zvinoratidza muitiro wezvokunamata wakanaka. Zvakadini kana mamiriro ezvinhu akaita kuti zvikuomere kugadzirira misangano yose? Bhuku reChikoro Choushumiri, papeji 31, rinopa zano iri: “Usawire mungozi yokungotarira mashoko uchimhanya kuti ungopedza kana kuti, zvakatoipa, yokusatombodzidza chero api zvawo nokuti haukwanisi kuzviita. Asi sarudza kuti ungadzidza zvakawanda sei, woita izvozvo zvakanaka. Zviite vhiki nevhiki. Nokufamba kwenguva, edza kuwedzera kuti usanganisire mimwe misangano.”

11 Mhuri padzinokurumidza kusvika pamisangano, izvi zvinodzibatsira kuva nemafungiro akanaka okurumbidza Jehovha ndokubatsirwa nomurayiridzo waanopa. Mhuri yako ine tsika iyi here? Zvinoda kuronga kwakanaka uye kushandira pamwe kwevose vari mumhuri. Kana uchiwanzoona kuti mhuri yako inomhanya-mhanya uye inonetseka manheru emisangano, mungagadziridza purogiramu yenyu here? Pane zvinhu zvingafanoitwa here? Kana imwe nhengo yemhuri ichiremerwa nezvinhu zvokuita zvakawanda, vamwe vangaibatsira here? Zvaizoderedza kunetseka here kudai munhu wose aizova akagadzirira kuenda kumusangano maminitsi mashomanana nguva yamunosimuka isati yakwana? Kuronga kwakanaka kunobatsira kuva norugare mumhuri uye muungano.—1 VaK. 14:33, 40.

12 Basa Romumunda: Kuva nenguva chaiyo yokuita ushumiri ndomumwe muitiro wokunamata wakanaka. Rimwe jaya rinonzi Jayson rinoti: “Mumhuri medu, takanga takatsaura mangwanani oMugovera kuita basa romumunda nguva dzose. Izvi zvakanga zvakandinakira nokuti kuenda muushumiri kakawanda kwaiita kuti ndione zvakanaka zvahunoita uyewo ndainakidzwa nahwo zvikuru.” Vakawanda vakakurira mumhuri dzeZvapupu vakacherechedzawo kuti kuva nenguva chaiyo youshumiri vhiki imwe neimwe kwakavabatsira kufambira mberi sevashumiri vechiKristu.

13 Muitiro wakarongeka ungabatsirawo kuita kuti nguva inopedzerwa mubasa romumunda nemhuri yenyu inakidze zvikuru uye ive nezvibereko zvakawanda. Izvi zvingaitwa sei? Nharireyomurindi yaJuly 1, 1999, papeji 21, yakapa zano rinotevera: “Munomboshandisa nguva pafundo yenyu yemhuri kubatsira vemhuri yenyu kuti vagadzirire basa romumunda revhiki yacho here? Kuita kudaro kungabatsira chaizvo. (2 Timoti 2:15) Kungabatsira kuita kuti basa ravo rioneke uye ribereke. Apo nepapo, mungaronga chikamu chose chefundo nokuda kwokugadzirira kwakadaro. Kakawanda, mungakurukura nezvezvine chokuita nebasa romumunda pakukurukurirana kupfupi pamagumo efundo yemhuri kana kuti pane imwe nguva pakati pevhiki.” Mhuri yenyu yakambozviedza here izvi?

14 Ramba Uchifambira Mberi: Kubva mune zvakurukurwa izvi, wacherechedza here nharaunda iyo mhuri yenyu inoita zvakanaka? Varumbidze, uye edza kuvandudza. Kana ukaona nharaunda dzinoverengeka dzinoda kuvandudzwa, sarudza imwe kana mbiri dzokuvandudza pakutanga. Padzinenge dzava mumwe womuitiro wenyu mune zvokunamata, shandai pane imwe kana dzimwezve mbiri. Iva ane chivimbo uye anonzwisisa. (VaF. 4:4, 5) Kuva nomuitiro wakanaka wezvokunamata wemhuri yako kunoda kushingaira zvikuru, asi kwakafanira, nokuti Jehovha anotipikira kuti: “Unogadzira nzira yake zvakanaka ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.”—Pis. 50:23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe