Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Nov. 15
“Vamwe havana chokwadi kana tichida machechi uye temberi kuti tinamate Mwari. Imi munofungei? [Rega apindure.] Onai zvinotaura Bhaibheri nezvenhau iyi. [Verenga Mabasa 17:24.] Saka nzvimbo dzokunamatira dzinofanira kushanda chinangwa chei? Magazini iyi inopa mhinduro yeMagwaro yomubvunzo iwoyo.”
Mukai! Dec. 8
“Munofunga kuti rimwe zuva sayenzi ichagumisa urwere nehosha here? [Rega apindure.] Magazini iyi yeMukai! inotaura nezvokumwe kufambira mberi kwaitwa nesayenzi. Inoratidzawo kuti nei Musiki ari iye oga ane simba rokubvisa urwere norufu.” Verenga Pisarema 146:3-5, wobva wagovera magazini.
Nharireyomurindi Dec. 1
“Mazuva ano, anenge munhu wose ari kuomerwa nokuwana mari yakakwana yokurarama nayo. Ndizvo zvazvakaitawo nemachechi, uye kukumbira mari kuri kutoramba kuchienderera mberi. Munovhiringidzwa nazvo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga 1 VaTesaronika 2:9.] Nharireyomurindi inotiudza zvinotaurwa neBhaibheri nezveizvi.”
Mukai! Dec. 8
“Nokuda kwokutyisidzira kwemagandanga, vakawanda havachina chokwadi kana kufamba nendege kusina ngozi. Munonetseka nazvo here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinozivisa kuti hapana asingawirwi nezvinhu zvakaipa. [Verenga Muparidzi 9:11.] Zvisinei, magazini iyi yeMukai! inotaura kuwedzera kwamungaita kuva vakachengeteka nevakadzikama pamunofamba nendege.”