Zivisa Mashoko oUmambo
1 ‘Ndinofanira kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari, nokuti ndakatumirwa izvozvi.’ (Ruka 4:43) Nemashoko iwayo, Jesu akazivisa musoro woushumiri hwake—Umambo hwaMwari. Mashoko atinozivisa mazuva ano anotaurawo nezvoUmambo, sezvakafanotaurwa pana Mateu 24:14 kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” Vanhu vanofanira kunzwa chokwadi chipi pamusoro poUmambo hwaMwari?
2 Umambo hwaMwari zvino hunotonga huri kumatenga uye munguva pfupi iri kutevera huchatsiva utongi hwose hwevanhu. Dhiyabhorosi akatodzingwa kudenga, uye nyika ino yakaipa yapinda mumazuva ayo okupedzisira. (Zvak. 12:10, 12) Nyika yaSatani yakaipa yekare ichaparadzwa zvachose, asi Umambo hwaMwari hahuzozununguswi. Hucharamba huripo nokusingaperi.—Dhan. 2:44; VaH. 12:28.
3 Umambo huchagutsa zvido zvakanaka zvevanhu vose vanoteerera. Huchabvisa kutambura kunokonzerwa nehondo, utsotsi, udzvinyiriri, uye urombo. (Pis. 46:8, 9; 72:12-14) Vanhu vose vachava nezvokudya zvakawanda. (Pis. 72:16; Isa. 25:6) Kurwara nokuremara zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. (Isa. 33:24; 35:5, 6) Sezvo vanhu vanosvika pakukwana, pasi pachashandurwa kuva paradhiso, uye vanhu vachagara pamwe chete muchinzwano.—Isa. 11:6-9.
4 Tinoratidza kuti tinoda kuva vanhu vanotongwa noUmambo hwaMwari kuburikidza nemararamiro atinoita iye zvino. Mashoko oUmambo anofanira kuchinja upenyu hwedu hwose, kusanganisira zvatinovavarira uye zvatinoisa pakutanga. Somuenzaniso, kunyange tiine mutoro wokutarisira mhuri dzedu, hatingabvumiri zvinhu zvokunyama kuti zvivhunge zvinhu zvoUmambo. (Mat. 13:22; 1 Tim. 5:8) Pane kudaro, tinofanira kuteerera zano raJesu rinoti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose [zvinodiwa muupenyu] zvichawedzerwa kwamuri.”—Mat. 6:33.
5 Ndezvokukurumidzira kuti vanhu vanzwe ndokuita chimwe chinhu pamusoro pemashoko oUmambo sezvo nguva ichiripo. Ngativabatsire kuita kudaro kuburikidza noku“vanyengetedza pamusoro poumambo hwaMwari.”—Mab. 19:8.