Mharidzo Dzingangoshandiswa Pakugovera Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha
◼ Wakabata Bhaibheri muruoko, iti: “Vanhu vakawanda vanotenda muna Mwari vangada kunzwa vari pedyo naye. Maiziva here kuti Mwari anotikoka kuti tiswedere pedyo naye? [Verenga Jakobho 4:8.] Bhuku iri rakagadzirirwa kubatsira vanhu kuti vashandise Bhaibheri ravo pachavo kuswedera pedyo naMwari.” Verenga ndima 1 iri papeji 16.
◼ Wakabata Bhaibheri muruoko, iti: “Mazuva ano kusaruramisira kwawanda. Zvakangoita sezvinorondedzerwa pano apa. [Verenga Muparidzi 8:9b.] Vakawanda havana chokwadi kana Mwari achimbova nehanya nazvo. [Verenga mitsetse miviri yokutanga yendima 4 papeji 119.] Chitsauko ichi chinotsanangura chikonzero nei Mwari akabvumira kusaruramisira kwenguva yakati.”