Kubatsira Panguva Yakafanira
1 Muapostora Petro paakaona kuti vaainamata navo vaida kusimbiswa, kuva nehanya kwakamuita kuti avape zviyeuchidzo zvorudo uye avakurudzire. (2 Pet. 1:12, 13; 3:1) Akakurudzira ‘vaya vakanga vawana kutenda’ kuti varambe vachikudziridza unhu hwavo hwokunamata kuti vasava “vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko pamusoro pezivo yakarurama pamusoro paShe wedu Jesu Kristu.” (2 Pet. 1:1, 5-8) Chinangwa chaPetro chaiva chokuvabatsira kuita kuti kudanwa nokusarudzwa kwavakanga vaitwa naJehovha kuve kwechokwadi, kuitira kuti zvimwe ‘vaizowanikwa naye pakupedzisira vasina ruvara uye vasina gwapa vari murugare.’ (2 Pet. 1:10, 11; 3:14) Nokuda kwevakawanda, kukurudzira kwake kwakabatsira panguva yakafanira.
2 Nhasi, vatariri vechiKristu vane hanyawo nevanhu vaMwari. Mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” idzi, vashumiri vaJehovha vakawanda vanofanira kurwisana nemamiriro ezvinhu anoedza. (2 Tim. 3:1) Nemhaka yezvinetso zvemari, zvemhuri, kana kuti zvomunhu pachake zvinoramba zviripo, vamwe vangafunga sezvakaitwa naDhavhidhi kuti: “Madambudziko asingaverengwi akandikomberedza, zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo handigoni kutarira kumusoro; zvakawanda kupfuura vhudzi romusoro wangu, ndapera mwoyo.” (Pis. 40:12) Zvinetso izvi zvinogona kukura zvikuru zvokuti vakadaro vangaregeredza zvinhu zvomudzimu zvinokosha ndokurega kushingaira muushumiri hwechiKristu. Asi, pasinei nezvinetso zvavo, ‘havana kukanganwa mirayiro yaJehovha pachake.’ (Pis. 119:176) Zvino ndiyo nguva yakafanira yokuti vakuru vabatsire vakadaro.—Isa. 32:1, 2.
3 Kuti vaite izvi, vakuru vakakurudzirwa kuedza nepavanogona napo kubatsira vaya vasiri kuita basa rokuparidza panguva ino. Kushingaira kuita izvi kuri kufambira mberi uye kucharamba kuchiitwa kusvika mumwedzi waMarch. Vatariri vechidzidzo cheBhuku vari kukumbirwa kuti vashanyire vaya vasingachaiti basa kuti vavayamure mune zvokunamata nechinangwa chokuvabatsira kumutsiridza basa ravo neungano. Chidzidzo cheBhaibheri chomunhu oga chingarongwa pachinenge chichidiwa. Vamwe vangakumbirwa kubatsira. Kana ukakumbirwa kuita kudaro, kuedza kwako kungabatsira kwazvo, zvikurukuru kana ukapa kurudziro nenzira yomutsa, inonzwisisika.
4 Pane chikonzero chokuti tose tifare kana mumwe munhu akamutsiridza basa rake neungano. (Ruka 15:6) Kuedza kwedu kukurudzira vasingachaiti basa chaizvoizvo kungaguma kwava “shoko rinotaurwa nenguva yakafanira.”—Zvir. 25:11.