RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/03 p. 8
  • Kuita Kuti Zita raMwari Rizivikanwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Kuti Zita raMwari Rizivikanwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Kudza Zita Guru raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Zita raMwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 6/03 p. 8

Kuita Kuti Zita raMwari Rizivikanwe

1. Kuziva zita raMwari pachake kungaguma nei pavanhu?

1 Wakaita sei pawakatanga kuziva zita raMwari? Zvinoitwa nevakawanda zvakafanana nezvakaitwa nomumwe mukadzi akati: “Pandakatanga kuona zita raMwari muBhaibheri, ndakachema. Ndakafara zvikuru nokuziva kuti ndaikwanisa chaizvoizvo kuziva uye kushandisa zita raMwari pachake.” Kwaari, kuziva zita raMwari raiva danho rinokosha rokuti asvike pakuziva Jehovha somunhu uye akwanise kuumba ukama naye.

2. Nei zviri zvokukurumidzira kuti tidzidzise vamwe nezvaJehovha?

2 Kuitirei Kuti Rizivikanwe? Zita raMwari rakabatana nezvaari, zvinangwa zvake, uye mabasa ake. Rinewo chokuita nokuponeswa. “Munhu wose anodana pazita raJehovha achaponeswa,” akanyora kudaro muapostora Pauro. Asi ‘vachadana sei paari,’ Pauro akadaro, kunze kwokuti vanhu vatanga kudzidza nezvaJehovha ndokutenda maari? Nokudaro, ndezvokukurumidzira kuti vaKristu vaite kuti vamwe vazive zita raMwari nezvose zvarinomirira. (VaR. 10:13, 14) Zvisinei, panotova nechimwe chikonzero chikuru nei zita raMwari richifanira kuitwa kuti rizivikanwe.

3. Chikonzero chedu chikuru chokuparidza ndechei?

3 Kuma1920, vanhu vaMwari vakanzwisisa kubva muMagwaro nhau yakapararira inosanganisira kurevererwa kwouchangamire hwaMwari uye kutsveneswa kwezita rake. Jehovha asati aparadza vakaipa kuti abvise ruzvidzo rwakatutirwa pazita rake, chokwadi pamusoro pake chinofanira kuitwa kuti chi“zikanwe panyika yose.” (Isa. 12:4, 5; Ezek. 38:23) Naizvozvo, chikonzero chedu chikuru chokuparidza ndechokurumbidza Jehovha pachena uye kutsvenesa zita rake pamberi pevanhu vose. (VaH. 13:15) Kuda Mwari nomuvakidzani kuchatikurudzira kushanda zvakazara mubasa iri rakarayirwa naMwari.

4. Zvapupu zvaJehovha zvakasvika sei pakuzivikanwa nezita raMwari?

4 “Vanhu Vezita Rake”: Muna 1931 takagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10) Kubvira ipapo, vanhu vaMwari vakaita kuti zita raMwari rizivikanwe pamwero mukuru zvikuru zvokuti bhuku raVazivisi, papeji 124, rinoti: “Mumarudzi akawanda, munhu upi noupi anoshandisa norusununguko zita rokuti Jehovha anokurumidza kuzivikanwa seari mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Saka unozivikanwa nenzira iyi here? Kuonga kunaka kwaJehovha kunofanira kutikurudzira ‘kurumbidza zita rake,’ tichitaura nezvake pamukana uri wose wakakodzera.—Pis. 20:7; 145:1, 2, 7.

5. Mufambiro wedu unobatanidzwa sei mukutakura zita raMwari?

5 Se“vanhu vezita rake,” tinofanira kutsigira zvaanoda. (Mab. 15:14; 2 Tim. 2:19) Vanhu vanowanzotanga kucherechedza mufambiro wakanaka weZvapupu zvaJehovha. (1 Pet. 2:12) Hatingambodi kushatisa zita raMwari nokuputsa mitemo yake kana kuti nokuisa panzvimbo yechipiri kunamatwa kwake muupenyu hwedu. (Revh. 22:31, 32; Mar. 1:6-8, 12-14) Pane kudaro, mararamiro edu ngaaratidze kuti tinokoshesa ropafadzo yokutakura zita raMwari.

6. Iropafadzo yei yatingava nayo iye zvino uye nokusingaperi?

6 Nhasi, tinoona zvakaziviswa naJehovha zvichizadzika zvinoti: “Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni.” (Mar. 1:11) Ngatirambei tichiita kuti chokwadi pamusoro paJehovha chizivikanwe uye ti“rumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri.”—Pis. 145:21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe