Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Aug. 1
“Nokusabatana zvikuru kwakaita vanhu, vamwe vanofunga kuti nzira bedzi yokuwana nayo rugare rwenyika ndeyokuva nehurumende imwe chete munyika yose. Munofunga kuti izvozvo zvinobvira here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Dhanieri 2:44.] Magazini iyi inotaura zviri kuitwa noUmambo hwaMwari iye zvino uye kukurumidza kwahuchaita kuunza rugare rwenyika.”
Mukai! Aug. 8
“Tose tinosuruvara patinonzwa nezvokubatwa zvisina kunaka kwevana. Zvimwe makambonetseka kuti, ‘Mwari ane hanya chaizvoizvo here?’ [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 72:12-14.] Nyaya ino inotaura kuti Mwari anonzwa sei nezvevana uye zvaachaita nokukurumidza kuti aunze rusununguko rwechigarire kune vose vasiri kubatwa zvakanaka.”
Nharireyomurindi Aug. 15
“Nhasi, vanhu vanotsvaka mazano omuchato neokurera vana kunzvimbo dzakawanda. Munofunga kuti mazano akanakisisa angawanikwa kupi? [Rega apindure.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inotaura mamwe emazano okuchenjera oupenyu hwemhuri anogoverwa noMusiki wevanhu.” Verenga Pisarema 32:8.
Mukai! Sept. 8
“Munofunga kuti zvinokosha sei kuti vanababa vave nezvavanoitawo muupenyu hwevana vavo? [Rega apindure.] Magazini iyi yeMukai! inotaura nezvechinetso chiri kuramba chichiwedzera chavanababa vasingawaniri mhuri yavo nguva. Inotsanangurawo kuti vanababa vangakurudzira sei vana vavo zvakanaka.” Verenga Zvirevo 13:1.