Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Nov. 1
“Vanhu vakawanda vanonetseka nokusaruramisira kuri munyika. Munofunga kuti pane munhu anogona kuchinja nyika chaizvoizvo here? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura zvinhu zvinoita kuti kuchinja kuome. Inoratidzawo kuti ndiani achazvikurira uye kuti achaunza sei nyika ine rugare rwechokwadi nokuchengeteka.” Verenga Pisarema 72:12-14.
Awake! Nov. 8
“Pasi pose pane kusiyana kukuru pakati pevapfumi nevarombo. Munofunga kuti pane chingaitwa here kuita kuti kusiyana kwacho kupere? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mateu 6:9, 10.] Magazini ino inoratidza chikonzero nei tingavimba kuti Umambo hwaMwari huchabvisa kusiyana uku kunotambudza vanhu nhasi.”
Nharireyomurindi Nov. 15
“Vanhu vakawanda vanonetseka kuti nei zvinetso zvinotambudza vanhu zvichiita sezviri kuwedzera, kwete kuita nani. Mati mamboona here zvinotaura ndima iyi nezvokuti chii chingangova chikonzero chacho? [Verenga Zvakazarurwa 12:9. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inotaura nezvemazano aSatani okutsausa vanhu uye kuti tingaita sei kuti asatifurira.”
Awake! Nov. 22
“Kunyange zvazvo zvokudya zvinogona kukwana vanhu vari pasi pano zvichirimwa, vanhu vanenge mamiriyoni 800 havana zvokudya zvakakwana. Izvozvo hazvisuruvarisi here? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura nezvedambudzo riri kuwedzera rokuita kuti vanhu vari mumaguta vawane zvokudya. Inotaurawo nezvechipikirwa cheBhaibheri chenyika inenge isina nzara.” Verenga Pisarema 72:16a.