RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/04 p. 7
  • Urongwa Hutsva Hwokutibatsira Kurega Ropa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Urongwa Hutsva Hwokutibatsira Kurega Ropa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Urongwa Hwokutibatsira Kuti Tirege Ropa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Gadzirira Iye Zvino Kuitira Kana Ukazongoerekana Wamhanyiswa Kuchipatara
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Uri Kuverengera Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Ndinofanira Kuva Nekadhi Rechikwereti Here?
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 12/04 p. 7

Urongwa Hutsva Hwokutibatsira Kurega Ropa

Dare Rinodzora rakabvuma kubatanidza zvikamu zvinokosha zvikuru zvegwaro rinonzi durable power of attorney (DPA) nekadhi reAdvance Medical Directive/Release kuti rive gwaro rimwe chete repamutemo, ratichange tava kungoti kadhi reDPA.

Kadhi reDPA hariperi kushanda munyika dzose uye richataura zvido zvako paunenge uchifamba munyika dzose. Munguva yemberi, unofanira kunyora kadhi idzva reDPA kana (1) paine zvaunoda kuchinja pakadhi rako reDPA, zvakadai sokuchinja zvido zvako, vanotarisira utano hwako, kero uye nhamba dzenhare, kana kuti kana (2) kadhi rako reDPA rarasika kana kusakara.

Unofanira kunyengetera nezvekadhi reDPA wozorinyora nokungwarira uri kumba, Zvisinei, usati wasaina kadhi racho, zvinokosha kuti unyatsotevedza zvinodiwa nomutemo. Somuenzaniso, kana kadhi rako richiti zvapupu zviviri zvinofanira kukuona uchisaina, zvinofanira kunge zviripo paunorisaina. Vatariri vechidzidzo chebhuku nguva nenguva vangataura nevaya vasina kunyora makadhi matsva kuti vaone kana vachida kubatsirwa.

Usati wapeta kadhi reDPA, ita mafotokopi akanaka wopa anotarisira utano hwako, mumwe anomutsiva, uye chiremba pamwe chete neimwe yauchachengeta paunochetera magwaro ako anokosha. Ungadawo kupa dzimwe nhengo dzemhuri yako nomunyori weungano yako mamwe mafotokopi. Mafotokopi acho anofanira kunge akafotokopwa kudivi rimwe chete repepa re(A4), kadhi reDPA rakaiswa pakati pepeji yacho. Iwe unofanira kuchengeta kadhi reDPA chairo, kwete fotokopi.

Identity Card rakadhindwa kunzi 3/99 revana veZvapupu vasina kubhabhatidzwa harina kuchinja. Vabereki vanofanira kuva nechokwadi chokuti kadhi romwana muduku mumwe nomumwe ranyorwa zvakarurama uye rasainwa, uye kuti mwana wacho anoritakura panguva yakakodzera.

Vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vangashandisa mutauro wekadhi reDPA neIdentity Card kuti vanyore mirayiro yezvoutano, yavo uye yevana vavo. Munyori anofanira kupa vaparidzi vose vachangobva kubhabhatidzwa kadhi reDPA mugore racho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe