Tapota Kurumidza Kushanya
Kurumidza kushanyira ani? Vaya vanokumbira mabhuku kana kuti vanogara vachiendeserwa magazini kana kuti vangada kuti Chapupu chivashanyire pamisha yavo. Zvikumbiro izvi zvinobva kupi? Kuvanhu vanonyora tsamba kuhofisi yebazi kana kuridza runhare kana kuti vanoshandisa Nzvimbo yedu yokubudisira mashoko paIndaneti. Kana kufarira kwakadaro kukaratidzwa, hofisi yebazi inozivisa ungano yomunharaunda yacho ichishandisa fomu rinonzi S-70, iro riri siripi ine musoro unoti “Tapota Muone.” Vakuru pavanogamuchira S-70, vanofanira kubva vangoripa muparidzi uyo achakurumidza kushanyira munhu uya anofarira. Kana muparidzi uyu achinetseka kuwana munhu pamusha, angaedza kumuridzira runhare kana kuti angasiya katsamba asingacherechedzwi. Kana ukakumbirwa kuita kushanya kwakadaro, tapota edza zvose zvaunogona kuti uone munhu anofarira wacho nokukurumidza.