Tinofanira Kukurumidza Kuona Vanenge Vafarira
Kubva pakanatsiridzwa nzvimbo yedu yepaIndaneti, zvikumbiro zvokudzidza Bhaibheri zvinotumirwa paIndaneti zvakawedzera zvinoshamisa. Nzira itsva dzokuparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda dzakaita kuti zvikumbiro zvacho zvitowedzera. Hofisi yebazi inotumira zvikumbiro izvi nokukurumidza sezvingabvira. Somuenzaniso, kana chikumbiro chikatumirwa pajw.org, vakuru vari mundima ine munhu anenge afarira vanowanzoziviswa nehofisi yebazi mazuva maviri chete chikumbiro chacho chaitwa. Asi mishumo iri kuratidza kuti vamwe vakaita vhiki dzakawanda vasina kushanyirwa. Tingaita sei kuti tive nechokwadi kuti munhu abatsirwe achiri kufarira?—Mako 4:14, 15.
Kana munhu asingagari mundima yenyu akafarira, zadza fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) nokukurumidza woripa munyori pamusangano unotevera. Munyori anofanira kutumira mashoko acho pasati papfuura mazuva maviri kuungano iri mundima ine munhu wacho kana kutumira kuhofisi yebazi achishandisa bhatani rakanzi Ungano riri pajw.org. Vakuru vanofanira kugara vachitarisa zvinenge zvatumirwa pajw.org. Kana vakaona mashoko ane chokuita nemunhu anofarira, vanofanira kuita kuti ashanyirwe nokukurumidza. Muparidzi anenge akumbirwa kuti ashanyire munhu wacho anofanira kuzviita nokukurumidza. Kana munhu wacho asiri pamba, unogona kusiya katsamba kane mashoko okuti angakuwana sei.