Vabatsire Kuti Vazopupurirwazve
1 Patinoparidza mashoko akanaka, tinowanzosangana nevanhu vasingagari mundima yedu kana kuti vanotaura mumwe mutauro, kusanganisira mutauro wemasaini. Vamwe vatave tichikurukura Bhaibheri navo vangatama mundima yedu. Tingaronga sei kuti vakadaro vazopupurirwazve? Nokushandisa fomu rinonzi Tapota Muonei (S-43).
2 Kazhinji vanhu vanonyatsoteerera mashoko akanaka apo anotaurwa mururimi rwaamai. (Mab. 22:1, 2) Saka, muzviitiko zvakawanda, patinosangana nomunhu anotaura mumwe mutauro, tinofanira kuzadza fomu racho kunyange kana munhu wacho asingaratidzi kufarira mashoko oUmambo. Zvisinei, kuya kune vanhu vakati wandei vanotaura mutauro wokumwe vanogara vachiparidzirwa mumutauro wavo, zvingasadiwa kuti tizadze fomu kutoti kana munhu wacho akafarira.
3 Kuzadza Fomu Racho: Nokungwarira edza kuwana zita romunhu wacho, kero yake, uye nhamba dzake dzorunhare. Taura kuti akafarira zvakadini, munhu wacho anowanikwa rini, bhuku rakagoverwa kana kuti riri kudiwa, uye mutauro unonyatsonzwisiswa nomunhu wacho. Wapedza kuzadza fomu racho, kurumidza kuripa munyori weungano, achazoriendesa kuungano kana kuboka rakakodzera.
4 Kuendesa Fomu Racho: Kana munyori asingazivi ungano kana boka kwaanofanira kutumira fomu racho kana kuti asina kero yacho yetsamba, angafonera Dhipatimendi Rebasa riri kuhofisi yebazi kuti awane mashoko anodiwa. Hazvisisina hazvo basa kuti mutariri weguta azive pamunoendesa fomu racho.
5 Pose apo ungano kana kuti boka rinogamuchira fomu rakazadzwa rinonzi Tapota Muonei, urongwa hunofanira kuitwa kuti munhu wacho aonekwe nokukurumidza. Sezvatinoshingairira kuita zvatinofanira, tingava nechivimbo chokuti Jehovha achavhura mwoyo yevaya ‘vanoda upenyu husingaperi.’—Mab. 13:48.