Basa Rinotsigirwa naMwari
1 Pakati pevanhu vaMwari nhasi, vanongova vashoma vane dzidzo yepamusoro, pfuma, kana kuti mukurumbira mugadziriro ino yezvinhu. Nechikonzero ichocho, vamwe vanhu vanoramba ushumiri hwedu vachiti hahukoshi. (Isa. 53:3) Zvisinei, basa rokudzidzisa Bhaibheri ratinoita raunza nyaradzo netariro kumamiriyoni evanhu pasi pose. Vanhuwo zvavo vakasvika sei pakuva nemigumisiro yakakura kudaro? Nokutsigirwa naMwari bedzi. (Mat. 28:19, 20; Mab. 1:8) “Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika,” akatsanangura kudaro muapostora Pauro, “kuti anyadzise zvinhu zvakasimba.”—1 VaK. 1:26-29.
2 Vaapostora nevamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga “vakanga vari vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza.” (Mab. 4:13) Asi vakaramba vachiita basa ravo rokuparidza mashoko akanaka noushingi, uye Jehovha akakomborera zvavaiita. Pasinei nezvipingamupinyi uye kushorwa, “shoko raJehovha rakaramba richikura nesimba uye richipararira.” Hapana chinhu chaigona kumisa basa racho nokuti raitsigirwa naMwari. (Mab. 5:38, 39; 19:20) Izvi ndizvo zvave chichiitika munguva dzazvino uno. Kunyange kushora kwakasimba kwevatongi vane simba hakuna kukwanisa kuita kuti mashoko akanaka asapararira uye asawedzera.—Isa. 54:17.
3 Mwari Ndiye Anorumbidzwa: Kuva kwedu neropafadzo yokuva vashumiri vaMwari kunotipa chikonzero chokuti tizvirumbidze here? Kwete. Achitaura nezvoushumiri hwechiKristu, Pauro akanyora kuti: “Tine pfuma iyi mumidziyo yevhu, kuti simba rinopfuura romuzvarirwo rive raMwari kwete rinobva matiri.” (2 VaK. 4:7) Pauro aiziva kuti aigona kuita ushumiri hwake bedzi musimba raaipiwa naMwari.—VaEf. 6:19, 20; VaF. 4:13.
4 Isuwo tinoziva kuti basa rokuparidza riri kuitwa bedzi nokuti ta“kawana betsero inobva kuna Mwari.” (Mab. 26:22) Nokuzivisa kwakadaro munyika yose, Jehovha ari kutishandisa munzira yakakura kuita kuti marudzi atye—chiratidzo chokutonga kwokuparadza kuchakurumidza kuuya. (Hag. 2:7) Tine ropafadzo huru yokuva “vashandi pamwe naMwari” mukukohwa kukuru kwomudzimu!—1 VaK. 3:6-9.