RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/04 p. 4
  • Zvokudya Zvomudzimu Panguva Yakakodzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokudya Zvomudzimu Panguva Yakakodzera
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Kokorodzano Yoruwa ya1996 Ye“Nhume Dzorugare rwaMwari”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Jehovha Anounganidza Vanhu Vake Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kokorodzano Dzeruwa dze“Shoko raMwari Rouprofita” dza1999
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 7/04 p. 4

Zvokudya Zvomudzimu Panguva Yakakodzera

1. Ezekieri 36:29 iri kuzadzika sei nhasi?

1 “Ndichadana zviyo, nokuzviwanza, handingakuremedziyi nenzara,” ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha. (Ezek. 36:29) Mashoko iwayo ouprofita anoshanda kune vanhu vaMwari nhasi. Nokutaura kwokufananidzira, Jehovha akaita kuti zviyo zvinotsigira upenyu zvimere zvakawanda nokuda kwevanhu vake. Zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa panguva yakakodzera pakokorodzano dzedu dzoruwa zvinonyatsoratidza izvi.

2. Jehovha akashandisa sei kokorodzano dzoruwa kugovera zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira?

2 Pakokorodzano yakaitirwa muColumbus, Ohio, muna 1931, Jehovha akarayira vanamati vake kuti vave nezita idzva—Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10-12) Muna 1935 boka guru revanhu romuna Zvakazarurwa 7:9-17 rakanyatsozivikanwa. Muna 1942, Hama Knorr vakapa hurukuro yaiti, “Rugare—Rungaramba Ruripo Here?” Hurukuro iyoyo yakasimbisa basa rokuparidza pasi pose uye yakaita kuti Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chitangwe. Kunyange zvazvo dzimwe kokorodzano dzisingakanganwiki, imwe neimwe yakaratidza kuva tafura ine mafashafasha ezvokudya zvomudzimu zvinovaka zvakagoverwa panguva yakakodzera.—Pis. 23:5; Mat. 24:45.

3. Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe nemafashafasha ezvokudya zvomudzimu pakokorodzano dzedu dzoruwa?

3 Uri Kudya Zvakanaka Here? Zvinobvira kuti tive pane zvokudya zvakawanda asi tigofa nenzara kana tikasaedza kudya. (Zvir. 26:15) Ndizvo zvazvakaitawo kana tichitaura nezvezvinhu zvine chokuita nokunamata. Pane dzimwe kokorodzano, zvakacherechedzwa kuti vakawanda vanenge vachingombeya-mbeya kana kuti vachitaurirana panguva yepurogiramu. Kunyange zvazvo kushamwaridzana kunovaka kuri chinhu chinokosha pakokorodzano, izvi zvinofanira kuitwa purogiramu isati yatanga uye yapera. (Mup. 3:1, 7) Kana tisina kugara pazvigaro zvedu tichinyatsoteerera, tinogona kurasikirwa nepfungwa inokosha. Vanotarisira madhipatimendi ekokorodzano uye hama dzine zvokuita nguva nenguva dzingaona zvakakodzera kukurukura nhau dzine chokuita nekokorodzano uku purogiramu ichifambira mberi. Asi vanofanira kuratidza muenzaniso wakanaka nokunyatsoteerera purogiramu yacho. Hapana anofanira kurasikirwa nezvokudya zvomudzimu zvinopiwa.—1 VaK. 10:12; VaF. 2:12.

4. Tingaratidza sei kuti tinoonga mafashafasha anogoverwa naJehovha?

4 Tinofara nemafashafasha echokwadi chomudzimu chinopiwa naJehovha, chakasiyana nedzidziso dzenhema dzechiKristudhomu dzisingagutsi! (Isa. 65:13, 14) Imwe nzira ya‘tinoratidza nayo kuti tinoonga’ kuona kokorodzano somukana wokudzidziswa naJehovha. (VaK. 3:15) Usangoona hama iri kupa hurukuro chete, asi ona mashoko ayo seari kubva ku‘Mudzidzisi wedu Mukuru.’ (Isa. 30:20, 21; 54:13) Nyatsoteerera. Nyora pfungwa shomanana dzinokosha. Dzokorora pfungwa huru dzepurogiramu manheru oga oga. Shandisa zvaunodzidza.

5. Kokorodzano dzoruwa dzinotipa zvikonzero zvipi zvokufara?

5 Kokorodzano dzose dzinoitwa Amagedhoni isati yasvika, dzingave dzichiitirwa mumusasa wevapoteri, munyika yasakadzwa nehondo, kana kuti dzichiitirwa munzvimbo huru ine rugare, ikoko kukundwa kwaSatani! Sehama dzakabatana, tinoonga mikana yedu yokuungana pamwe chete pakokorodzano dzoruwa. (Ezek. 36:38) Tine chivimbo chokuti norudo Jehovha achatipazve ‘mugove wedu wezvokudya panguva yakafanira.’—Ruka 12:42.

[Bhokisi riri papeji 4]

Ratidza Kuti Unoonga Tafura yaJehovha

◼ Nyatsoteerera

◼ Nyora pfungwa dzinokosha

◼ Dzokorora pfungwa huru dzepurogiramu manheru oga oga

◼ Shandisa zvaunodzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe