Kokorodzano Dzeruwa dze“Shoko raMwari Rouprofita” dza1999
1 VaIsraeri pavakanga vava kuda kupinda muNyika Yakavimbiswa, Mosesi akavateterera kuti vaonge murayiridzo waMwari. Akati: “Hachisi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu.” (Dheut. 32:45-47) Hationgi Jehovha here kuti upenyu hwedu hunokosha kwazvo kwaari zvokuti anopfuurira kutitungamirira neShoko rake rinokosha? Nokudaro tinotarisira kwazvo mazuva matatu eKokorodzano Yeruwa ye“Shoko raMwari Rouprofita” uye neizvo Jehovha akatichengetera.
2 Gore rino, kokorodzano dzeruwa dzakarongwa zvakatinakira mumaguta gumi muZimbabwe yose. Kokorodzano idzi dzichaitwa mumitauro mitatu mikuru yenyika yedu, chiNgezi, chiShona nechiZulu.
3 Pasina mubvunzo wakatoronga kupinda mazuva ose ekokorodzano nokuti unoziva kuti Jehovha anokutarisira kupinda. Iva nechokwadi chokuti anoona kuedza uye kuzvibayira kunoitwa nevabatiri vake kuti vapinde, uye anoyeuka zvakadaro nekuonga. (VaH. 6:10) Tikapinda kokorodzano zuva rimwe nerimwe kubva parwiyo rwokutanga kusvika pamunyengetero wokugumisa, tinoratidza Jehovha kuti tinokoshesa mashoko ake. (Dheut. 4:10) Tinoratidzawo kuonga basa rakaoma rehama dzedu dzakawanda dzakabatanidzwa mukugadzirira kokorodzano yacho.
4 Kuronga kuti zviuru zvavanhu vaJehovha zviungane panzvimbo yekokorodzano imwe neimwe kunoda kufanoronga uye kurongeka kwakanaka. Kuziva kuti kokorodzano dzakatorongwa nenzira yerudo kunofanira kutiita kuti tishandire pamwe, kuitira kuti ‘zvinhu zvose zviitwe nomutoo wakafanira newakarongeka.’ (1 VaK. 14:40) Mashoko anotevera uye zviyeuchidzo zviri kupiwa kuti mugosvika pakokorodzano yenyu makanyatsogadzirira kuva nezvokudya zvomudzimu uye ushamwari hwechiKristu.
Kokorodzano Isati Yatanga
5 Vamunodzidza navo Bhaibheri uye vamwe vanofarira vanoda kubatsirwa here kuronga pachavo kuti vapinde kokorodzano? Zvavanoona nokunzwa ikoko zvingavaita kuti vave vanamati vaJehovha. (1 VaK. 14:25) Vakuru vanofanira kuziva nezvavapi nevapi vanoda kubatsirwa nepokugara kana kuti chokufambisa, zvikurukuru nhengo dzakura dzeungano, uye nenzira yerudo kuona kuti zvavanoda zvaitwa.—VaG. 6:10.
6 Makapedza kuronga nezvepokugara penyu here? Kusvika zvino, mafomu Okukumbira Pokugara akatenderwa neDare Rebasa Reungano anofanira kuve akatumirwa pakero yakakodzera yekokorodzano nemunyori weungano.
7 Kana muchida mashoko pamusoro peimwe kokorodzano, munyori weungano angakupai kero yenzvimbo yacho chaiyo. Tapota musachaya runhare kana kuti kunyorera vatarisiri vezvivako zvenzvimbo yekokorodzano.
8 Sezvo Dhipatimendi reFirst Aid pakokorodzano richiisirwa kuti ritarisire zvinhu zvekukurumidzira bedzi, tinokukurudzirai kuti muuye nemapiritsi enyu, mabhandeji, zvinobatsira kufema, zvinoyamura kugaya zvokudya, uye zvinhu zvakafanana neizvozvo kukokorodzano kana muchifunga kuti zvakadaro zvingadiwa. Kana imi kana kuti mudiwa wenyu ane chinetso chakakomba, chakadai sechinetso chemwoyo, chirwere cheshuga, kana ngozi yokubatwa nepfari, tapota huyai nemishonga inodikanwa kukokorodzano kuti mugotarisira izvi zvinodikanwa sokunge kuti muri kumba kana kuti pazororo. Kungava kuchenjera kuti imwe nhengo yemhuri kana kuti shamwari yapedyo inonzwisisa mugariro wacho irambe ine munhu wacho, sezvo iyeye angapa betsero yakanakisisa inodikanwa.
9 Mikana yokupupurira zvisina kurongwa ingangomuka sezvamunofamba kuenda nekudzoka kukokorodzano. Uchave wakagadzirira kugoverana chokwadi nevamwe here? Tose zvedu, kusanganisira vana vaduku, tingabatanidzwa nokugovera maturakiti kuvashandi vepanotengeswa peturu, vanhu vari mubhazi nemi, uye vamwe vamuchasangana navo pakufamba kwenyu. Mikana ichavapo yokugovera magazini, mabhurocha, kana kuti mamwe mabhuku kune vanofarira. Ivai vakagadzirira kupupurira zvisina kurongwa kuvanhu vangangopotswa neimwe mitoo yokuparidza yenguva dzose.
Nguva Yekokorodzano
10 Misuo ichazarurwa panzvimbo yekokorodzano nenguva dza8:00 mangwanani zuva nezuva. Mungachengetera zvigaro vari mumhuri yenyu yapedyo kana kuti muboka remotokari yenyu bedzi. Pokugara panosvikika zviri nyore pachasiyirwa hama nehanzvadzi dzatikwegurei uye dzimwe nzvimbo dzichasiyirwa vakaremara nevaya vanoda pekuisa mawiricheya. Hazvibviri kutsaura makamuri chaiwo panzvimbo yekokorodzano nokuda kwaavo vanorwariswa nemamiriro okunze kana zvinhu zvisingawirirani nemiviri yavo. Zuva nezuva sezvamunobva panzvimbo yenyu yokugara, tapota tarisai muve nechokwadi chokuti mune zvinhu zvenyu zvose.
11 Kuti tiungane mumapoka makuru nokuda kwekokorodzano dzedu dzeruwa, tinodikanirwa kuteerera mitemo yemunharaunda imomo, mitemo yemoto, uye kumwe kuchengeteka kunodikanwa. Naizvozvo, mapurema nemareclining deck chair hazvifaniri kupinzwa munzvimbo yatakaungana. Izvi ingozi dzinogumbura munzvimbo dzinofambwa netsoka kana kuti pakati pemitsara yezvigaro. Zvisinei, zvigaro zvevana zvinokwana pakati pezvigaro zvevabereki uye ndokusungirirwa ipapo zvinobvumirwa.
12 Uchabhabhatidzwa pakokorodzano yeruwa here? Papurogiramu yeMugovera mangwanani, chikamu chezvigaro chichasiyirwa vanoda kubhabhatidzwa, uye varindiri vachakutungamirirai kunzvimbo iyi. Kana zvichibvira, tapota garai ipapo purogiramu isati yatanga. Uyai neBhaibheri renyu, bhuku renziyo, tauro, nechipfeko chokushambirisa chine mwero. Zvikabudura zvakagadzirwa nemajini akachekwa makumbo, maT-shirt akanyorwa, uye zvimwe zvipfeko zvakadaro hazvina kukodzera nokuda kwenguva inoremekedzwa zvakadaro. Vakuru vanohwirudzura mibvunzo mubhuku raHushumiri Hwedu nevadzidzi vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuva nechokwadi chokuti mumwe nemumwe anonzwisisa izvozvi. Sezvo kubhabhatidzwa kuri chiratidzo chemunhu oga chokuzvitsaurira kuna Jehovha Mwari, zvingava zvisina kukodzera kuti vadzidzi vabatane maoko pavanenge vachibhabhatidzwa.
13 Mungashandisa makamera, zvekurekodhesa zviduku, uye matepi ekurekodha pakokorodzano. Zvisinei, nzvimbo yazvo kana kuti pazvinoshandiswa hazvifaniri kuvhara munofambwa namo, kudzikatidza vamwe kuona, kana kuti kudzongonyedza vamwe kuteerera purogiramu. Zvinofanira kuzvimirira zvoga—ndiko kuti, hazvifaniri kupfekerwa kumidziyo yemagetsi kana kuti gudzanzwi.
14 Sezvo kushandiswa kwenhare dzecellular nemichina yokushevedzesa zviri kuwedzera, tapota ngwarirai kuti michina iyi haikanganisi kuteerera kwenyu purogiramu kana kuti vakagara pedyo nemi. Michina iyi haifaniri kurira kana kuti kuchema zvinonzwika pamunenge makagara muvateereri. Kana zvakafanira kuti mushandise runhare rwecellular purogiramu ichiitwa, tapota itai izvozvo kunze kwenhandare.
15 Kuti ipfavise zvinhu uye kuchengeta nguva, Society yakatikumbira kuti tiuye nezvokudya zvedu zvamasikati kukokorodzano zuva nezuva. Hama dzakawanda dzakatevedzera uku kuronga uye dzakaona kuti pashure pokumbozorora nokuda kwezvokudya zvamasikati, dzinogona kugara pasi nemhuri dzadzo ndokudya zvavanenge vauya nazvo nokuda kwezuva iroro. Vakawanda vakati mukana wekuzorora nguva yokudya kwamasikati uye wokupedzera nguva yasara nehama nehanzvadzi wakanga uchinakidza. Izvi zvinoda kufanotenga zvokudya nezvokunwa ndokuzvirongedza mumidziyo miduku kana kuti mubhegi rokutonhodza iro ringakwana pasi pechigaro. Tinokumbira kuti vose vari kupinda vatevedzere murayiridzo uyu. Nguva pfupi yapfuura, mamaneja ezvivako zvatinoshandisa nevatengesi vezvokudya vomuzvivako izvozvo vakacherekedza dzimwe hama dzaibva munhandare dzichindotenga zvokudya kuvatengesi vemumigwagwa uye kune dzimwe nzvimbo dziri pedyo kunotengeswa zvokudya. Vamwe vevatengesi vezvokudya muzvivako zvekokorodzano zvinoshandiswa zvino vava kurayira kuti vabvumidzwe kuzarura pokutengesera zvokudya ndokugovera vanopinda kokorodzano dzedu. Kana izvi zvikabvumidzwa, vanhu venyika vakawanda vangave vachisonganira nesu zuva rose. Uyewo, kutsvikinyidzana nemitsara mirefu zvingavapozve panotengeserwa pacho, zvichivhiringidza mhoteredzo yakanyarara yekokorodzano dzedu. Saka, tinokumbira kuti mumwe nomumwe aedze kuuya nezvokudya zvake nezvinwiwa kukokorodzano zuva nezuva. Vanofarira vamunenge mauya navo kukokorodzano vanofanirawo kuuya nezvokudya zvavo. Midziyo yegirazi nezvinwiwa zvinodhaka hazvibvumidzwi muzvivako zvekokorodzano.
16 Kusimbisa mamwe mashoko, zvinonzi muuye nezvinotevera zvekumbozorora kwemasikati: masangweji anotonhora, zvinhu zvakabhekwa, uye michero ichakanaka. Zvinwiwa zvingasanganisira tii, kofi, zvinwiwa zvemubhodhoro, michero yakasvinwa, kana kuti mvura yakaiswa mubhodhoro mumidziyo isingaputsiki kana kuti mufurasiki. Mukagadzira zvokudya zvakapfava muchava nechokwadi chokuti munorara nenguva yakanaka usiku humwe nehumwe. Mabhegi ekutonhodza anofanira kuva maduku zvakaringanira kuti akwane pasi pechigaro chenyu. Zvisinei, hapana mabhokisi ekutonhodza makuru anofanira kupinzwa munzvimbo yekokorodzano.
17 Imwe nyevero yokuwedzera ndeyokuti hapana kubika kunofanira kuitwa panzvimbo yekokorodzano, kunze kwekuti kwaitwa pasi penhungamiro yekuronga kwekokorodzano. Zvakanaka kufunga kuti nguva inobvumirwa nokuda kwekumbozorora masikati yakarongerwa kuti tidye zvokudya zvakapfava uye kuti tisonganire nehama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo Mwari. Sevanhu vaJehovha, tinoziva kuti zvokudya zvomudzimu pakokorodzano zvinokosha zvikuru kana tichienzanisa nezvinhu zvokunyama, uye tinofanira kuronga saizvozvo.
18 Mungazvipira kubetsera kuchenesa nzvimbo yacho panopera purogiramu zuva nezuva here? Kana kuti mungashanda mune rimwe ramadhipatimendi ekokorodzano here? Kana muchigona kubetsera, tapota uyai kuDhipatimendi Rebasa Rokuzvipira pakokorodzano. Vana vari pasi pemakore 16 vangashanda nemubereki kana kuti mumwe akura akavimbika. Chokwadika, munhu wose angabetsera kuchenesa nzvimbo iyi nokuona kuti marara api neapi anhongwa ndokuiswa kwaanofanira.
19 Takagamuchira mirayiridzo yakaisvonaka pamusoro pekunonzi kupfeka kwakafanira nekutsvinda pakokorodzano yedu. Somuenzaniso: Tine nhungamiro panhau iyi muwedzero dzoUshumiri Hwedu hwoUmambo, tine mienzaniso nemifananidzo mumabhuku edu, uye chinotokosha pane zvose, tine zvinotaurwa naJehovha muBhaibheri. (VaR. 12:2; 1 Tim. 2:9, 10) Vanhu vanoziva kuti tiri vanaani uye nei taungana muguta ravo. Saka, kupfeka nekutsvinda kwedu uchapupu hwakasimba pachakwo. Vakawanda vevanhu vaJehovha vanogadza muenzaniso wakanaka mune izvi. Kunyange zvakadaro, nguva nenguva tinoona kuva venyika kuchiratidzwa mukupfeka nekutsvinda kwevamwe vanopinda kokorodzano dzedu. Zvipfeko zverudzi rupi nerupi zvinoonesa zvemukati zvinoita kuti pave nemibvunzo yokutaura kwemunhu kuva wemudzimu. Chitarisiko chine mwero, chakachena, chakatsvinda ndicho chinofadza zvikuru. Naizvozvo, misoro yemhuri inofanira kucherechedza zvinoronga kupfekwa nenhengo dzemhuri dzayo. Izvi zvingashandawo patinenge tisiri panzvimbo yekokorodzano. Kupfeka mabheji edu purogiramu yezuva racho isati yatanga uye yapera kunowedzera kutizivisa naJehovha nevanhu vake vakachena.—Enzanisa naMarko 8:38.
20 Mambo akachenjera Soromoni akafuridzirwa kutaura kuti “upenzi hunonamatira mumwoyo wemwana” uye “mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.” (Zvir. 22:15; 29:15) Nguva yepurogiramu, Zvapupu zviduku zvisingatarisirwi zvakavhiringidza hama nehanzvadzi dzaiedza kubetserwa nepurogiramu. Zviri pachena kuti vaduku ivavo vakanga vasingabetserwi nepurogiramu yemudzimu yakanga yagadzirirwa vachifungwa ivo. Sezvo vabereki vane mutoro kuna Jehovha nokuda kwemufambiro wevana vavo, mai kana baba vangava nechokwadi chokuti vana vari kuzvibata uye vari kuteerera murayiro waJehovha bedzi kana vana vakagara navo. Varindiri vachauya kune vapi nevapi vanodzongonyedza ndokuvakumbira kuti varege kudaro, vachivayeuchidza nemutsa kuti vateerere purogiramu.
21 Nemhaka yokuti tinogamuchira vanhuwo zvavo pakokorodzano dzedu, kuchenjera kungwarira vana vedu uye zvinhu zvedu pachedu. Vana vedu zvipo zvinokosha zvinobva kuna Jehovha. Asi tinoziva kuti nyika inoratidza muitiro wakaipa waSatani. Saka tapota zivai kune vana venyu nguva dzose. Uyewo, makamera, mabhegi, uye zvimwe zvinhu zvinokosha zvinofanira kuva nemi nguva dzose uye hazvifaniri kusiiwa pachigaro chenyu. Ivai nechokwadi chokuti mota yenyu yakakiyiwa, uye isai zvinhu zvenyu mubhuti kana kuti ivai nazvo pamuri. Izvi zvinoderedza muedzo wokuti mumwe munhu abe zviri mumota yenyu.
22 Zvinokurudzira kuona hama nehanzvadzi dzichinyora zvinonyorwa nguva dzepurogiramu yekokorodzano. Zvinonyorwa zvipfupi zvichakubetserai kuteerera ndokuyeuchidza pfungwa mashoko makuru. Kuhwirudzura zvinonyorwa zvenyu gare gare nemhuri kana kuti neshamwari kunokubvumirai kufungisisa mashoko makuru ekokorodzano zvokuti haakanganwiki.
23 Vanhu vaJehovha vave vane rupo nguva dzose vachitsigira zvinhu zvoubati ushe hwaMwari. (Eks. 36:5-7; 2 Mak. 31:10; VaR. 15:26, 27) Mipiro yenyu yokuzvidira nokuda kwebasa renyika yose inoshandiswa kuripira mari ine chokuita nekurenda zvivako zvihombe umo kokorodzano dzinoitirwa. Kana mupiro wenyu uri cheki, tapota itai kuti ubhadharwe ku“Watchtower.”
24 Sezvakanyorwa pana Amosi 3:7, Jehovha akati “haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaprofita zvakavanzika zvake.” Jehovha “unozivisa zvakavanzika,” akanyora muBhaibheri mazana euprofita hwakazadzika zvakarurama uye zvakakwana. (Dhan. 2:28, 47) Kuvimbisa kwakaisvonaka kuchazadzika. Kokorodzano Dzeruwa dze“Shoko raMwari Rouprofita” dza1999 dzichasimbisa kutenda kwako mune zvakavimbiswa naMwari. Nyatsoteererai shoko ramuri kuudzwa naJehovha. Shandisai zvamuchaona nekunzwa—muushumiri, muungano, uye muupenyu hwenyu pachenyu. Tinonyengeterera chikomborero chaJehovha chakapfuma pakuronga kwenyu kwose kwokupinda mazuva ose emutambo womudzimu wakapfuma!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Ronga kupinda zuva rose musi weChishanu, Mugovera, neSvondo!