Kokorodzano Yoruwa ya1996 Ye“Nhume Dzorugare rwaMwari”
1 Purogiramu yekokorodzano yoruwa gore rino zvirokwazvo ichatibetsera kuchengeta rugare rwedu rwoumwari, uye ichatsanangura basa redu mukubetsera vamwe kuwana rugare rwakadaro. Sezvakaziviswa mutsamba yedu yomusi waApril 18, 1996, musoro wacho unoti “Nhume Dzorugare rwaMwari.” Wakaita rongedzero dzako kuti urege kupotsa ipi neipi yepurogiramu yacho here?
2 Purogiramu Yemazuva Matatu: Wakafarikanya here Kokorodzano Yoruwa ya“Varumbidzi Vanofara” gore rapera? Tsinhiro dzakanaka dzakawanda dzakagamuchirwa. Imwe iyo yakaratidzira mirangariro yevakawanda yakati: “Tinofara sei kuve tapedza mazuva matatu akaisvonaka musonganiro ine rugare, yakabatana, tichirumbidza Jehovha! Kokorodzano yedu yakasimbisa kuti tiri kurarama muparadhiso yomudzimu yakaisvonaka. Zvirokwazvo tine chikonzero chokudanidzira nomufaro kunyange munyika ino yanetseka.” Tinoziva kuti muchanyatsofarikanyawo kokorodzano yegore rino uye muchadzokera kumusha nesimba rakamutsidzirwa. (2 Mako. 7:10) Gore rino tichava zvakare nepurogiramu yemazuva matatu. Wakatoita gadziriro dzokuwana nguva yokusava pabasa rokunyika kuti ugogona kupinda kwenhambo yose here?
3 Tsamba yedu yomusi waApril 18 inoronga misi nenzvimbo zvepurogiramu dzekokorodzano sere dzose dzichaitwa muZimbabwe. Kana zvichibvira, tingada kuti vose vapinde kokorodzano uko ungano yavo kana kuti dunhu rakagoverwa. Muchacherekedza kuti gore rino kokorodzano yeShona yakarongwa nokuda kweBulawayo. Tinovimba kuti ikoku kuchabetsera vaparidzi navanhu vanofarira vari muiri guta.
4 Purogiramu yacho ichavamba na9:30 a.m. pamazuva maviri okutanga uye na8:30 a.m. paSvondo. Ichaguma paSvondo neinenge 3:00 p.m. Tapota cherekedzai kuti hapana zvigaro zvingachengetwa kwousiku hwose. Ticharatidzira mutsa kuhama dzedu dzakura nendonda kupfurikidza nokusiya zvigaro zvisina chinhu munzvimbo dzakakodzera zvikuru nedzakanaka here? Yeuka, kuti: “Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo.”—1 VaK. 13:4, 5; VaF. 2:4.
5 Ucharodzwa Here?: Pashure pokunokora mashoko Zvirevo 27:17 kuti, “Simbi inorodza simbi,” Nharireyomurindi, yaAugust 15, 1993 yakati: “Isu takafanana nezvishandiso zvinoda kurodza kwenguva dzose. Sezvo kuratidzira rudo nokuda kwaJehovha nokuita zvisarudzo zvakavakirwa pakutenda kwedu kuchireva kuva vakasiyana nenyika, nguva dzose tinofanira kutora nzira yakasiyana, sokunge zvakadaro, tichibva muvoruzhinji.” Tinogona sei kushandisa zano iroro?
6 Takasiyana nenyika uye tinofanira kuramba takadaro. Nhamburiko yenguva dzose yokuita ikoku inofanira kuchengetwa kana tichizova vanoshingairira mabasa akaisvonaka. (Tito 2:14) Ndicho chikonzero nei nyaya yeNharireyomurindi yanokorwa mashoko pamusoro apa yakapfuurira kuti: “Apo tinenge tine vamwe vanoda Jehovha, tinorodzana—tinonyandurirana kurudo nemabasa akaisvonaka.” Kokorodzano yoruwa ndeimwe yegadziriro dzinobva kuna Jehovha dzokutibetsera kuramba takapinza mumudzimu. Ngatitsunge kupinda rusando rwuri rwose mazuva matatu ekokorodzano yacho. Hatigoni kutsunga kupotsa rutivi rupi norupi rwepurogiramu yacho.
7 Munhu Akachenjera Achateerera: Tingaberekwa tichikwanisa kunzwa, asi hatiberekwi tichikwanisa kuteerera. Kuteerera unyanzvi hunofanira kukudziridzwa. Kwakataurwa kuti munhuwo zvake anoyeuka inenge hafu bedzi yezvaanzwa—pasinei zvapo nokuti anofunga kuti asanoteerera sei. Sezvo tiri kurarama munguva yezvinotsausa, padzimwe nguva tingawana chinetso chokupa ngwariro kwenhambo refu. Tinogona kuedza here kuwedzera urefu hwenhambo yedu yokupa ngwariro, zvikurukuru apo tinenge takagara muvateereri vakawanda tichiteerera mumwe munhu achitaura? Kudai waizokumbirwa kupa pfupiso yepurogiramu yezuva rimwe nerimwe pashure pokudzoka kumba kubva kukokorodzano, waizokwanisa kuita saizvozvo here? Tose zvedu tinogona sei kuvandudza mano edu okuteerera nokusanopa ngwariro kurutivi rumwe norumwe runopiwa papurogiramu yekokorodzano?
8 Fariro huru inokosha, nokuti chipo choumwari cheyeuko hachigoni kushanda nenzira inobudirira pasina iyo. Somuenzaniso, kana munhu akaratidza fariro huru zvikuru munhau, kuri nyore zvikuru kuyeuka mapfundo makuru ehurukuro kana kuti rutivi rwepurogiramu. Bva, zvakawanda zvinotsamira pakupa kwedu ngwariro inopfuura yenguva dzose kuzvinhu zvatine ropafadzo yokunzwa pakokorodzano dzoruwa. Chii chaizodai chakaitika kudai dzimwe mhuri dzavaIsraeri muEgipita muna 1513 B.C.E. dzakanga dzapa ngwariro shomanene kumirayiridzo yePaseka? Eksodho 12:28 inoti: “Vana vaIsraeri vakaita saizvozvo; Mosesi naAroni sezvavakanga varayirwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.” Kuita mukuwirirana nemirayiridzo youmwari kwakareva kuchengetwa kwematangwe aIsraeri. Fariro yedu huru nokupa ngwariro kurutivi rumwe norumwe rwepurogiramu yekokorodzano ine chokuita nemugariro wedu wazvino womudzimu pamwe chete nekariro dzedu dzomunguva yemberi. Pakokorodzano tinodzidziswa nzira dzaJehovha uye tinopiwa mirayiridzo yokuita basa rinoponesa upenyu. (1 Tim. 4:16) Funga nezvako umene sengarava iri mugungwa riri kubvongodzwa nedutu. Zvipikirwa zvaJehovha ndizvo chitsigiso chakasimba chetariro. Kana munhu asingapi ngwariro papurogiramu dzechiKristu uye achibvumira ndangariro yake kutsauka, chii chingaitika? Angapotsa mapfundo anokosha ezano nemurayiridzo izvo zvingagona kumudzivirira pakutambura kuparara kwomudzimu.—VaH. 2:1; 6:19.
9 Mumativi akawanda enyika, hama dzedu dzinoita nhamburiko huru yokunyama kuti dzipinde misangano. Kwakaisvonaka kuona ngwariro yavo huru pakokorodzano. Mune dzimwe nzvimbo, zvisinei, vanhu vamwe navamwe vakatsausa vamwe kupfurikidza nokufamba-famba panzvimbo yekokorodzano mukati memarusando. Vamwe vanononoka kupinda. Padzimwe kokorodzano dzomunguva yakapfuura, kwakanga kwakaoma kunzwa maminiti mashomanene okutanga epurogiramu nemhaka yevakawanda kwazvo vaifamba-famba mumikoto uye shure kwenzvimbo dzokugara. Kazhinji kazhinji idzodzi hadzisati dziri hama dziri pamigove yebasa kana kuti vanaamai vari kutarisira zvinodikanwa zvevana vavo vaduku. Yakawanda yedzongonyedzo yacho inobva kuvanhu vari kungokurukura zvavo. Gore rino Dhipatimendi Ravarindiri richave richipa ngwariro huru kuchinetso chacho, uye tinokarira kuti vose vachave vagara apo sachigaro anotikumbira kuita saizvozvo. Batira pamwe yenyu muna ikoku ichaongwa zvikuru.
10 Zvikarakadzoi zvinoshanda zvichatibetsera kuva vanopa ngwariro zvikuru kupurogiramu yekokorodzano nokuyeuka zvakawanda zvezvinokurukurwa? Zvakataurwa mumakore akapfuura zvakafanirwa nokudzokorora: (a) Nangidzira ngwariro pachikonzero chikuru chokuenda kuguta rekokorodzano. Icho, hachisi chokupinda munhandaro, asi chokuteerera nokudzidza. (Dheut. 31:12) Edza kuwana zororo rakakwana usiku humwe nohumwe. Kana ukauya kukokorodzano waneta zvikuru, kupa ngwariro kuchava kwakaoma. (b) Zvipe umene nguva yakawanda yokupaka motokari yako ndokugara purogiramu isati yatanga. Kumhanyira kuzvigaro paminiti yokupedzisira kazhinji kazhinji kuchaguma nokupotsa kwako rumwe rworutivi rwokutanga. (c) Nyora zvinonyorwa zvipfupi zvemapfundo makuru. Kunyora zvinonyorwa kwakanyanyisa kunogona kuva mhinganidzo kukuteerera kwakanaka. Pakunyora, iva nechokwadi chokuti haupotsi mamwe mapfundo nemhaka yokupa ngwariro kuzvinonyorwa zvako. (d) Apo rutivi rwekokorodzano runosumwa, rurangarire nekariro yokudisa. Zvibvunze umene kuti, ‘Chii chandinogona kuwana kubva muurwu rutivi icho chichawedzera kuonga uye kuda kwangu Jehovha? Mashoko acho anogona sei kundibetsera kuratidzira unhu hutsva zvizere zvikuru? Ikoku kuchandibetsera sei kuvandudza muushumiri hwangu?’
11 Mufambiro Unoshongedza Ushumiri Hwedu: Pauro akakurudzira Tito kuzviratidza amene kuva “muenzaniso wemabasa akaisvonaka.” Kupfurikidza nokuratidza kusava noushati mukudzidzisa kwake, Tito aizobetsera vamwe “kushongedza dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.” (Tito 2:7, 10, NW) Gore rimwe nerimwe, tinogamuchira zviyeuchidzo zvomutsa pamusoro pechikonzero nei mufambiro woumwari uchikosha kwazvo apo tinenge tichienda nokubva kukokorodzano, pamwe chete neapo tinenge tiri pakokorodzano imene.
12 Kunoratidzika kuti pane nzvimbo yevandudziko munharaunda dzakati. Tingada kugoverana tsinhiro dzakatumirwa kuSosaiti. Mumwe mutariri anofambira akashuma kuti vana veZvapupu zvaJehovha vanoda tarisiro huru. Tinofanira kurovedza vana vedu kunzwisisa kuti mufambiro wechiKristu hauna kuganhurirwa bedzi kunguva dzakarongwa dzakati. Haugumi apo tinobuda munzvimbo yekokorodzano. Unofanira kupfuurira kwemaawa 24 pazuva. Mufambiro wedu kupi nokupi kwatinogara, uye mumigwagwa unofanira kukudzwa seapo tinenge takagara pasi mukati memarusando nehama dzedu, tichidzidziswa naJehovha.—Isa. 54:13; 1 Pet. 2:12.
13 Kunyange zvazvo zvokudya zvakapfaviswa pakokorodzano dzedu, kuchingorine ndyiko yakati inobatanidzwa mukurenda nzvimbo yacho, kugovera pokumisa motokari, uye kutarisira nhau dzakasiyana-siyana. Mipiro yedu yokuzvidira inotarisira idzi ndyiko. Imwe hanzvadzi ine vana vechiduku yakauya kukokorodzano nemari yakaganhurirwa. Zvisinei, iyo nevana vayo vakangobetsera nomupiro muduku. Icho munhu mumwe nomumwe anosarudza kuita muna ikoku inhau yomunhu oga, asi tinoziva kuti munoonga zviyeuchidzo zvakadaro.—Mabasa 20:35; 2 VaK. 9:7.
14 Tinozivikanwa Kupfurikidza Nenzira Yatinopfeka Nayo: Nzira yatinopfeka nayo inozivisa zvakawanda pamusoro pedu uye pamusoro pemirangariro yedu kune vamwe. Vechiduku vakawanda zvikurusa nevanhu vakura vakawanda vakapoteredzwa nezvitayera zvezvipfeko zvazvino uno, zvachero muchikoro kana kuti munzvimbo yavo yebasa. Gore rimwe nerimwe zvitayera zvezvipfeko zvinova zvokunyanyisa zvikuru, kunyange zvinokatyamadza. Kana tikasangwarira, tingagona kusatana kupesvedzerwa nevaenzani vokunyika kupfeka sezvavanoita. Zvitayera zvakawanda hazvina kukodzera kupfeka pamisangano yokunamata. Tsamba pfupi yakagamuchirwa pashure peimwe yekokorodzano dzegore rapera yakaratidzira kuonga purogiramu yacho asi yakawedzera kuti: “Ndakashamisika kuti neiko pakanga pane vasikana vaduku vakawanda kwazvo vane marokwe mapfupi akadaro, mabhurauzi anosiya dundundu pamhene zvakanyanya, uye masiriti akanyanyisa.” Zvirokwazvo tose zvedu tinoshuva kupfeka nomutoo wakafanira vashumiri vechiKristu pose pari paviri pakokorodzano uye apo tinenge tichitandara pashure pepurogiramu. Nguva dzose tinoita zvakanaka kurangarira zano romuapostora Pauro rokushonga “nguo dzakafanira, [tiine] kunyara nokuzvidzora.”—1 Tim. 2:9.
15 Ndiani anofanira kusarudza chiri chipfeko chine mwero, cha“kafanira?” Kuva nemwero kunoreva kuva “asingazvitutumadzi uyewo asingazvikudzi.” Duramanzwi rinorondedzerawo mwero se“kusazvikudza.” Sosaiti kana kuti vakuru havafaniri kugadza mitemo pamusoro pemupfekero kana kuti rutsvindo. Kunyange zvakadaro, hakufaniriwo kuva kwakajeka here kumuKritsu kuti zvitayera zvezvipfeko zvipi zvisiri chose chose zvine mwero kana kuti zvakadzikama? (Enzanisa naVaFiripi 1:10.) Rutsvindo rwedu nezvipfeko hazvifaniri kukwezva ngwariro isina kufanira. Tinofanira kuva vanofadza, kwete kuva vokunyika kana kuti vanogumbura, muchitarisiko. Savashumiri vamashoko akanaka, kuva kwedu vakapfeka nenzira yakakodzera uye vakatsvinda kunounza rukudzo kuna Jehovha uye kunoratidzira zvakanaka sangano. Chitarisiko chedu nomupfekero mukati menguva yatiri muguta rekokorodzano zvinofanira kuva zvichiwirirana nezvatinopfeka nguva dzose kuHoro yoUmambo apo tinenge tichipinda misangano. Nokudaro, vabereki vachagadza muenzaniso uye ipapo kuva nechokwadi chokuti vana vavo vanopfeka nenzira yakarurama nokuda kwenhambo yacho. Vakuru vachada kugadza muenzaniso wakanaka ndokuva vakagadzirira kugovera zano romutsa sezvakungava kuri madikanwa.
16 Rucheno: Sosaiti yakatipa zviyeuchidzo zvakawanda pamusoro pokudikanwa kwokuva vakachena kwose kuri kuviri pakokorodzano nepamusha. Wakafungisisa zano irori here? Nepo nhamburiko iri yose ichiitwa kuvimbisa kuti kune zvimbudzi zvakakwana nemabhini zvinowanika pakokorodzano, zvinosarira kune mumwe nomumwe wedu kuita rutivi rwedu mukuchengeta nzvimbo yekokorodzano nezvimbudzi zvakachena. Tinokurudzira vabereki vose kupfuurira kurovedza vana vavo tsika dzakanaka dzoutsanana. Kuva kwedu vanhu vakachena nevane utsanana kuchakudza Jehovha.
17 Makamera, Macamcorder, uye Marekodha Emakaseti Okuteerera: Kunobvumirwa kushandisa makamera nezvimwe zvishandiso zvokurekodhesa, chero bedzi tikaratidza kurangarira vamwe varipo. Kana tikafamba-famba tichitora mapikicha mukati memarusando, hatisati tichizotsausa bedzi vamwe vari kuedza kuteerera asi tichapotsa imwe yepurogiramu isu timene. Tinobetserwa zvikuru kazhinji kazhinji nekokorodzano kupfurikidza nokusanopa ngwariro kuvakurukuri nokunyora zvinonyorwa zvishoma. Tingave tichirekodhera imwe hama kana kuti imwe hanzvadzi isingagoni kubva pamba; zvisinei, nokuda kwokushandisa kwedu timene, tingawana pakudzokera kumusha kuti pashure pokutepa maawa akawanda epurogiramu, hapasati pachizova nenguva yokuti tihwirudzure zvakawanda zvezvatarekodha. Hakuna zvokurekodhesa zvorudzi rupi norupi zvinofanira kubatanidzwa negadziriro yemagetsi kana kuti yegudzanzwi, uyewo zvokushandisa hazvifaniri kuvhara munofambwa namo, nzira, kana kuti kuona kwavamwe.
18 Kudzika Musasa: Kuderedza ndyiko dzepokugara dzimwe mhuri dzakakuwana kuchibetsera kuwana tende kana kuti karavhani. Vakawanda vane zvinhu izvozvi pasina panikiro vachashandisa nzvimbo dzokudzika misasa dzavanhu kana kuti dzemenisiparati.
19 Zvisinei, pane dzimwe kokorodzano mvumo yakawanwa yokumisa tende panzvimbo yacho chaipo. Chokwadika, tende dzingamiswa bedzi munharaunda yakagoverwa. Ndekwoukoshi hukurusa kuti tende dzose dzive dzinotarisika uye kuchengetwa dzakachena. Hapana zvitumba zvakagadzirwa nemabhegi epurasitiki kana kuti masaga zvichabvumidzwa. Pamwe pokugara pachava panowanikwa munzvimbo dzokurara.
20 Uko kudzika musasa kunobvumidzwa panzvimbo yekokorodzano, tinoda kuchengeta tende dzacho nenharaunda yacho yose zvayo zvakatsvinda uye zvakachena kuti zvisaunze ruzvidzo pazita raJehovha. Nokuda kwekotsekano, hakuna mwoto uchabvumirwa munzvimbo yekudzika musasa. Mwoto uchabvumidzwa bedzi munharaunda dzakagadzirwa iwo bedzi. Tapota nzverai kana muchave muchikwanisa kudzika musasa panzvimbo yekokorodzano musati maronga kuita saizvozvo.
21 Kugara: Tinopfuurira kucherekedza vandudziko munhau yokuchengeta zvigaro. Gore rapfuura, vakawanda zvikurusa venyu vakatevera nhungamiro, dzokuti: ZVIGARO ZVINGACHENGETWA BEDZI NOKUDA KWEMITEZO YEMHURI YENYU YAPEDYO NAVAPI NAVAPI AVO VANGAVE VACHIFAMBA NEMI MUMOTOKARI YENYU. Zvimwe makakuwana kuva kunotambudza zvishomanene nemhaka yokuti vakawanda vakanga vachitevera idzi nhungamiro dzakajeka. Chinotokosha zvikuru, kuteerera kwenyu kwakanga kuchifadza Jehovha ne‘muranda akatendeka,’ uyo anopa zvokudya zvomudzimu.—Mat. 24:45.
22 Kune nhamba inowedzera yehama dzedu dzine zvinodikanwa chaizvo zvoutano uye dzichiri kungouya kukokorodzano. Dzimwe dzinouya dziri pamawheelchair uye dzinoda kutarisirwa nemitezo yemhuri. Dzimwe dziri kushandisa mishonga yakasiyana-siyana nokuda kwezvirwere zvinopfuurira zvakadai sehosha yemwoyo kana kuti pfari. Kunofadza mwoyo yedu zvirokwazvo kuona hama idzodzi nehanzvadzi dzinodiwa pakokorodzano, dzakatsunga kusapotsa chipi nechipi chezvokudya zvomudzimu. Zvisinei, padzimwe nguva, kwave kune chinetso chevamwe vanhu vanorwara zvakakomba mukati mekokorodzano, pasina mitezo yemhuri kana kuti yeungano kuti igovere rubatsiro. Muzviitiko zvakati vatarisiri vekokorodzano vakadikanirwa kudana amburenzi kuti iendese imwe hama kana kuti imwe hanzvadzi kuchipatara. Mutoro wokutarisira vanorwara zvakakomba unofanira kuva zvikurukuru pamitezo yemhuri nehama dzokunyama dzapedyo. Dhipatimendi reFirst Aid rekokorodzano harikwanisi kugovera tarisiro nokuda kwevanorwara zvakakomba. Kana mutezo wemhuri yenyu uchida tarisiro chaiyo, tapota ivai nechokwadi chokuti hausiyiwi uri woga kutyira kuti mamirire ezvinhu anoda kurumidziro angamuka. Mukuwedzera, hakusati kuchizova negadziriro pakokorodzano dzemakamuri chaiwo okuti vane zvirwere zvinodzivisa kugara kwavo munzvimbowo zvadzo dzokugara vagare. Vakuru vachada kungwaririra vapi navapi vari muungano yavo vane zvinodikanwa chaizvo zvoutano ndokuva nechokwadi chokuti gadziriro dzinoitwa pachine nguva mberi dzokutarisirwa kwavo.
23 Zvinodikanwa Zvezvokudya Zvekokorodzano: Sosaiti iri kuvavarira kubva pakutsamira pazvokudya kuti ifukidze ndyiko dzekokorodzano. Kusvikira kutambanuko inobvira, tingada kuti mhuri dziunze zvinodikanwa zvadzo dzimene zvezvokudya nezvokunwa kukokorodzano zuva rimwe nerimwe. Zvisinei, zvokudya zvakaganhurirwa zvichava zvichiwanikwa nokuda kwehama dzinorara panzvimbo yekokorodzano. Tapota yeukai kuzivisa vadzidzi venyu veBhaibheri nezveidzi gadziriro kuti vagogona kuuya vakagadzirira.
24 Kusimbisa mapfundo akati, zvinotevera ndizvo zvinhu zvinokarakadzwa zvokuunza nokuda kwokutindika kwemasikati: zvinhu zvokudya masikati zvakareruka, zvakapfava, uye zvinovaka muviri zvakafanana neizvo vanhu vanovanzoenda nazvo kubasa rokunyika, zvakadai semasangweji, zvinhu zvakabhekwa, uye michero yakanaka. Zvokunwa zvingabatanidza tii, kofi, donhodzo, mafruit juice, kana kuti mvura, zviri mune chokuchengetera chisingapwanyiki kana kuti furasiki. Kugadzira zvokudya zvakapfava kuchavimbisa kuti unorara panguva yakanaka usiku humwe nohumwe. Kana mabhegi maduku anotonhodza ari madikanwa, anogamuchirwa kana achizokwana pasi pechigaro chenyu. Zvisinei, hakuna mabhokisi anotonhodza zvinwiwa makuru anoshandiswa nemhuri epikiniki, zvinwiwa zvinodhaka kana kuti zvinhu zvegirazi zvokuchengetera zvinhu mazviri zvinofanira kupinzwa munzvimbo yekokorodzano. Kudya kana kuti kutsenga-tsenga mukati memarusando epurogiramu kunofanira kudziviswa. Ikoku kwaizoratidza kusaremekedza zvokudya zvomudzimu zviri kugoverwa.
25 Nyevero yokuwedzera ndeyokuti hakuna kubika kunofanira kuitwa panzvimbo yekokorodzano, kunze kwouko kunoitwa munhungamiro yokurongwa kwekokorodzano. Kwakanaka kurangarira idi rokuti nguva inobvumirwa nokuda kwokutindika kwamasikati yakagadzirirwa kuti tigogona kudya zvokudya zvakareruka ndokufarikanya songaniro youbati ushe hwaMwari nehama dzedu nehanzvadzi. Sevanhu vaJehovha, tinoziva kuti zvokudya zvomudzimu pakokorodzano ndezvoukoshi hukuru mukuenzanisa nezvinhu zvokunyama, uye tinofanira kuronga nenzira inowirirana.
26 Nokukurumidza Kokorodzano Dzoruwa dzokutanga dze“Nhume Dzorugare rwaMwari” dzichavamba. Wakapedza gadziriro dzako dzokuti upinde here, uye wagadzirira zvino here kufarikanya mazuva matatu eruwadzano runofadza nezvinhu zvomudzimu zvakanaka? Munyengetero wedu wapachokwadi kuti Jehovha akomborere nhamburiko dzenyu dzokupinda kokorodzano yegore rino.
[Bhokisi riri papeji 6]
Zviyeuchidzo Zvekokorodzano Yoruwa
Rubhapatidzo: Vanoda kubhapatidzwa vose vanofanira kuendeswa nomumwe wavakuru kuBATO RORUBHAPATIDZO nokuda kwokunyoresa. Ikoku kunofanira kuitwa pazuva rokutanga rekokorodzano kana kuti pakuvamba pazuva rechipiri. Vanoda kubhapatidzwa vanofanira kuva muzvigaro zvavo munzvimbo yakasarudzwa purogiramu isati yavamba paChitanhatu mangwanani. Kwakacherekedzwa kuti vamwe vanopfeka rumwe rudzi rwezvipfeko zvisingaremekedzwi uye zvinoderedza nhambo yacho. Chipfeko chokushambira nacho chine mwero netauro zvinofanira kuunzwa nomumwe nomumwe anoronga kubhapatidzwa. Vakuru veungano vanohwirudzura mibvunzo mubhuku raHushumiri Hwedu nevanoda kubhapatidzwa vachada kuva nechokwadi chokuti munhu mumwe nomumwe anonzwisisa aya mapfundo. Pashure pehurukuro yorubhapatidzo nomunyengetero unopiwa nomukurukuri, sachigaro worusando rwacho achapa mirayiridzo mipfupi kuvanoda kubhapatidzwa uye ipapo achakumbira rwiyo. Pashure pomutsetse wokupedzisira, varindiri vachatungamirira vanoda kubhapatidzwa kunzvimbo yoruombeko. Sezvo rubhapatidzo mukuratidzira tsauriro yomunhu iri nhau yomunhu oga pakati pomunhu wacho naJehovha, hakuna gadziriro yokunonzi kubhapatidzwa kwavaviri umo vanoda kubhapatidzwa vaviri kana kuti vanopfuura vanombundirana kana kuti kubatana maoko apo vanenge vachibhapatidzwa.
Makadhi Emabheji: Tapota pfekai kadhi rebheji ra1996 pakokorodzano uye apo munenge muchifamba kuenda nokubva kunzvimbo yekokorodzano. Ikoku kunowanzoita kuti kutibvirire kupa uchapupu hwakaisvonaka apo tinenge tichifamba. Makadhi emabheji nezvibatiso zvinofanira kuwanwa kupfurikidza neungano yenyu, sezvo zvisati zvichizowanikwa pakokorodzano. Sosaiti ichatumira ungano yenyu nhamba imwe cheteyo yemakadhi emabheji senhamba yemakopi amunogamuchira eUshumiri Hwedu hwoUmambo. Zvibatiso zvepurasitiki nemakadhi api naapi okuwedzera zvichafanira kuodwa. Musamirira kusvikira mazuva mashomanene kokorodzano isati yasvika kuti mukumbire makadhi enyu mumene nemhuri yenyu. Yeukai kutakura kadhi reAdvance Medical Directive/Release renyu razvino uno.
Mapushchair Nemadeck Chair Okurarira: Munzvimbo dzakawanda zvikurusa, mapushchair haagoni kushandiswa munzvimbo yokuungana kwavose. Mitemo yemwoto inorambidza kuaisa mumikoto nemunofambwa namo kana kuti pakati pemitsetse yezvigaro. Sezvo mapoka makuru angaparira mamirire ezvinhu okutsvikinyidzana, mapushchair ane bviro yengozi kwete bedzi kumwana asiwo kuvapi navapi vangagumburwa nawo. Naizvozvo tapota musaaunza kunzvimbo yekokorodzano. Zvisinei, zvigaro zvavacheche kana kuti zvomumotokari zvinobvumidzwa, sezvo izvozvi zvichigona kusungirirwa muzvigaro zviri pedyo nevabereki. Uyewo, tapota musaunza madeck chair okurarira. Ane ngozi uye haabvumirwi pazvivako zvikuru zvavose. Batira pamwe yenyu muidzi nhau inoongwa.
Basa Rokuzvipira: Nezvokudya zvakapfaviswa, vakawanda vaichimboshanda mubato iroro zvino vangawana kuti vanogona kuzvipira kushanda kune imwe nzvimbowo zvayo. Unogona kutsaura nguva yakati pakokorodzano yokubatsira mune rimwe remadhipatimendi here? Kubatira hama dzedu, kana kuri kwemaawa mashomanene bedzi, kunogona kuva kunobetsera zvikuru uye kunounza gutsikano huru zvikuru. Kana uchigona kubatsira, tapota shuma kuDhipatimendi reBasa Rokuzvipira pakokorodzano. Vana vari pasi pemakore 16 ezera vanogonawo kugovera chimwe chinhu chakaisvonaka kupfurikidza nokushanda munhungamiro yomubereki kana kuti mumwe munhu akura akavimbika.
Mashoko Enyevero: Svinurirai zvinetso zvinobvira kuti mudzivise dambudziko risiri madikanwa. Kazhinji kazhinji mbavha nevamwe vanhu vasina tsika vachaita vanyajambwa vanhu vari kure nemhoteredzo yomusha wavo. Ivai nechokwadi chokuti motokari yenyu yakakiyiwa nguva dzose, uye musatongosiya chinhu chipi nechipi chichioneka kuti chiedze mumwe munhu kupaza. Mbavha nemvangamakomwe dzinonangidzira ngwariro yadzo pakuungana kukuru. Kwaisazova kuchenjera kusiya zvinokosha zvipi nezvipi pachigaro chenyu. Hamugoni kuva nechokwadi chokuti munhu ari wose ari pamuri muKristu. Kupirei muedzo upi noupi? Mishumo yakagamuchirwa yokuedza kunoitwa nevamwe vokunze kuba vana. Rambai Muchiona Vana Venyu Nguva DZOSE.
Tapota musaridzira runhare vatarisiri venzvimbo yekokorodzano muchitsvaka mashoko pamusoro penhau dzipi nedzipi dzekokorodzano. Kana mashoko acho asingawanikwi kubva kuvakuru, munganyorera Sosaiti.