Jehovha Anobatsira Vaya Vanovimba Naye
1 Vanhu vakawanda vanoona mari, simba, uye unyanzvi hwevanhu sezvinhu zvinokosha pakubudirira. (Pis. 12:4; 33:16, 17; 49:6) Zvisinei, vaya vanotya Jehovha uye vanovimba naye vanovimbiswa neBhaibheri kuti iye “ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.” (Pis. 115:11) Ngatikurukurei nzira mbiri dzatingaratidza nadzo kuti tinovimba naJehovha.
2 Sevashumiri vechiKristu: Pose patinopa hurukuro muungano kana kuti patinodzidzisa muushumiri hwomumunda, tinofanira kuvimba naMwari wedu. Funga muenzaniso waJesu. Kunyange zvazvo aiva Mwanakomana waMwari, akanga asingavimbi nouchenjeri hwake pachake kana kuti nemano ake asi aivimba zvakakwana naBaba vake vokudenga. (Joh. 12:49; 14:10) Isu tinofanirawo kuita saizvozvo zvikuru! (Zvir. 3:5-7) Zvishoma zvatinoedza kuita zvinogona bedzi kukudza Jehovha uye kubatsira vamwe kana tiine chikomborero chake.—Pis. 127:1, 2.
3 Tinoratidza kuti tinovimba naJehovha nokunyengeterera kutungamirirwa naye uye kubatsirwa nomudzimu wake mutsvene. (Pis. 105:4; Ruka 11:13) Uyezve, tinoratidza kuti tinovimba naMwari nokutora zvatinodzidzisa muShoko rake, Bhaibheri. Shoko raro rine simba rokusvika pamwoyo uye rokuchinja upenyu. (VaH. 4:12) Patino‘shumira sevanhu vanovimba nesimba rinogoverwa naMwari,’ Jehovha anokudzwa.—1 Pet. 4:11.
4 Kukurira Zvinetso: Tinofanirawo kutarira kuna Jehovha kuti atibatsire patinotarisana nenguva yakaoma uye nezvinetso. (Pis. 46:1) Somuenzaniso, watinoshandira angazengurira kutipa nguva yokusava pabasa kuti tipinde gungano, kana kuti tingatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma muupenyu hwemhuri yedu. Tinoratidza kuti tinovimba naJehovha nokunyengetera kwaari nomwoyo wose uye nokushandisa mirayiro yake yaanotipa iri muShoko rake uye yesangano rake. (Pis. 62:8; 119:143, 173) Nokuita izvi, vashumiri vaJehovha vanoona kubatsira kwake muupenyu hwavo.—Pis. 37:5; 118:13, 16.
5 Jehovha pachake anotivimbisa kuti: “Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.” (Jer. 17:7) Ngatiratidzei kuti tinovimba naye mune zvose zvatinoita!—Pis. 146:5.