Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Mundima Yebhizimisi
Sei Zvichikosha? Sezvo vanhu vakawanda vachiswera kumabasa, kakawanda kacho tinotofanira kuenda ikoko kuti tivaparidzire mashoko oUmambo. Tinogona kunakidzwa uye kubudirira pakuparidzira mundima yebhizimisi nokuti hatishayiwe vanhu uye vashandi vanowanzobata zvakanaka vanhu vavanenge vachitarisira kuti vangazova makasitoma avo. Kuti vaparidzi vabudirire, vanofanira kuratidza kuti vanonzwisisa uye vanofanira kupfeka zvinoratidzika uye vakashambidzika. (2 VaK. 6:3) Saka mutariri webasa anofanira kutungamirira pakuti ndima dzemabhizimisi dzichashandwa kakawanda sei uye naani.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Nguva inotevera yamuchava nemanheru oKunamata Kwemhuri, dzidzirai mharidzo pfupi yamunogona kushandisa kana muchishanda mundima yebhizimisi.