RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/12 p. 2
  • Usatya Kuparidza Munzvimbo Dzemabhizimisi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usatya Kuparidza Munzvimbo Dzemabhizimisi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Mundima Yebhizimisi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Kuparidza Kwatingaita Mundima Yebhizimisi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Nzira Itsva Dzokuparidza Pachena
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 3/12 p. 2

Usatya Kuparidza Munzvimbo Dzemabhizimisi

1. Sei kutya kuparidza munzvimbo dzemabhizimisi kusingafaniri kukuodza mwoyo?

1 Unombonzwa uchitya uye usina kusununguka here pakuparidzira munzvimbo dzemabhizimisi? Kana zvichimboitika usaora mwoyo, kunyange Pauro chaiye uyo aizivikanwa nokuparidza asingatyi, iripowo imwe nguva yaaifanira ‘kutoshinga’ kuti aparidze. (1 VaT. 2:2) Ndima dzinotevera dzinotaura zvinhu zvingaita kuti utye uye kuti ungazvikurira sei.

2. Nei usingafaniri kutyira kuti ungagumbura vashandi?

2 Kutaudza Vashandi Kuchavagumbura Here? Mumabhizimisi akawanda vashandi varipo kubatsira vanhu, saka vachatarisira kuti vachataudzwa nevanhu. Kazhinji vashandi vanhu vanogona kubata nevamwe zvakanaka, saka pavachakuona vachangofunga kuti zvimwe uri munhu auya kuzotenga. Kana ukapfeka zvine mutsigo uye ukaratidza ushamwari, zvichaita kuti vawedzere kukuremekedza.

3. Zvii zvaungaita kuti usagumbura vatengi?

3 Handizogumburi Vatengi Here? Kana zvichiita, enda panguva yakunenge kuine vanhu vashoma, somuenzaniso pavanenge vachangovhura. Tanga waona kuti maneja wepo kana kuti mukuru wepo ati sunungukei wozoenda kwaari. Mharidzo yako ngaive pfupi.

4. Tingapa mharidzo yakaita sei patinenge tichishanda munzvimbo yemabhizimisi?

4 Ndichataura Kuti Chii? Kana pane vashandi vakawanda taura nemukuru wavo. Ungati: “Patinoshanyira vanhu kudzimba dzavo kazhinji vaya vanoenda kumabasa hativawani, ndokusaka takushanyirai kuno. Ndinoziva kuti izvozvi muri pabasa, saka ndichangotaura muchidimbu.” Kuti vasazofunga kuti tiri kuita basa rokutengesa, tapota usatombotaura nyaya yemupiro kunyange vakakubvunza kuti basa redu rinotsigirwa sei. Zvichienderana nokuti pabasa pacho pakamira sei unogona kukumbira maneja mvumo yokukurukura kwenguva pfupi nevashandi vepo. Sumo yako unogona kuitanga sematauriro awamboita kuna maneja. Kana mushandi wacho achiratidza kuti akabatikana, pfupisa mharidzo yako wobva wamusiyira turakiti. Kana zvisingaiti kutaura nevashandi vacho unogona kukumbira maneja kuti agozosara achipa vashandi pavanenge vasununguka.

5. Zvikonzero zvipi zvinoita kuti tiparidzire munzvimbo dzemabhizimisi tisingatyi?

5 Jesu uye Pauro havana kuzeza kuparidzira munzvimbo dzemabhizimisi, saka iwe unogona kuzviitawo. (Mat. 4:18-21; 9:9; Mab. 17:17) Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti usarohwa nehana uye kuti uve neushingi. (Mab. 4:29) Pakuparidzira paimba neimba tinogona kushaya vanhu vakawanda asi munzvimbo dzemabhizimisi kazhinji tinovawana vose, saka wadii kuedza nzira iyi yokuparidza inobudirira?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe