Chikamu 2—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kugadzirira Kuitisa Chidzidzo
1 Kudzidzisa zvinobudirira pachidzidzo cheBhaibheri kunosanganisira zvinopfuura kungokurukura mashoko uye kuverenga magwaro arimo. Tinofanira kutaura mashoko acho nenzira inobaya mwoyo womudzidzi. Izvi zvinoda kunyatsogadzirira tichifunga mudzidzi wacho.—Zvir. 15:28.
2 Kugadzirira Kwaungaita: Tanga nokunyengetera kuna Jehovha nezvomunhu wacho uye zvaanoda. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kusvika pamwoyo pomudzidzi wacho. (VaK. 1:9, 10) Kuti unyatsonzwisisa musoro wacho, zvipe kanguva kokufungisisa musoro wechitsauko kana kuti chidzidzo chacho, misoro miduku, uye mifananidzo ipi neipi. Zvibvunze kuti, ‘Chii chiri pfungwa huru yenyaya yacho?’ Izvi zvichakubatsira kusimbisa pfungwa huru paunenge uchiitisa chidzidzo chacho.
3 Nyatsoongorora nyaya yacho ndima nendima. Tsvaka mhinduro dzemibvunzo yakadhindwa, uchingotara mashoko anokosha chete. Ongorora kuti magwaro asina kunyorwa mashoko awo anopindirana sei nepfungwa huru dzendima yacho, wosarudza kuti ndeapi achaverengwa pachidzidzo chacho. Uchaona zvichibatsira kunyora mashoko mashoma mumicheto mebhuku racho. Mudzidzi anofanira kunyatsoona kuti zvaari kudzidza zvinobva muShoko raMwari.—1 VaT. 2:13.
4 Ita kuti Chidzidzo Chienderane Nezvinodiwa Nomudzidzi: Zvadaro, gadzirira chidzidzo chacho uchifunga nezvomudzidzi mumwe nomumwe. Edza kufungidzira mibvunzo yaangazobvunza uye pfungwa dzingave dzakamuomera kunzwisisa kana kuti kugamuchira. Zvibvunze kuti: ‘Chii chaanoda kuti anzwisise kana kuti kushandira pachiri kuti afambire mberi mune zvokunamata? Ndingasvika sei pamwoyo wake?’ Zvadaro ita kuti kudzidzisa kwako kuenderane nezvinodiwa. Dzimwe nguva, ungaona zvakakodzera kugadzirira mienzaniso, tsanangudzo, kana kuti mibvunzo inotevedzana kuti ubatsire mudzidzi wacho kunzwisisa zvinoreva imwe pfungwa kana kuti rugwaro. (Neh. 8:8) Asi usataura mashoko okuwedzera asinganyanyodiwi zvawo kuti musoro wacho ujeke. Kudzokorora kupfupi chidzidzo chacho chapera kuchamubatsira kuyeuka pfungwa huru.
5 Tinofara chaizvo vatsva pavanobereka zvibereko zvakarurama zvokurumbidza Jehovha! (VaF. 1:11) Kuti uvabatsire kuita izvozvo, nyatsogadzirira nguva yose yaunoitisa chidzidzo cheBhaibheri.