RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/04 p. 8
  • Ratidza Chido Chokupayona

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Chido Chokupayona
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Firipo—Muevhangeri Aishingaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Tanga Nyaya Sematauriro Aunongoita Nguva Dzese
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 8/04 p. 8

Ratidza Chido Chokupayona

1. Ungarondedzera sei chido chokupayona?

1 Vangave vari mapiyona panguva ino kana kuti kwete, vaparidzi vose voUmambo vanogona kuratidza chido chokupayona. Vane hanya zvikuru nomurayiro wokuparidza nokuita vadzidzi. (Mat. 28:19, 20; Mab. 18:5) Vane hanya nevanhu uye vanorega zvimwe zvinhu kuti vaite ushumiri hwavo. (Mat. 9:36; Mab. 20:24) Vashumiri vaJehovha vanoda kuita chero zvose zvinodiwa kuti vabatsire vamwe kudzidza chokwadi. (1 VaK. 9:19-23) Ngatikurukurei muenzaniso womumwe akaratidza chido chakadaro, Firipi muevhangeri.

2. Vakuru nevashumiri vanoshumira vangatevedzera sei kushingaira kwaFiripi muushumiri?

2 Kuparidza Nokudzidzisa: Firipi aitarisira mabasa anokosha muungano yomuzana remakore rokutanga. (Mab. 6:1-6) Asi aiva muparidzi anoshingaira zvikuru wemashoko akanaka. (Mab. 8:40) Saka nhasi, pavanenge vachiita mabasa avo, vakuru nevashumiri vanoshumira vanogona kuratidza chido chokupayona nokutungamirira muushumiri vachiratidza kunyatsoda. Izvi zvinokurudzira chaizvo chido cheungano!—VaR. 12:11.

3. Tinogona sei kuratidza chido chokupayona patinosangana nemiedzo?

3 Stefani afa, kutambudzwa kwakasimba kwakakonzera kusagadzikana kukuru muupenyu hwevadzidzi. Zvisinei, Firipi akaramba achiparidza, uye akaita basa rinokosha pakutanga basa pavaSamariya. (Mab. 8:1, 4-6, 12, 14-17) Patinoedzwa, tinogona kutevedzera muenzaniso wake nokuramba tichiita kuti mashoko akanaka azivikanwe uye nokuparidza tisingasaruri vose vatinosangana navo.—Joh. 4:9.

4. Firipi akasiya muenzaniso upi somudzidzisi?

4 Unyanzvi hwaFiripi somudzidzisi weShoko raMwari hunogona kuoneka munhoroondo yokutendeuka kwomukuru mukuru weEtiopiya. (Mab. 8:26-38) Kukudziridza mano okushandisa Bhaibheri uye ‘kutaurirana nevanhu tichishandisa Magwaro’ ndeimwezve nzira yatinoratidza nayo chido chokupayona. (Mab. 17:2, 3) SaFiripi, tinotsvaka kuparidza mashoko akanaka kwose kunogona kuwanikwa vanhu uye panguva yose yakakodzera.

5. Chii chingabatsira vabereki vechiKristu kukurudzira chido chokupayona muvana vavo?

5 Mhuri Neungano: Hapana mubvunzo kuti mafungiro uye muenzaniso zvaFiripi zvakakurudzira vanasikana vake. (Mab. 21:9) Saizvozvowo, vabereki vechiKristu vanovakira upenyu hwavo pazvinhu zvoUmambo vanokurudzira vana vavo kuitawo izvozvo. Kunyange aneta nokushanda kwevhiki yose, mubereki anoparidzira vamwe nomwoyo wose anogona kusiya muenzaniso unoramba uchiyeukwa mumwoyo womwana.—Zvir. 22:6.

6. Tingaratidza sei kuti tinoonga mapiyona ari muungano yedu?

6 Firipi akagamuchira nomutsa Pauro naRuka, vaKristu vaishingaira vakanga vachishanda nesimba mubasa raJehovha. (Mab. 21:8, 10) Nhasi tingaratidza sei kuonga uye kutsigira kwedu vaya vanoshingaira? Zvichida tingakumbira kushanda nemapiyona mangwanani kana kuti masikati musi unenge wabuda vanhu vashoma muushumiri. (VaF. 2:4) Tinogonawo kuakoka kumba kwedu kuzotandara nokukurudzirana. Chero angava mamiriro edu ezvinhu, tose zvedu ngatiedze kuratidza chido chokupayona.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe