Kunyanya Kutaura nezveBhaibheri!
1. Pakutanga, Nharireyomurindi yainyanya kubudisirwa ani uye The Golden Age yaibudisirwa ani?
1 Musi waOctober 1, 1919, magazini yokutanga yeThe Golden Age yakabudiswa. Yakava chishandiso chinokosha zvikuru mubasa rokuparidza. Nei? Nokuti yakanyanyoitirwa voruzhinji. Yakanga yakasiyana neNharireyomurindi, iyo kwemakore akawanda yainyanya kuonekwa seye“boka duku.” (Ruka 12:32) Vaparidzi voUmambo vakafarira chaizvo magazini itsva iyi zvokuti kwemakore akawanda kuparadzirwa kweThe Golden Age kwaitopfuura kweNharireyomurindi.
2. The Golden Age yava kunzi chii nhasi, uye chii chave chiri chinangwa chayo kubva payakatanga?
2 Magazini yeThe Golden Age yakabudiswa kuti vanhu vaone kuti mhinduro chaiyo yezvinetso zvevanhu Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, uko zvechokwadi kuchaunzira vanhu nguva yakaisvonaka. Mumakumi emakore akatevera, kugadziridza kunoverengeka kwakaitwa kuThe Golden Age kuti ienderane nezvinodiwa zvenguva. Muna 1937 zita rayo rakachinjwa kuva Consolation. Muna 1946 yakazova Awake!, zita ratinoiziva naro nhasi.
3. Awake! yave iri chishandiso chine simba zvikuru mukuzadzika uprofita hupi?
3 Kubvira payakatanga, magazini iyi yakabatsira chaizvo pane uchapupu hwakakura hwave huchipiwa kubva muna 1919. (Mat. 24:14) Zvisinei, nemhaka yokupererwa kwataita nenguva, zvinoratidzika sokuchenjera kugadziridzazve Awake!
4. (a) Munhu anofanira kuitei kana achida kuzovanzwa “nezuva rokutsamwa kwaJehovha”? (b) Maererano naZvakazarurwa 14:6, 7, ngirozi ‘inobhururuka nepakati pedenga’ iri kudanidzira kuti vanhu vose vaitei?
4 Mamiriyoni evanhu anofarira kuverenga Awake! nokuti inotaura nyaya dzakasiyana-siyana dzisiri dzechitendero nenzira inofadza. Ichokwadi kuti vakawanda vevanopinda Chirangaridzo gore roga roga vanoverenga Awake! nguva dzose. Zvisinei, kana munhu achitarisira kuvanzwa “nezuva rokutsamwa kwaJehovha,” achada kubatsirwa kuita zvinopfuura kungova muverengi wenguva dzose wemabhuku edu.—Zef. 2:3; Zvak. 14:6, 7.
5. (a) Kutanga neAwake! yaJanuary 2006, chii chichanyanya kubudiswa? (b) Vakawanda vanganzwa vachida kuitei, uye zvichizadzika uprofita hupi?
5 Saka, kubva muna January 2006, Awake! ichanyanya kusimbisa Umambo hwaMwari. Ichakurudzira vaverengi zvakananga chaizvo kuti vavimbe kuti Bhaibheri richavapa mhinduro dzezvinetso zvavo uye icharatidza zvakajeka zvikuru tsanangudzo yeBhaibheri yezviri kuitika mazuva ano. Nenzira iyi, vaverengi vachanzwisisa zviri nani zvinhu zviri kuitika mazuva ano uye pamwe vanganzwa vachida kudzidza zvakawanda nezvaJehovha nemhaka yezvavanenge vaverenga.—Zek. 8:23.
6, 7. (a) Awake! ichaedza sei kubatsira vakawanda kushandisa 1 VaTesaronika 2:13? (b) Awake! ichabudiswa kakawanda sei, uye kuchinja uku kuchaitika kumitauro mingani?
6 Awake! icharamba ichibudisa dzimwewo nyaya dzinofarirwa. Zvisinei, Bhaibheri ndiro richanyanya kusimbiswa. (1 VaT. 2:13) Sezvo Nharireyomurindi iine mashoko akadzama eBhaibheri uye Awake! ichabudisa nyaya dzakawanda dzinotaura nezveMagwaro, zvinoratidzika sezvisisisina kukosha kuti Awake! ibude kaviri pamwedzi. Saka, kutanga nemagazini yayo yaJanuary 2006, Awake! ichabudiswa kamwe chete pamwedzi. Izvi zvichaita kuti zviti rerukei kugadzirira, kushandura, uye kutumira mabhuku edu.
7 Izvi zvichachinja inenge 40 muzana yemitauro inobudiswa Awake! Mumitauro mizhinji, Awake! yagara ichitobudiswa kamwe chete pamwedzi kana kuti kana pagore. Kubudiswa kweNharireyomurindi hakuzochinji.
8. Vaparidzi vangashandisa sei Awake! pamwe chete neNharireyommurindi?
8 Vaparidzi vangagovera Awake! nemagazini yeNharireyomurindi ya1 kana kuti ya15 yomwedzi iwoyo. Vaya vanogovera Awake! vachashandisa magazini iyoyo kwomwedzi wose vasingachinji mharidzo yavo pakati pomwedzi, sezviri kuitwa iye zvino.
9. Awake! icharamba ichiita basa rei?
9 Kubvira pane yokutanga kare muna 1919, magazini yaimbozivikanwa seThe Golden Age, Consolation, uye zvino Awake! yakaita zvakawanda mubasa rokuparidza. Tinonyengeterera kuti Jehovha acharamba achikomborera kuparadzirwa kwemagazini iyi mumamiriro ayo matsva uye kuti ichabatsira vanhu vakawanda zvikuru “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” kuti vaone Umambo hwaMwari setariro yavo bedzi.—Zvak. 7:9.