Kuparidzira Vanhu Vakawanda Sevatinokwanisa
1. VaKristu vekare vakaitei kuti vasvike vanhu vakawanda sevavaikwanisa nemashoko akanaka?
1 Vateveri vaJesu vokutanga vakaedza nomwoyo wose kuparadzira mashoko oUmambo. Vakatora matanho anoshanda kuti mashoko akanaka asvike kuvanhu vakawanda sevavaikwanisa. Vanyori veBhaibheri vechiKristu vakanyora mabhuku avo akafuridzirwa muchiGiriki chaitaurwa nevoruzhinji, chinovawo ndicho chaitaurwa nevanhu vose muUmambo hweRoma. Uyezve, vaparidzi vanoshingaira vomuzana remakore rechipiri nerechitatu C.E. zvichienda mberi, vangangodaro vaive vokutanga kushandisa kodhekisi, iyo yakanga iri nyore pane kushandisa mupumburu pakutsvakurudza.
2, 3. (a) Isaya 60:16 iri kuzadzika sei mazuva ano? (b) Unyanzvi hwemazuva ano huri kushandiswa sei kuti kunamata kwakachena kufambire mberi?
2 Kushandisa Unyanzvi Hwemazuva Ano: Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akafanotaura kuti: ‘Uchayamwa mukaka wemarudzi.’ (Isa. 60:16) Mukuzadzika kwouprofita uhwu kwemazuva ano, vashumiri vaJehovha vari kushandisa pfuma inokosha yemarudzi kuti basa rokuparidza rifambire mberi. Somuenzaniso, muna 1914, makore akati vanhu vasati vava kushandisa mifananidzo ine vanhu vanotaura, vadzidzi veBhaibheri vakatanga kuratidza bhaisikopo rinonzi “Photo-Drama of Creation.” Bhaisikopo iri raiva rakareba maawa masere raisanganisira mharidzo, riine mapikicha ane ruvara uye paine inzwi rinonzwika, rakapa uchapupu hwakasimba kumamiriyoni evanhu.
3 Nhasi, vanhu vaMwari vanoshandisa michina yokudhindha inokurumidza zvikuru uye mapurogiramu ekombiyuta kuti vabudise maBhaibheri nemabhuku eBhaibheri mumazana emitauro. Mabhuku eBhaibheri ari kutumirwa kunzvimbo dziri kure zvikuru dzepasi, kuti asvike vanhu vari munyika 235 pachishandiswa zvinotakura zvinhu zvinokurumidza chaizvo. Achishandisa mudzimu wake, Jehovha akaita kuti vashumiri vake vashandise unyanzvi hwemazuva ano hwakadaro, achiita kuti chokwadi cheBhaibheri chisvike kuvanhu vakawanda kupfuura kare munhoroondo yevanhu.
4. Kugadziridza kupi kwakaitwa nevamwe muupenyu hwavo kuti vasvike vanhu vakawanda nemashoko akanaka?
4 Kugadziridza: Vanamati vechokwadi vavewo vachinzwa vachida kugadziridza zvinhu zvavo kuti vakwanise kusvika vanhu vakawanda nemashoko akanaka. Vakawanda vakaita kuti upenyu hwavo huve nyore kuti vawane nguva yakawanda vachiparidza. Vamwe vakatamira kunzvimbo dzinodiwa vazivisi voUmambo zvikuru. Vamwe vakawedzera ushumiri hwavo nokudzidza mumwe mutauro.
5, 6. Chii chingaitwa kuti tisvike vanhu vakawanda sevatinokwanisa mundima yedu?
5 Uyezve, tinogonawo kusvika kuvanhu vakawanda nemashoko akanaka nokuparidza vanhu pavanenge vari pamba uye uko kunowanika vanhu. Kana vanhu vasingawanzovi pamba masikati mundima yenyu, ungagadzirisa purogiramu yako kuti uparidze mumaawa okutanga emanheru here? Pane nzvimbo dzinogara dzichiwanika vanhu uko uchapupu hungaitwa here? Wakamboedza kupupurira norunhare uye kushanda mundima yebhizimisi here? Unotsvaka mikana yokuparidza zvisina kurongwa here?
6 Takakomborerwa zvikuru kuitawo basa guru rokupupurira zita raJehovha noUmambo hwake! Ngatirambei tichizivisa chokwadi chinopa upenyu chinobva muShoko raMwari kuvanhu vakawanda sevatinokwanisa.—Mat. 28:19, 20.