“Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwemashoko Akanaka”
1. Muparidzi woUmambo anoda kuitirei vamwe, uye nei?
1 Muapostora Pauro ainzwa aine mutoro wokuzivisa vamwe mashoko akanaka. (1 VaK. 9:16, 19, 23) Saizvozvowo, kuva nehanya kwedu nokuti vanhu vabatsirwe nokusingaperi kunoita kuti tiite zvose zvatingagona kuti tivaudze mashoko akanaka.
2. Patinenge tichiparidza, tingada kugadzirisa chii, uye nei?
2 Paridza Kunowanikwa Vanhu uye Panguva Yavanowanikwa: Mubati wehove anogona basa anoredza paanoziva kuti hove dzinowanika uye panguva yadzinodyira, kwete paanenge achida iye. Se“vabati vevanhu,” isuwo tingafanira kugadziridza purogiramu yedu kuitira kuti tiwane vanhu mundima yedu zvoita kuti tinakidzwe zvizere neropafadzo yokuunganidza “hove dzemarudzi ose.” (Mat. 4:19; 13:47) Tingashandisa nguva yorubvunzavaeni kuti tiwane vanhu pamisha yavo kana kuti mangwanani-ngwanani kuti tiite kupupura kwomumugwagwa here? Chinangwa chaPauro chaiva ‘chokupupurira kwazvo mashoko akanaka,’ uye akashandisa mikana yakakodzera kuti aite izvozvo.—Mab. 17:17; 20:20, 24.
3, 4. Patinenge tiri muushumiri, tingachinja-chinja sei mharidzo dzedu, uye zvinobatsirei?
3 Chinja Mharidzo Yako Kuti Ienderane Nezvinodiwa Nevanhu: Vabati vehove vanowanzochinja nzira dzavanoshandisa kuitira kuti vabate hove dzorudzi rwakati. Tingataura sei mashoko akanaka oUmambo zvinoita kuti vanhu vomundima yedu vafarire? Nounyanzvi, tinofanira kusuma nyaya inobata mwoyo yevanhu vakawanda tobva tanyatsoteerera zvavanotaura nezvenyaya yacho. (Jak. 1:19) Tingabvunza zvavanofunga nezvenyaya yacho kuitira kuti vataure. (Zvir. 20:5) Tikaita izvi tichakwanisa kuchinja totaura mharidzo yedu yemashoko akanaka nenzira ichavabatsira muupenyu hwavo. Pauro akava “zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose.” (1 VaK. 9:22) Kuchinja-chinja mharidzo kunokosha kuti tibaye mwoyo yevanhu.
4 Zvinofadza zvikuru kutaurira vanhu “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani”! (Isa. 52:7) ‘Ngatiitei zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka’ kuti tikwanise kuparidzira vanhu vakawanda.—1 VaK. 9:23.