Uri Kushandisa Mahendibhiri Here?
Rimwe zuva mumwe mukomana ane makore 11 akanonga hendibhiri raizivisa hurukuro yavose yaitaura nezvehero. Akazotsanangura kuti, “Rakaita kuti ndide kuziva zvakawanda nokuti zvinoita sokuti ndaigara ndichiita zvinhu zvakaipa, saka ndainetseka zvikuru nezvokuti ndaizoenda kuhero inopisa kana ndafa.” Akaenda kunoteerera hurukuro yacho, uye kwapera rinenge gore, adzidza Bhaibheri kanoverengeka, akabhabhatidzwa. Ndiwo matangiro akaita Karl Klein basa rechiKristu, uyo akazoshanda makore akawanda ari nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Zvose izvi zvakatangwa nehendibhiri.
Nhasi mahendibhiri achiri chinhu chinobatsira chaizvo pakuparidza. Vaparidzi vakawanda vanoona kuti kupa munhu hendibhiri inzira yakanaka yokuzvizivisa uye yokutanga kukurukurirana. Vabereki vangaita kuti vana vavo vaduku vaitewo ushumiri nokugovera hendibhiri pasuo. Vaparidzi vanoparidza netsamba vanogona kuzivisa nguva yemisangano nokuisa hendibhiri mutsamba yacho. Uye zvechokwadi, mahendibhiri inzira iri nyore yokukoka vadzidzi veBhaibheri nevamwe vanofarira kuti vauye kumisangano yedu.
Uri kunyatsoshandisa mahendibhiri muushumiri hwako here?