RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/05 p. 4
  • Uri Kushandisa Mahendibhiri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kushandisa Mahendibhiri Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Zvakanaka Mahendibhiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mushandira Pamwe Womunyika Yose Wokuzivisa Nezvegungano Reruwa Rinoti “Kununurwa Kwava Pedyo!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Kushingaira Kuzivisa Munyika Yose Gungano Reruwa Rinoti, “Tevera Kristu!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Tsigira Zvizere Purogiramu yeUngano Yenyu yoMusangano Wavose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 8/05 p. 4

Uri Kushandisa Mahendibhiri Here?

Rimwe zuva mumwe mukomana ane makore 11 akanonga hendibhiri raizivisa hurukuro yavose yaitaura nezvehero. Akazotsanangura kuti, “Rakaita kuti ndide kuziva zvakawanda nokuti zvinoita sokuti ndaigara ndichiita zvinhu zvakaipa, saka ndainetseka zvikuru nezvokuti ndaizoenda kuhero inopisa kana ndafa.” Akaenda kunoteerera hurukuro yacho, uye kwapera rinenge gore, adzidza Bhaibheri kanoverengeka, akabhabhatidzwa. Ndiwo matangiro akaita Karl Klein basa rechiKristu, uyo akazoshanda makore akawanda ari nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Zvose izvi zvakatangwa nehendibhiri.

Nhasi mahendibhiri achiri chinhu chinobatsira chaizvo pakuparidza. Vaparidzi vakawanda vanoona kuti kupa munhu hendibhiri inzira yakanaka yokuzvizivisa uye yokutanga kukurukurirana. Vabereki vangaita kuti vana vavo vaduku vaitewo ushumiri nokugovera hendibhiri pasuo. Vaparidzi vanoparidza netsamba vanogona kuzivisa nguva yemisangano nokuisa hendibhiri mutsamba yacho. Uye zvechokwadi, mahendibhiri inzira iri nyore yokukoka vadzidzi veBhaibheri nevamwe vanofarira kuti vauye kumisangano yedu.

Uri kunyatsoshandisa mahendibhiri muushumiri hwako here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe