Kushingaira Kuzivisa Munyika Yose Gungano Reruwa Rinoti, “Tevera Kristu!”
Vaparidzi Vachaparadzirazve Hendibhiri
1 Gore rapera mushandirapamwe womunyika yose wokuzivisa Gungano Reruwa raiti “Kununurwa Kwava Pedyo!” wakamutsa havi yevanofarira. Vaya vakabvuma kukokwa vakazvionera kokutanga zvakaita mabiko eZvapupu zvaJehovha ezvokudya zvokunamata zvakawanda. (Isa. 65:13) Vakanakidzwa nokuwadzana kwedu sevaKristu vakabatana zvine ushamwari. (Pis. 133:1) Kuti tibatsire vakawanda sezvingabvira kuti vapinde Gungano Reruwa rinoti “Tevera Kristu!” tichaparadzirazve rimwe hendibhiri munyika yose.
2 Zvakaitika Gore Rapera: Mishumo yomunyika yose inoratidza kuti pakava nemigumisiro yakanaka yokuzivisa Gungano Reruwa raiti, “Kununurwa Kwava Pedyo!” Munzvimbo dzakawanda vatori venhau vakataura zvakanaka nezvedu. Somuenzaniso, rimwe pepanhau rakabudisa nyaya yaiva nezvikamu zvitanhatu pamusoro pomushandirapamwe wacho, richiti: “Kuti zvikoke vanhu vose panguva, Zvapupu zvave zvichibishaira zvikuru munharaunda—zvichishanda maawa akawanda, kufamba madaro akareba uye kutaura nokukurumidza.” Kuparadzirwa kwehendibhiri racho zvakarongeka kwakaita kuti vatori venhau vomune rimwe guta vafarire kubudisa chiitiko chacho zvakazara munhau. Anenge mapepanhau matatu akataura zvakanaka nezvomushandirapamwe watakaita tisati tapinda gungano. Mumwe mutori wenhau akanyora nyaya dzinoverengeka dzaitaura zvakawanda nezvegungano racho dzakazadza mapeji anopfuura maviri mune rimwe pepanhau rinobuda musi weSvondo. Rakatsanangura zvatinotenda, ukama hwedu hwechiKristu, kuparadzirwa kwehendibhiri uye gungano racho. Mumwe muparidzi paakaenda nehendibhiri pane rimwe suo, saimba wacho akamudimburira achiti, “Mufunge ndanga ndichitoverenga nezvazvo mupepa!” Mumwe saimba akati: “Ndanga ndichitoverenga nezvenyu, uye mabva masvika! Iri ndiro pepa rokundikoka here?” Akatizve, “Ichi chinhu chakanaka chiri kuitwa neZvapupu zvaJehovha.”
3 Vanhu vakawanda vanofarira vakauya kunzvimbo yegungano vakabata hendibhiri ravakanga vapiwa. Vamwe vanofarira vakatyaira vachibva kumaguta ari kure kuti vapinde purogiramu yacho. Kushingaira kwedu kukoka vamwe kwakaita kuti vakawanda vapinde gungano, zvichiita kuti imwe nyika ive nevanhu vakapinda gungano vakawanda ne27 muzana kupfuura vegore repaseri.
4 Kuparadzira Mundima: Mungatanga kuparadzira hendibhiri mavhiki matatu gungano renyu risati raitwa. Munofanira kuita nepamunogona napo kuti mupedze ndima yose yeungano. Muungano dzine ndima yakakura, vaparidzi vangasiya hendibhiri nokungwarira mudzimba dzevanenge vasipo muvhiki yokupedzisira musati mapinda gungano. Ungano dzinofanira kutsunga kuparadzira mahendibhiri ose adziinawo uye kuaparadzira mundima yakakura sezvingabvira. Anenge asara anogona kushandiswa nemapiyona ari muungano.
5 Zvokutaura: Ungataura seizvi: “Tiri kuitawo basa riri kuitwa munyika yose rokukukokai kuchiitiko chinokosha chiri kuuya. Iri nderenyu. Mamwe mashoko akawanda muchaawana mupepa racho.” Kuita kuti mharidzo yacho ive pfupi kuchaita kuti mahendibhiri akawanda aparadzirwe. Chokwadi, kana saimba wacho aine mibvunzo, wana nguva yokuipindura. Kana paine vanenge vafarira vanyore pasi wozokurumidza kuvashanyira.
6 Zvinokosha chaizvo kuti tiedze kutevera Kristu! (Joh. 3:36) Gungano redu reruwa riri kuuya richabatsira vose vacharipinda kuti vaite izvozvo. Chokwadi tinogona kutarisira kuti uchapupu hwakakura huchapiwazve kana taita zvose zvatinokwanisa kuzivisa Gungano Reruwa rinoti, “Tevera Kristu!” Naizvozvo, shingairira kukoka vakawanda sezvingabvira kuti vapinde. Jehovha ngaakukomborere zvikuru pane zvaunoedza pakuitawo basa iri riri kuitwa munyika yose.