Tsamba yeBazi
Vaparidzi voUmambo Vanodiwa:
Takava negore rebasa rakanaka chaizvo uye iye zvino tinotarisira nomwoyo wose zvichawana vanhu vaJehovha mugore rebasa ra2006. Gore rapera, pasinei nemamiriro ezvemari uye zvimwe zvinhu zvakaoma munyika ino, hama dzedu dzakaramba dziine kutenda kwakasimba uye dzakaramba dzichishingairira mabasa akanaka.
Sezvamunoziva, iye zvino ndima yemimwe mitauro iri kunyanyokosheswa. Gore rapera, boka rokutanga reFrench rakatangwa muHarare. Iye zvino kwava nemapoka matanhatu oMutauro Wemasaini kuwedzera kuUngano yoMutauro Wemasaini. Vanhu vakawanda vanofarira vari kupinda nemapoka aya, saka zviri pachena kuti vanhu vanogona kuwedzera.
Kumwe kufambira mberi kunofadza kwakaitika gore rapera iri kwaiva kupera kuvakwa kweImba yoUmambo inogona kuitwa kuti ikure kwaChecheche pedyo nokuChiredzi. Izvi zvinomborevei? Iyi iImba yoUmambo inokwana vanhu vanenge 80 uye inoshandiswa neUngano yeChecheche kupindira misangano yayo yenguva dzose. Zvisinei, nechokumashure kweimba iyi kune nzvimbo yokugara ine denga yakawedzerwa inokwana vanhu 670. Madziro okumashure eimba iyi ane madhoo. Pakuita magungano edunhu kana kuti eruwa, madhoo aya anovhurwa, zvichiita kuti pave nenzvimbo yokugara ine denga inokwana vanhu 750. Imba yoUmambo iyi inogona kuitwa kuti ikure yakashandiswa pagungano reruwa kwaChecheche mwedzi wapera. Imwe imba inogona kuitwa kuti ikure iri kutovakwa kwaMutasa uye dzimwe ina dziri kurongwa kuzovakwa kuMadziwa (pedyo neMt. Darwin), Mahuwe (Dande Valley), Murewa, uye Gokwe. Hama dzedu dziri munzvimbo idzi dzakakomborerwa zvikuru nokuti iye zvino dzava nenzvimbo dzakanaka dzokupindira misangano nguva dzose uyewo magungano edunhu neeruwa!
Zvechokwadi tinoda kuonga vose vakatsigirawo zvinhu zvine chokuita noUmambo nokushingaira kuita basa rokuparidza nerokuita vadzidzi, nokubatsira kuvakwa kweDzimba dzoUmambo, kuchenesa, kugadzirisa zvinhu, uye kupa nguva dzose zvipo zvemari kubasa raJehovha. Dai Jehovha akakomborera zvatinoita takabatana kuti “tishandire kurumbidzwa kwokubwinya kwake.”—VaEf. 1:12.
Hama dzenyu,
Hofisi yeBazi reZimbabwe