RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/07 p. 1
  • Tsamba Yebazi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba Yebazi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Pahofisi Yebazi Panoitwei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Tsamba yeBazi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Nzira Dzekuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Rokutanga Makore Zana Apfuura
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 9/07 p. 1

Tsamba Yebazi

Vaparidzi voUmambo Vanodiwa:

Tinofara kuona kuti basa rakafambira mberi mundima yebazi reZimbabwe mugore rebasa ra2007! Tinofara kuti takasvika nhamba yepamusoro yevaparidzi 33 256 muna April 2007.

Maturakiti anoda kusvika 700 000 eMashoko oUmambo Nhamba 37, “Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!” akaparadzirwa muZimbabwe yose. Mumwe murume akanga awana turakiti iri akashanyirwazve. Akatanga kudzidza Bhaibheri uye akashamiswa kuziva kuti Jesu haasi Mwari. Akabvunza vafundisi vokuchechi kwake pamusoro peizvi, pavakatadza kumupindura, akacheka ukama navo akatanga kupinda misangano. Kuti apinde misangano nguva dzose, akatsvaka rimwe basa uye ari kushandira kuti ave muparidzi asina kubhabhatidzwa.

Chinangwa chemishandirapamwe yakadaro ndechokubatsira vane mwoyo yakatendeseka kudzidza kuti Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo. (Mat. 28:19, 20) Sezvamunoparidza, cherechedzai vanhu vanofarira vamungawana uye dzokerai nechinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri.

Panguva yatiri kunyora tsamba ino, basa kuImba Yemagungano yomuHarare riri kufambira mberi zvokuti uya uone uye tinotarisira kupedza Imba iyi kuti izoshandiswa paMagungano eDunhu neeZuva Chairo egore rebasa ra2008.

Tinofara kushanda pamwe chete nemi mubasa iri rinokosha uye tinokukwazisai.

Hama Dzenyu,

Hofisi Yebazi yomuZimbabwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe