Tsamba Yebazi
Vaparidzi voUmambo Vanodiwa:
Tinofara kuona kuti basa rakafambira mberi mundima yebazi reZimbabwe mugore rebasa ra2007! Tinofara kuti takasvika nhamba yepamusoro yevaparidzi 33 256 muna April 2007.
Maturakiti anoda kusvika 700 000 eMashoko oUmambo Nhamba 37, “Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!” akaparadzirwa muZimbabwe yose. Mumwe murume akanga awana turakiti iri akashanyirwazve. Akatanga kudzidza Bhaibheri uye akashamiswa kuziva kuti Jesu haasi Mwari. Akabvunza vafundisi vokuchechi kwake pamusoro peizvi, pavakatadza kumupindura, akacheka ukama navo akatanga kupinda misangano. Kuti apinde misangano nguva dzose, akatsvaka rimwe basa uye ari kushandira kuti ave muparidzi asina kubhabhatidzwa.
Chinangwa chemishandirapamwe yakadaro ndechokubatsira vane mwoyo yakatendeseka kudzidza kuti Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo. (Mat. 28:19, 20) Sezvamunoparidza, cherechedzai vanhu vanofarira vamungawana uye dzokerai nechinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri.
Panguva yatiri kunyora tsamba ino, basa kuImba Yemagungano yomuHarare riri kufambira mberi zvokuti uya uone uye tinotarisira kupedza Imba iyi kuti izoshandiswa paMagungano eDunhu neeZuva Chairo egore rebasa ra2008.
Tinofara kushanda pamwe chete nemi mubasa iri rinokosha uye tinokukwazisai.
Hama Dzenyu,
Hofisi Yebazi yomuZimbabwe