Zivisai Kukudzwa kwaJehovha
1 Munyori wePisarema akati: “Imbirai Jehovha, imi vanhu vose vepanyika. . . . Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi, nemabasa ake anoshamisa pakati pemarudzi ose.” Sezvatinofungisisa zvakaitwa naJehovha, zvaari kuita, uye zvaachatiitira, mwoyo yedu inoita kuti tide kuzivisa kukudzwa kwake!—Pis. 96:1, 3.
2 Muushumiri Hwedu: Zvapupu zvaJehovha zvine ropafadzo yokupupurira zita raMwari uye kurirumbidza pachena pasi pose. (Mar. 1:11) Zvakasiyana zvikuru nevafundisi vechiKristudhomu, vanobvisa vachizvidza zita raMwari mushanduro dzavo dzeBhaibheri! Basa rokuzivisa zita raMwari nderokukurumidzira, sezvo vanhu vachifanira kudana pazita iroro kuti vaponeswe pakutambudzika kukuru kuri kuuya. (VaR. 10:13-15) Uyezve, rugare rwokudenga nepasi, kusanganisira rugare ruri pavagari vepasi, runobva pakutsvenesa zita raMwari. Zvechokwadi, mabasa ose aMwari anobatana nezita rake.
3 “Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa kwazvo.” Asi kuti vanhu vape “Jehovha kukudzwa kwezita rake,” vanofanira kuziva chokwadi nezvake. (Pis. 96:4, 8) Zvisinei, vamwe vanoramba kuti Mwari ariko. (Pis. 14:1) Vamwe vanomushora vachiti haana simba, kana kuti vanoti haafariri zvinhu zvine chokuita nevanhu. Sezvatinobatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vawane zivo yakarurama ine chokuita noMusiki wedu, zvinangwa zvake, uye unhu hwake hwakanaka, tinokudza Jehovha.
4 Nomufambiro Wedu: Kurarama maererano nemitemo yaJehovha yakarurama kunomurumbidza. Mufambiro wedu wakanaka unocherechedzwa. (1 Pet. 2:12) Somuenzaniso, kuchena uye kushambidzika kwedu zvingaita kuti vamwe vataure zvakanaka nezvedu, zvichitiwanisa mukana wokutaura zvakanakira kurarama maererano nezviri muShoko raMwari. (1 Tim. 2:9, 10) Tinofara zvikuru vamwe ‘pavanoona mabasa edu akanaka uye vokudza Baba vedu vari kumatenga’!—Mat. 5:16.
5 Neshoko uye nezviito, ngatirumbidzei Mwari wedu akanaka kwazvo zuva nezuva, toita kudaro tichishevedzerawo nomufaro kuti: “Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake. Zuva nezuva zivisai mashoko akanaka okuponesa kwaanoita.”—Pis. 96:2.