(1) Mubvunzo, (2) Rugwaro, uye (3) Chitsauko
Nzira iri nyore yokugovera nayo bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? (1) ndeyokubvunza mubvunzo wemaonero asaimba, (2) woverenga rugwaro rwakakodzera, uye (3) wotaura chitsauko chiri mubhuku chinokurukura nyaya iyoyo uye woverenga mibvunzo yokutanga iri pasi pomusoro wechitsauko chacho. Kana saimba akaratidza kuti anofarira, ungaenzanisira kudzidza Bhaibheri uchishandisa ndima dzokutanga dzechitsauko ichocho. Izvi zvingashandiswa kutanga kudzidza Bhaibheri nomunhu patinoshanya kekutanga kana kuti pakudzokerazve.
◼ “Munofunga kuti zvinoita here kuti vanhuwo zvavo vasvike pakuziva Musiki wedu wemasimbaose, sezvinotaurwa pano muBhaibheri?” Verenga Mabasa 17:26, 27, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 1.
◼ “Pamusana pezvinetso zvatinotarisana nazvo nhasi, munofunga kuti zvinoita here kuti tiwane nyaradzo uye tariro zviri kutaurwa pano?” Verenga VaRoma 15:4, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 2.
◼ “Dai maiva nesimba rokuita kudaro, maizoita kuti zvinhu izvi zvichinje here?” Verenga Zvakazarurwa 21:4, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 3.
◼ “Munofunga kuti vana vedu vachazombokwanisa kuva mumamiriro ezvinhu anorondedzerwa murwiyo urwu rwekare here?” Verenga Pisarema 37:10, 11, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 3.
◼ “Munofunga kuti mashoko aya achazombozadzika rimwe zuva here?” Verenga Isaya 33:24, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 3.
◼ “Makambofunga kuti zvinobvira here kuti vakafa vazive zviri kuitwa nevapenyu?” Rega apindure. Zvadaro verenga Muparidzi 9:5, uye muratidze chitsauko 6.
◼ “Munofunga kuti zvinobvira here kuti rimwe zuva tichazoonazve vadiwa vedu vakafa sezvakataurwa naJesu mundima idzi?” Verenga Johani 5:28, 29, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 7.
◼ “Munofunga kuti Mwari achaita sei kuti kuda kwake kuitwe pasi pano sezvakunoitwa kudenga, sezvinotaurwa mumunyengetero uyu unozivikanwa zvikuru?” Verenga Mateu 6:9, 10, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 8.
◼ “Munofunga kuti tiri kurarama munguva inotsanangurwa muuprofita uhwu here?” Verenga 2 Timoti 3:1-4, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 9.
◼ “Vanhu vakawanda vanonetseka kuti nei zvinetso zvevanhu zvichiita sezviri kuwedzera kuipa. Mati mambofunga here kuti izvi ndizvo zvingangova chikonzero chacho?” Verenga Zvakazarurwa 12:9, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 10.
◼ “Mati mamboda kuziva mhinduro yomubvunzo wakaita souyu here?” Verenga Jobho 21:7, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 11.
◼ “Munofunga kuti kushandisa zano iri rinobva muBhaibheri kungabatsira vanhu kuti vave noupenyu hwemhuri hunofadza here?” Verenga VaEfeso 5:33, uye rega apindure. Zvadaro muratidze chitsauko 14.
Chidzidzo cheBhaibheri chingashumwa kana chaitiswa kaviri kubva panguva yakaenzanisirwa urongwa hwokudzidza uye kana paine chikonzero chinoratidza kuti kudzidza kwacho kuchaenderera mberi.